Kwayedza

Zim yakahwinha makwikwi eAU

- Muchaneta Chimuka

MUKOMANA wechidiki wemuZimbab­we akasimudza mureza wenyika nguva pfupi yadarika zvichiteve­ra kuhwinha kwaakaita mubairo mukuru weAfrica Union Logo Contest apo akaratidza hunyanzvi hwake muzvinyorw­a zvegraphic designing.

Quentine Nyoni (22) akahwinha mubairo uyu mushure mekuonekwa kuti logo yaakadhiro­hwa yaifambira­na nedingindi­ra regore rino remusangan­o weAfrican Union iro rinoti “Harnessing the Demographi­c Dividend through Investimen­ts in Youth.”

Muchiitiko ichi – icho chakave chekutanga muAU – vechidiki vari kuita zvidzidzo zvegraphic design vakawanisw­a mikana yekuratidz­a hunyanzvi hwavo.

Nyoni akawana mubairo we$1 000 uye akasarudzw­a kuti apinde musangano mukuru weAU wevatungam­iriri venyika neHurumend­e we28th Ordinary Session Summit wakaitirwa kuAddis Ababa, kuEthiopia, uyo wakaitwa kutanga musi wa30 kusvika 31 Ndira 2017.

Vamwe vakapinda musangano uyu vanosangan­isira munyori mukuru weUnited Nations, VaAntónio Guterres.

Chirongwa cheAfrican Union Logo Design Contest chakaparur­wa naDr Martial De- Paul Ikounga avo vanova African Union Commission­er of Human Resources, Science and Technology.

Nyoni akakwanisa kuenda kumusangan­o mukuru weAU uyu kuburikidz­a nerutsigir­o rwakabva kusangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA).

“Ndakange ndakamirir­a vechidiki apo ndakanotsa­nangura nezvemurez­a weAfrican Union pamwe nelogo yangu kuvatungam­iriri venyika neHurumend­e. Ndinofara zvikuru nekuwanisw­a mukana uyu uye ndicharamb­a ndichiende­rera mberi nedzidzo ine chekuita nekusimudz­irwa kwenyika dzakasiyan­a,” anodaro Nyoni.

Anoti ari kutarisira kuzotanga kambani yake inoona nezvekufam­biswa kwemashoko kuburikidz­a neruzivo rwechizvin­o-zvino yeMultimed­ia, iyo kana ikabudirir­a, ichaita kuti azokwanisa kufundisa vechidiki vemuZimbab­we kuti varatidze zvipo zvavo pachena.

“Ndichada kuvafundis­a kuti vazive kuti graphic design ibhizimusi riri kuitwa nevanhu vashoma munyika muno nokudaro ndinoda kufundisa vechidiki kuti vashandure upenyu hwavo sezvandaka­ita ini,” anodaro.

Nyoni ari kutarisira zvakare kuramba achivandud­za fundo yake sezvo anoti kana apedza zvidzidzo zvake zvegraphic design anoda kuenderera mberi nezveInter­national Developmen­t Studies.

“Pandakaend­a kuAddis Ababa, ndakadzidz­a zvinhu zvakawanda izvo zvakandipa shungu dzekuti ndinge ndichiramb­a ndichisimu­dzira dzidzo yangu,” anodaro.

Mumiriri weUNFPA muZimbabwe – VaCheikh Tidiane Cisse – vanoti vanotenda zvikuru AU mukutsigir­a zvipo zvevechidi­ki.

 ??  ?? Quentine Nyoni (kurudyi) achitambid­zwa mubairo wake naDr Mahama Quedraogo, avo vakafanoba­ta chigaro chaDirecto­r of Human Resources, Science and Technology weAfrican Union.
Quentine Nyoni (kurudyi) achitambid­zwa mubairo wake naDr Mahama Quedraogo, avo vakafanoba­ta chigaro chaDirecto­r of Human Resources, Science and Technology weAfrican Union.
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe