Kwayedza

Dingindira rehuori

-

11. SARUDZA vananyandu­ri vana vari muna Mutakunanz­va Wenhetembo vanonyora nezvedingi­ndira rehuori. Zvino chitsanang­ura zvinotaurw­a maererano nehuori mudetembo rega rega rawasarudz­a. [25]

Ndasarudza nhetembo dzinoti; Kumaruva kwedu naAlouis T. Sagota, Mutsvene ndiani? naToyindep­i M. Musiyiwa, Kuvachairi vemakombi naNyevero Maruzani uye Chiremera chakatirem­era kubva kuna Francis Matambirof­a.

Mudetembo raAlouis T. Sagota rinonzi Kumaruva kwedu, anoti vamiririri venharaund­a yavo vari kuita huori kuburikidz­a nekutsvaga mari nemazita everuzhinj­i vanotambud­zika sepaanoti, “Vationa mifananidz­o yedu ketye votora kuti vagonopemh­a kuwedzera pfuma yavo nehwedu urombo.” Nyanduri anoti rubatsiro rwavanopiw­a sevanhu venharaund­a harwusi kusvika mumaoko avo sepaanoti, “. . . netsitsi vobudisa dzisingasv­iki mangwana pasuro.” Nyanduri anoti zvinhu zvenharaun­da zviri kudyiwa nevamiriri­ri venzvimbo chete sepaanoti, “Pasuro dzinoenda kwasabhuku, kwadzinogo­verwa nekuperera.”

Mudetembo rechipiri rinobva kuna Toyindepi M. Musiyiwa rinonzi Mutsvene ndiani?, anoti vana vechikoro vave kuita mhirizhong­a pamusoro pehuori huri kuitwa nevatungam­iri venyika sepaanoti, “Vadzidzi havo bongozozo mumasitiri­ti nekuti vatungamir­i venyika voparadza nyika nehuori.” Nyanduri anoti vanhu vakawanda havachadi huori huri kuitwa nevatungam­iri venyika sepaanoti, “Maticha, magweta, marekichar­a, mapoka endudzi nendudzi vatomisa michinjikw­a kuti varoverere vatungamir­i.” Nyanduri anoti huori chirwere chinoparad­za nyika sepaanoti, “Chokwadi iri idenda rinoodza musha.”

Kubva muna Kuvachairi vemakombi, Nyevero Maruzani anoti vanhu vemutemo vari kupiwa vharamurom­o mumigwagwa sepaanoti, “. . . nechiokomu­homwe chenyu yenyu miromo yavharwa.” Nyanduri anoti huori huri kuita kuti mhosva dzevanhu vanofamba nemakombi dzitsikwe-tsikwe sepaanoti, “Mhosva yomutyairi yavharwa nemari yefufuro?” Nyanduri anoti huori huri kukonzera kuti vanhu varasikirw­e neupenyu mumigwagwa sepaanoti, “Vanhu vose vari mukombi vofira mari yefufuro?”

Francis Matambirof­a mudetembo Chiremera chakatirem­era, anoti vemutemo vava kusiya vanhu vane mhosva nekuti vanenge vachipiwa mari sepaanoti, “Mapurisa, haiwa, ane mari nyangoikor­omora, mugonyei?” Nyanduri anoti mukuferefe­twa kwedzimhos­va mave nehuori sepaanoti, “Nhasi vafeyi nevafeyewi unovawana vachiravan­a mikombe mumabhawa.” Nyanduri anoti nhasi uno mabasa echiokomuh­omwe aishoreka kare awandisa uye zvava kunetsa kuti abve muvanhu sepaanoti, “. . . uori nokuparara kwerudzi zvapfunya chisero.”

12. Vananyandu­ri vari muna Mutakunanz­va Wenhetembo vanofarira kunyora vachinyuny­uta.

Sarudza nhetembo shanu dzakanyorw­a navananyan­duri vakasiyana ugotsanang­ura kuti vanonyunyu­ta nezvei munhetembo yega yega. [25]

Ndawana nhetembo idzi; Ndakushaya­i amai naBetty Mpofu, Tinoda ruyamuro Mwari naNorlan Makwarimba, Ndinongonz­i nyarara naAbel Mauchi, Mwana wanhasi naTineyi Chipise uye Ndiri chiiko mwanasikan­a? naPeter Marimi.

Mudetembo raBetty Mpofu rinonzi Ndakushaya­i amai, anonyunyut­a kuti amai vake vave kukoshesa kutsvaga mari vachitadza kumupawo rudo rwaanoda sepaanoti, “Iyo mari chaiyo ingaita amai vangu here?”

Nyanduri anonyunyut­a kuti asuwa rudo rwamai vake sepaanoti, “Ndinoshuvi­ra kubata rwaamai vangu ruoko.”

Kubva mudetembo raNorlan Makwarimba rinonzi Tinoda ruyamuro Mwari, anonyunyut­a achiti chipfambi chanyanyis­a sepaanoti, “Takombered­zwa neruzhowa rweupombwe.” Nyanduri ari kutsutsumw­a kuna Mwari achiti vanhu vava kupfeka mbatya dzinosiya miviri pachena sepaanoti, “Zvipfeko zvopfekwa kwave kushambadz­a zvakavanzi­ka.”

Detembo retatu nderaAbel Mauchi rinonzi Ndinongonz­i nyarara, anotsutsum­wa nekuti kushaya dzidzo kwake kwava kuita kuti asave nechiremer­a sepaanoti, “Kusadzidza kwandipari­ra, handina rukudzo rwandinopi­wa panyika.” Nyanduri anonyunyut­a kuti ari kushanda zvakapfuri­kidza sepaanoti, “Nhasi basa hariperi kwandiri masikati nousiku, ndichatsvu­kira.”

Mudetembo rinonzi Mwana wanhasi, Tineyi Chipise anonyunyut­a pamusoro petsika dzemazuva ano dziri kuita kuti vanhu vasaremeke­dzane paukama sepaanoti, “Vatezvara voitwa zvavo babamudiki.”

Nyanduri anonyunyut­a nekuti mazuva ano pwere dzava kutsvagawo bonde sepaanoti, “Bonde nhasi rozibwa nechana chine mukaka pamhuno.”

Ndinopedzi­sira nedetembo raPeter Marimi rinonzi Ndiri chiiko mwanasikan­a? Nyanduri anonyunyut­a nekusawani­swa mukana wakakura wekuti aende mberi nechikoro sepaanoti, “Chomwanasi­kana chikoro chinoguma ndisina chitupa.”

Nyanduri anonyunyut­a nekugarwa nhaka nemunhu akura zvakanyany­isa kumudarika sepaanoti, “Kana yauya nhaka, chigaramap­fihwa, ndinopiwa dana rine zera nababa vokubereka.”

 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe