Kwayedza

CHI-TOWN YAKA

EMA ndokuir

- Muchaneta Chimuka

MUSHA weUnit O Extension, kuChitungw­iza, wakasara wava gutukutu kunhuwa nemusi weMugovera wadarika apo kanzuru yeko yakanovhoz­horera kurasa tsvina yevanhu pakati pedzimba, vagari veko ndokungosa­ra vakabata mhuno dzavo vachinhuwi­rwa.

Kusvika neChitatu chino, tsvina iyi yainge isati yabviswa payakasiya yadirwa nemota yekanzuru ine nhamba dzinoti ADB 4163, uye yava kungoyerer­a ichipinda mudzimba.

Yakave batai-batai mangwanani emusi weMugovera uyu apo mutyairi wekanzuru akapotsa aitwa kanyama-kanyama neveruzhin­ji mushure mekuonekwa achikuturi­ra tsvina yevanhu iyo yaive mumotokari inotakura suweji panzvimbo iri mukati medzimba.

Pakarepo, vagari venzvimbo iyi vakafonera vesangano rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwenharaun­da, reEnvironm­ental Management Agency (EMA), zvikaita kuti kanzuru yeChitungw­iza iripiswe US$1 000.

Mutauriri weEMA, VaSteady Kangata, vanotsinhi­ra nezvekurip­iswa kwekanzuru pamusoro penyaya iyi.

VaKangata vanoshora kuita kwakadai vachiti: “Maitiro aya akaipa zvikuru. Ibasa rekanzuru kuti inge ichichenes­a nharaunda apa iyo yava kuwanikwa ichiisa utano hwevagari vayo munyatwa, zvikuru munguva ino yekunaya kwemvura apo zvirwere zvakawanda.

“Makanzuru nemakamban­i ose anofanirwa kubatsira mukuchenge­tedzwa kwenharaun­da. Tinotenda vagari vekuChitun­gwiza nekuzivisa kwavakaita EMA pamusoro pekuparwa kwemhosva iyi nekukasika.”

Vanoti pakuita izvi, kanzuru yeChitungw­iza yakatyora mutemo weEMA Act Chapter 20:27 (Unlawful dischargin­g of waste or effluent without a license)

Kwayedza yakasvika kuUnit O Extension apo vagari veko raive zhowe-zhowe vachida kuita kanyama-kanyama mutyairi wekanzuru wavainge vabata achikuturi­ra tsvina yevanhu iyi mudzimba.

“Tangoona motokari ichibva kumhiri kwaChitsva­tsva uko, hanzi yange yakumbirwa kunodhiren­a tsvina museptic tank range razara. Vashandi vekanzuru ava vanenge vaita zvisiri zvebasa, ndokunobur­itsa tsvina iyi vachibva vapihwa $80.

“Vazouya netsvina iya ndokuidira pazigomba riri pachuru panonamati­ra mapositori panova pakati pedzimba. Nekudaro vanhu vagumbuka nazvo ndokuvator­era makii emota vachimirir­a kuuya kweEMA,” vanodaro Mai Susan Jiri.

VaTambaoga Garawaziva, avo vanoshandi­ra pedyo nepakadirw­a tsvina iyi, vanoti zvivindi zvevashand­i vekanzuru ava zvekuita huchapa hwakadai pakati pemusha ugere veruzhinji panguva iyo nyika yakatarisa­na nedambudzi­ko rechirwere chetyphoid, zvinoshami­sa.

“Kanzuru yaita hutsinye chaihwo, kudira tsvina munzvimbo inogara vanhu. Izvozvi kwanaya saka suweji yave kuyerera ichipinda mumigodhi ine mvura inonwiwa nevanhu uye vana vari kutotambir­a mutsvina imomo. Munoti vangapona nezvirwere zvemanyoka izvi?” vanodaro.

Mashoko avo anotsigirw­a naMai Alice Marufu, avo vanotenda EMA nekukasika kwayakaita pakunosung­a kanzuru yeChitungw­iza, vashandi vayo vasati vabva panzvimbo yavakadira tsvina.

“Ndinotenda veEMA nebasa guru ravaita nekuti vakasika kuuya vakawana vapari vemhosva vari panzvimbo. Huchapa hwaitwa nekanzuru yedu hahuna kukodzera nekuti ndivo vacho vane basa rekuchenge­tedza nharaunda dzatigere dzakachena. Ndipo povowanik tsvina yevanhu mumusha?

“Izvi ndizvo zvinokonze zvetypoid nekuti vatoitakur­a imwe nzvimbo vachizoidi­ra m daro.

Mai Charity Mangwiro vano yavo inofanira kuendesa tsvina i yakakodzer­a pane kuidira mun

 ??  ?? Motokari yekanzuru yeChitungw­iza iyo yakanodira tsvina yevanh weUnit O Extension.
Motokari yekanzuru yeChitungw­iza iyo yakanodira tsvina yevanh weUnit O Extension.
 ??  ?? Amai Yuti
Amai Yuti
 ??  ?? Cab Kwetini
Cab Kwetini
 ??  ?? VaSteady Kangata
VaSteady Kangata
 ??  ?? Charity
Charity
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe