CHI-TOWN YAKA
EMA ndokuir
MUSHA weUnit O Extension, kuChitungwiza, wakasara wava gutukutu kunhuwa nemusi weMugovera wadarika apo kanzuru yeko yakanovhozhorera kurasa tsvina yevanhu pakati pedzimba, vagari veko ndokungosara vakabata mhuno dzavo vachinhuwirwa.
Kusvika neChitatu chino, tsvina iyi yainge isati yabviswa payakasiya yadirwa nemota yekanzuru ine nhamba dzinoti ADB 4163, uye yava kungoyerera ichipinda mudzimba.
Yakave batai-batai mangwanani emusi weMugovera uyu apo mutyairi wekanzuru akapotsa aitwa kanyama-kanyama neveruzhinji mushure mekuonekwa achikuturira tsvina yevanhu iyo yaive mumotokari inotakura suweji panzvimbo iri mukati medzimba.
Pakarepo, vagari venzvimbo iyi vakafonera vesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, reEnvironmental Management Agency (EMA), zvikaita kuti kanzuru yeChitungwiza iripiswe US$1 000.
Mutauriri weEMA, VaSteady Kangata, vanotsinhira nezvekuripiswa kwekanzuru pamusoro penyaya iyi.
VaKangata vanoshora kuita kwakadai vachiti: “Maitiro aya akaipa zvikuru. Ibasa rekanzuru kuti inge ichichenesa nharaunda apa iyo yava kuwanikwa ichiisa utano hwevagari vayo munyatwa, zvikuru munguva ino yekunaya kwemvura apo zvirwere zvakawanda.
“Makanzuru nemakambani ose anofanirwa kubatsira mukuchengetedzwa kwenharaunda. Tinotenda vagari vekuChitungwiza nekuzivisa kwavakaita EMA pamusoro pekuparwa kwemhosva iyi nekukasika.”
Vanoti pakuita izvi, kanzuru yeChitungwiza yakatyora mutemo weEMA Act Chapter 20:27 (Unlawful discharging of waste or effluent without a license)
Kwayedza yakasvika kuUnit O Extension apo vagari veko raive zhowe-zhowe vachida kuita kanyama-kanyama mutyairi wekanzuru wavainge vabata achikuturira tsvina yevanhu iyi mudzimba.
“Tangoona motokari ichibva kumhiri kwaChitsvatsva uko, hanzi yange yakumbirwa kunodhirena tsvina museptic tank range razara. Vashandi vekanzuru ava vanenge vaita zvisiri zvebasa, ndokunoburitsa tsvina iyi vachibva vapihwa $80.
“Vazouya netsvina iya ndokuidira pazigomba riri pachuru panonamatira mapositori panova pakati pedzimba. Nekudaro vanhu vagumbuka nazvo ndokuvatorera makii emota vachimirira kuuya kweEMA,” vanodaro Mai Susan Jiri.
VaTambaoga Garawaziva, avo vanoshandira pedyo nepakadirwa tsvina iyi, vanoti zvivindi zvevashandi vekanzuru ava zvekuita huchapa hwakadai pakati pemusha ugere veruzhinji panguva iyo nyika yakatarisana nedambudziko rechirwere chetyphoid, zvinoshamisa.
“Kanzuru yaita hutsinye chaihwo, kudira tsvina munzvimbo inogara vanhu. Izvozvi kwanaya saka suweji yave kuyerera ichipinda mumigodhi ine mvura inonwiwa nevanhu uye vana vari kutotambira mutsvina imomo. Munoti vangapona nezvirwere zvemanyoka izvi?” vanodaro.
Mashoko avo anotsigirwa naMai Alice Marufu, avo vanotenda EMA nekukasika kwayakaita pakunosunga kanzuru yeChitungwiza, vashandi vayo vasati vabva panzvimbo yavakadira tsvina.
“Ndinotenda veEMA nebasa guru ravaita nekuti vakasika kuuya vakawana vapari vemhosva vari panzvimbo. Huchapa hwaitwa nekanzuru yedu hahuna kukodzera nekuti ndivo vacho vane basa rekuchengetedza nharaunda dzatigere dzakachena. Ndipo povowanik tsvina yevanhu mumusha?
“Izvi ndizvo zvinokonze zvetypoid nekuti vatoitakura imwe nzvimbo vachizoidira m daro.
Mai Charity Mangwiro vano yavo inofanira kuendesa tsvina i yakakodzera pane kuidira mun