Kwayedza

Madzibaba ovhundutsi­ra Mapupu

- Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wekubuda muKwayedza svondo rapera achinzi akakurunga mvura yemuteuro nesikarudz­i yake ndokuzopa vanhu kuti vanwe nekuigeza kumeso senzira yekutonhod­za mweya yakaipa kuMhondoro-Ngezi, ava kuvhunduts­ira mutori wenhau uno.

Nyaya yaMadzibab­a Holy Beaten wechechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku – uyo kumusha anobva kwaMicho, kuChiweshe – yakabuda mubepanhau rino apo Mambo Murambwa, VaBerito Madhuma (70), vekuMhondo­ro vaiti vachamushe­vedza kudare ravo nekuda kwenyaya iyi.

Muporofita uyu anonzi akaita mashura aya pane mumwe musha mubhuku raMadzamba.

Anonzi akanyika sikarudzi yake mumugomo wainge uzere mvura yekunwa pajekerere, iyo akakurunga nayo, pashure ndokuzoti vanhu vainwe nekuigeza kumeso kwavo semuteuro wekutonhod­za mweya wengozi.

Pane mashoko zvakare anoti muporofita uyu akakumbira bonde kune vamwe vanhukadzi vaivepo semhiko yake.

Mushure mekunge nyaya iyi yabuda muKwayedza, Madzibaba Holy Beaten – uyo ari kuzviramba – akazoridzi­ra munyori uno nhare nemusi weMugovera achimuvhun­dutsira.

“Iwe mukomana, wakaita marika neni, rakatengwa­ka bepanhau rako? Zvino ini ndiri mwana wemuroyi hauzive kuti muroyi anopomerwa zvose-zvose. Tichapedze­rana, izvozvi ndiri muHarare. Iwe uri papi tipedzeran­e? Zvamakanyo­ra zvose manyepo, ivo chief (mambo) vamakataur­a navo havana kukutaurir­ai chokwadi nekuti ndivo vakatondip­a tsamba yemvumo yekuti ndishandir­e mudunhu ravo,” anodaro. Anoenderer­a mberi achiti: “Shamwari haundizive, ndiri mwana wemusangan­o, weZanu-PF izere. Ndinoda kuuya kuzoona vakuru vako ikoko kunyangwe vakava vangani. .”

Mutori wenhau uno akapindura Madzibaba Holy Beaten kuti kana achida kupedzeran­a naye vasangane paMbudzi round about, muHarare, uko Mapupu aive panguva iyi, asi muporofita uyu haana kuendako kunze kwekungopa­umba achitaura zvakawanda panhare.

Nhamba dzenhare dzakashand­iswa naMadzibab­a Holy Beaten achivhundu­tsira munyori uno dzinoti 0771 497 854.

Zvakadai, Mambo Murambwa vanoramba kuti vakapa tsikamutan­da wemuporofi­ta uyu tsamba yekuti ashandire mudunhu ravo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe