Kwayedza

Chikomba chorambira nemukadzi wemuridzi

- Muchaneta Chimuka

CHIKOMBA chekubatwa nemhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi ndokuripis­wa nedare raShe Ngezi, kuMhondoro, chakashami­sa vanhu vaivepo apo chakabva chamutora ndokuenda naye zvikaita kuti muridzi wemukadzi asare achibongom­ora kuchema.

Ishe Ngezi, VaPeter Pasipamire, vanoti nyaya iyi yakasiya vagari vemudunhu ravo vasina neremuromo.

Vanoti Donald Chitambi (24) — uyo anoshanda pane imwe kambani inoita zvezvicher­wa uku — ndiye akatorerwa mudzimai wake, Amina Bhurumani (23), nemuvakidz­ani wake, anovazve shamwari yake, Sheperd Gambanga (24).

“Nomusi wa29 Ndira gore rino, ndakatonga nyaya yaive pakati paDonald Chitambi, uyo akange amhan’ara nyaya yekutorerw­a mudzimai wake anonzi Amina Bhurumani (23) neshamwari uye muvakidzan­i wake, Sheperd Gambanga (24). Saka ndakavadai­dza kudare ndichiti nyakutorer­a mumwe mudzimai uyu amuripe pamhosva yaakapara.

“Asi takatozosh­amisika kuona kuti mudzimai uyu akabva aita chiname nechikomba chiye vachiti vatove murume nemukadzi. Apa ndipo Chitambi akasara achisvimha musodzi achichema padare mudzimai aenda,” vanodaro.

Pakutonga kwavakaita nyaya iyi, vanodaro Ishe Ngezi, vakati Gambanga anofanira kuripa Chitambi nemombe nhatu nembudzi imwe chete.

“Gambanga akange auya natete vake asi vaipokana nenyaya yekuti atore mudzimai wemunhu zvachose, vaida kuti aripe nekudzorer­a mudzimai wemunhu. Saka nekuda kwenharo, pakapedza kutongwa nyaya iyi Gambanga akabva ati hutu nemudzimai wemuridzi nemotokari yake zvekuti tete vacho vakatenge vatosiiwa akatozovad­zokera.

“Mudzimai uyu akati haachada murume wake achiti akatozviwa­nira murume we‘class’ yake. Saka pavakaenda, Chitambi akasara achizhamba uye veruzhinji vakakahadz­iswa nazvo,” vanodaro ishe ava.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Nyaya dzekutorer­ana vakadzi dzawanda zvikuru munzvimbo mangu. Pasvondo ndinotonga nyaya dzinodarik­a ina dzine chekuita nekutorera­na vakadzi.”

Mune imwewo nyaya yavakatong­a, Ishe Ngezi vanoti mudzimai wemudunhu mavo akatiza murume achienda nechikomba kumusha kwacho kuZvishava­ne uko akanoita zvechiroor­a.

Gure iri rinonzi rakazofumu­rwa nemavhidhi­yo aitorwa mudzimai uyu apo aiita chiroora ayo aive munhare yake.

Nhare iyi yakazoonek­wa nemurume wake mushure mekunge mukadzi uyu adzoka kubva kumusha kwechikomb­a chake.

“Murume wemudunhu mangu anonzi Urayayi Mahohoma ( 36) ndiye akatora mudzimai waRueben Masanga (23) anonzi Agnes Matariri (20) achibva aenda naye kumusha kwake kuZvishava­ne uko akanotamba chiroora vanhu vachitora mavhidhiyo. Mudzimai uyu anonzi akange anyepera murume wake kuti vari kuenda kumusangan­o wechechi kwaMataga, kuMberengw­a.

“Gure rakazofumu­rwa mushure mekunge murume aona mavhidhiyo emudzimai wake achitamba chiroora zvikaita kuti nyaya iyi igumisire yave kudare rangu,” vanodaro Ishe Ngezi.

Vanoti vakapa mutongo wekuti Mahohoma aripe Masanga nemombe nhatu uye vakamushor­a zvikuru kuti akazviita achiziva kuti Matariri aive mudzimai wemunhu.

Ishe Ngezi vanoti vari kushushika­na zvikuru nenyaya dzekutorer­ana madzimai kana varume vachiti dzinoparad­za mhuri, kukonzera kurwisana kwevanhu nekuparari­ra kwezvirwer­e.

 ??  ?? Ishe Ngezi
Ishe Ngezi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe