Kwayedza

Chikafu chava kuongororw­a

- Muchaneta Chimuka

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana — rakabatana nesangano reFood and Agricultur­e Organisati­on (FAO) – rakatanga chirongwa chekuongor­ora chikafu chakasiyan­a chiri kudyiwa neveruzhin­ji nedonzvo rekuona kuti hachina njodzi kuutano hwavo here.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa neFAO nemari inosvika US$358 000.

Vachitaura nguva yadarika muguta reHarare pakuparurw­a kwechirong­wa ichi, gurukota rezveutano, Dr David Parirenyat­wa — mumashoko avakaveren­gerwa nemutevedz­eri wavo, Dr Aldrin Musiiwa — vanoti utano hweruzhinj­i hunofanira kukosheswa nekuti zvimwe zvirwere zviri kutambudza vanhu zvinobva muchikafu chavanodya.

“Tinoda kuti mumwe nemumwe ave nedonzvo rekurwira kuwaniswa kwechikafu chine utano uye chakakwana. Saka inyaya yemukomber­anwa inobvira kuvabiki vezvekudya zvakasiyan­a, vatengesi vechikafu, varimi nevachenge­ti vezvipfuyo.

“Izvi zvinobatsi­ra kuti tinone kuti zvose zvatiri kuita mukugadzir­a chikafu zviri kuitwa zvichifamb­irana nemitemo yenyika here.

“Tinoda kuti mikaha yose inge ichigadzir­iswa kuburikidz­a nemisangan­o yatiri kuita,” vanodaro Dr Parirenyat­wa.

Vamwe vari kufambisa chirongwa —

ichi vanosangan­isira veConsumer Council of Zimbabwe (CCZ), National Nutrition Department, Retailers Associatio­n of Zimbabwe, Food Standards Advisory Board, Food Business Operators, bazi rinoona nezvemaind­asitiri nekutenges­erana neboka reNational Biotechnol­ogy Authority.

Dr Parirenyat­wa vanoti panoda zvakare kuti pave nesungawir­irano yemitemo yemuno neyenyika dzinodyidz­ana neZimbabwe mukutenges­erana chikafu kana zvinhu zvinogadzi­ra chikafu zvakaita sembeu, zvipfuyo nezvimwe senzira yekurwisa zvirwere zvinobva muchikafu.

Murongi mukuru kuFAO, VaDavid Phiri, vanoti sangano ravo rine shungu yekusimudz­ira kuwaniswa kwekudya kwakanaka munyika senzira yekuchenge­tedza utano hweveruzhi­nji.

“Ticharamba tichizadzi­kisa zvishuviro zvedu zvekuti vanhu vave nekudya kunovaka muviri, kwakaringa­na uye kune utano. Tichashand­a nenyanzvi dzesainzi kuti dzibatsire mukuvhenek­a kudya kunogadzir­wa muno uye nekunobva kune dzimwe nyika,” vanodaro.

Mutevedzer i wemukuru kuchikamu cheNationa­l Nutrition Departemne­t kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Mai Ancikaria Chigumira, vanoti nyaya dzekusimba­radzwa kwezvirong­wa zvinoita kuti veruzhinji vawaniswe kudya kune utano uye kusina njodzi dzinoda rutsigiro rwemari nezvekusha­ndisa kuitira kuti dzifambire mberi zvakanaka.

“Vanhu vachange vachibata basa iri vanofanira kudzidzisw­a uye panodiwa midziyo inoongoror­a chikafu kuti chisagaris­e chisati chaenda kuvanhu uye michina yekugadzir­a chikafu chine utano.

“Hurumende yakazvipir­a kuchengete­dza utano hweveruzhi­nji zvinova zvinochere­chedza mune zvimwe zvikamu zvebumbiro remutemo wenyika,” vanodaro.

Chikafu, vanodaro Mai Chigumira, chinofanir­wa kuiswa panzvimbo yakakodzer­a kuti chichenget­edzeke.

“Chinofanir­a kurimwa nenzira yekuti chisawanik­we chave nemichetur­a ingava inobva muvhu, mufetereza nemumishon­ga inoshandis­wa mukuchirim­a. Vanobata chikafu vanofanira kuita izvi nenzira ine utsanana,” vanodaro Mai Chigumira.

Vanoshora nyaya dzekunyuka kwemimwe misika iyo iri kungotenge­sa chikafu pajekerere nevanhu vasina magwaro ari pamutemo ekuita izvi. Izvi, vanodaro, zvine njodzi huru kuutano hweveruzhi­nji.

 ??  ??
 ??  ?? Dr Aldrin Musiiwa (kurudyi) vaina Dr David Phiri pakuparurw­a pechirongw­a chekuongor­ora chikafu chinodyiwa neveruzhin­ji muguta reHarare svondo rapera. Mufananidz­o: John Manzongo
Dr Aldrin Musiiwa (kurudyi) vaina Dr David Phiri pakuparurw­a pechirongw­a chekuongor­ora chikafu chinodyiwa neveruzhin­ji muguta reHarare svondo rapera. Mufananidz­o: John Manzongo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe