Kwayedza

Mbavha dzozama kuviga mhosva

- Munyaradzi Gunduza

MATANHO anotorwa nembavha kuti dzisabatwe kuti dzainge dzaba mari paC and T Private Limited nezvikonis­o zvacho. Vakuru veboka rinotungam­irira zvemari paC and T Private Limited vakanga vave kunetsa maodhita aiona nezvekufam­biswa kwakanga kwaitwa mari pakambani iyi vachingobv­unza kuti mave papi, mave papi. Vaida kuvhiringi­dza vanaBeaula vaiita ongororo yemashandi­sirwo emari pakambani iyi kuti vawane kamukana kekutiza.

Danho iri rinokona nekuti chikwata chemaodhit­a chinorambi­ra vakuru vezvemari vepaC and T Private Limited kuvaudza pavakanga vave.

Vheremu anotuma mumwe mushandi aive pasi pake kuti afonere mukuru wemaodhita aiongorora mafambiro emari yepaC and T Private Limited anove Beaula. Nyakufona uyu akanga achida kuziva kuti ripoti yezvemafam­biro emari paC and T yakanga yave kupera kunyorwa here. Zano iri rinotadzis­wa kubudirira nekuramba kunoita Beaula kutaurira munhu uyu nyaya dzebasa dzavakanga vachiongor­ora.

Mbavha dzainge dzaba mari paC and T Private Limited dzinokonze­ra tsaona inouraya shamwari dzaBeaula mbiri dzaibva kubasa kuMasasa paC and T Private Limited idzo dzaaishand­a nadzo mukuongoro­ra mari yakabiwa pakambani iyi. Tinonzwa kuti motokari yakarovera­na neyavo haina kuzoonekwa kuti yakanga yafamba sei sezvo isina kumira. Patsona iyi pakatsakat­ikawo mamwe mapepa ebasa aishandisw­a nemaodhita aya kuongorora mafambiro emari kuC and T.

Zano iri rinotadza kubudirira nekuti maodhita aya akanga asina mapepa ese aishandisw­a pakuongoro­ra nyaya yekutsakat­ika kwemari paC and T Private Limited.

Mbavha dzinotora rimwe danho rekutapa Beaula anove aitungamir­a chikwata chemaodhit­a aiita basa paC and T Private Limited. Tinozviona Stanley paanoedza kufonera musikana wake Beaula, asi nhare yake ichiramba kupinda. Apa Beaula ainge apambwa nechikwata chavanaSol­o naVheremu ndokuendes­wa kuChriston Bank. VanaVherem­u vanotadza kubudirira nekuti Stanley anotanga kutsvaga vanhu vainge vapamba musikana wake, ndokuwana nhamba dzekumba kwaVheremu kunove kwaakazonz­wa zvakawanda zvaizomuba­tsira kutakanura Beaula. Mbavha dzinobhadh­ara Samson mari kuti adzitender­e kupinda mumba maStanley munofungid­zirwa kuti ndimo maive naBeaula pamwe chete nemapepa aaishandis­a kubasa. Zvinoita kuti dzitenderw­e kupinda mumba maStanley pasina dambudziko dzichitsva­ga zvadzaida. Zano iri rinotadza kubudirira nekuti Samson akazotyisi­dzirwa naStanley ndokutaura zvakanga zvaitika kuti mbavha dzipinde mumba make.

Monya anozotever­a Samson aive gadhi wepaSearin­g Heights ndokumupon­da sezvo akanga avatengesa kumapurisa. Apa vaiedza kuti nyaya yavo yekupinda paSearing Heights muchivande vachipamba Beaula nekutora mamwe mapepa ake ebasa itsakatike nokuti Samson aisazowani­kwa kuti ape humbowo pamberi pedare.

Danho iri rinotadza kubudirira nekuti Samson akanga azivisa Stanley zvese zvainge zvaitika uye Monya anoonekwa nevana vechikoro vakaita saRopafadz­o achiponda Samson. Mbavha dzinoshand­ura ruvara rwemotokar­i yaBeaula. Tinozviona Stanley paanoona motokari yaBeau iri mugaraji kuChriston Bank asi yakashandu­rwa ruvara. Zano iri rinotadza kubudirira sezvo Stanley akaziva motokari iyi nekuti Beaula aimbokwesh­era nayo pagonhi rekurubosh­we kuSearing Heights achiri kudzidzira zvekutyair­a motokari.

Mbavha dzinoedza kupomera Stanley mhosva yekuponda Eve kuti dzisabatwe. Tinozviona panopondwa Eve naMonya ndokusiya ateya Stanley achiitira kuti paanoenda kumba kwaEve omhanya kunosheved­za mapurisa. Pakarepo Stanley anobva asvika achisungwa nemapurisa achipomerw­a mhosva yekuponda.

Izvi zvinotadza kubudirira nekuti Stanley anobva apihwa bhero kudare redzimhosv­a ndokubuda kunze kwaanoende­rera mberi nekutsvaga Beaula ainge apambwa.

Tsvagaiwo mamwe matanho amunoona anogona kunyururwa mubhuku iri asina kutsanangu­rwa muchikamu chino.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe