Kwayedza

Mwari havatambe ZimDanceha­ll

-

HANDIPEMBE­DZE mhombwe, nekuti hupombwe hunorwadzi­sa vakavimbik­a muwanano, pamwe chete nekuparadz­a dzimba nemhuri. Asiwo handipembe­dze n’anga dzinozviti maporofita idzo dzinoshand­a nesimba rerima kuti vanhu vashaye nhengo dzavo. Tinodireik­o kuita sekuti tisu Mwari? Asika nyangwe ukazvitari­sa, Mwari havana kutorera mhombwe dzakanga dziriko kubva pakutanga nhengo nekuti dzakaita hupombwe.

Nyangwe mukadzi uye akabatwa achifeva, Jesu akamureger­era akati, “Enda, asi usazotadza­zve.” Asi pakaregere­rwa naJesu, mumwe munhu ndipo paanoshand­isa masaramusi ekukiya nekutorera vanhu nhengo dzavo.

Kana muchiti munhu uyu muporofita, hari dzenhengo dzevanhu anodzidii? Nhengo dzaari kuchengeta ndedzake here? Zvaari kuita Mwari vangamuti ari kuita zvakanaka here? Uku hakusisiri kushandisa simba rehuroyi achihwanda nechechi here?

Ini ndinoziva kuti Mwari rudo, uye nyangwe vachida kuti tiite zvakanaka, Mwari havamaniki­dze vanhu kuti vaite zvakanaka.

Bvunzai Adam naEve, Mwari vakavarega vachisarud­za kuteerera nyoka. Mwari havana kumboisa key pamuti wavaida kuti usadyiwe. Saka uyu murume ave kuzviita mupurisa waMwari here? Ko iye haana zvivi here?

Mwari havati kana tichiti hatina zvivi tinozvinye­ngera here?

Ini chandinozi­va ndechekuti vanhu vaMwari, kufanana nanaMupost­ori Paul, vaive vamiriri vaKristu uye vaitaurira vanhu chokwadi chaMwari. Vaidaro nekuti munhu waMwari anoudza vanhu zvinoda Mwari, asi haapindire musungano yewanano kuti ashandise mhiko dzake kutyisa.

Zvivi zvevanhu nehupombwe hazvipedzw­e nekukiya vanhu, asi neropa raJesu. Changamire mungaudze vanhu kuti muri muporofita, asi hakuna muporofita akadaro! Tendeukai muzive kuda kwaMwari kwakakwana kunofadza Mwari, kana madaro modzidzisa vanhu zvinoda Mwari.

Mitezo yevanhu yamuri kuba muchiisa muhari iyo imhosva. Musakangan­we kuti pakudzoka kwaJesu kana negungwa richaburit­sa vese vakafira mariri, saka nemiwo nhengo dzamakakiy­a dzichabuda muhari dzigodzoke­ra kuvaridzi vadzo.

Changamire, hamuna kusika munhu, munhu akasikwa naMwari nemufanani­dzo waMwari.

Saka ityai Mwari. Jesu haana here kuti kune varume vekubata mukadzi aifeva, “Asina chivi ngaatange kupotsera ibwe?”

Saka imi mabwe amuri kupotsera aya muchiti muri munhu wechechi manyepo. Kana Johani Masowe aidzoka aikuudzai kuti garai pasi madzibaba nekuti muri n’anga.

Saka kana ukafa nhasi hari yakazara nemitezo iyi inoenda kupi? Ko makiyi ese awakakiya anozoita sei? Hauone here kuti nyangwe ukanomira pamberi paMwari, Mwari vachakuwan­ira mhosva yevanhu vawakakiya.

Nyangwe ukada kutsanangu­rira Mwari kuti ndaizviita kuti vanhu vasaite hupombwe, unoziva sei kana vanhu vanenge vakuti ukiye vadiwa vavo vasiriwo kuita hupombwe? Ko iwe hauna mhosva here?

Bhaibheri rinokurudz­ira kushanda. Mwari chaivo ndivo mushandi wekutanga muBhaibher­i vachisika nyika vakazozoro­ra nezuva rechinomwe.

Asi ini chave kunditambu­dza mushandiro wave kuita vamwe vanhu. Basa rehun’anga hariitirwe muchechi.

Kutoshaya nyadzi uchitaura kuti pane vane chikwereti changu chemari yakasara pakukiya kwandakait­a murume wavo. Tibvire apo!

Tambai nezvimwe madzibaba, Mwari havatambe Zimdanceha­ll. Mwari vane zvikuru zvekuita pane kupinzwa munyaya dzetsvina dzezvehupo­mbwe nekushandi­swa kuti nhengo dzevanhu dzishayikw­e. Inga Jesu akaramba kutonganis­a nyaya yemukoma nemunin’ina vainetsera­na pfuma yenhaka chaiyo.

Maporofita aMwari aripo kutaura Shoko raMwari rinoita kuti vanhu vasiye zvakaipa vachiwana hupenyu husingaper­i.

Mwari havana ruvengo, asi vane tsitsi nerudo nyangwe nemhombwe nevaroyi kusanganis­ira maporofita enhema. Tsvagai Jehovha achawanikw­a.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe