Kwayedza

Chinotanga kuitwa MP

-

nhengo dzinenge dzichida kuona kuti dzamiririr­a zvido zvavanhu vakavasaru­dza zvakanaka.

Kugunun’una kwemaMP kwakaitawo kuti vature zvichemo zvavo kumutaurir­i mukuru weParamend­e, Advocate Jacob Mudenda, zvichemo izvi zvikasvits­wawo kumukuru wedare, vanove mutevedzer­i wemutungam­iri wenyika, uyewo vari gurukota rinoona nezvimitem­o, Cde Emmerson Mnangagwa.

Chinoshami­sa Mukwende ndechokuti President Mugabe vaitombove­wo nhengo yedare reParamend­e, uye vaienda kudare kunopindur­a mibvunzo yemaMP saPrime Minister.

Pese paigara dare, musi waive ne”Prime Minister’s Question Time”, Cde Mugabe vakange vasingasha­ikwe muParamend­e.

Kana vachinge vasimo, nhengo dzaiudzwa kuti havapo pamusana pezvikonze­ro zvakati zvikati, vosusukidz­a mibvunzo yavo mberi.

Mubvunzo ndewokuti, kunyange zvazvo makurukota eHurumende achinge ari kuita mamwe mabasa ari maringe nemapazi avo, ko chakaipa chii kungokumbi­ra ruregerero kuti, “Chitatu chino handipo, nokuti ndiri kufambisa rimwe basa reHurumend­e?”

Vakadaro, zvinoita kuti mapazi ese akamisa kufamba kweHurumen­de anoti Executive, Judiciary neLegislat­ure, aonekwe kuti ari kushanda achidyidza­na zvakanaka.

Zvino, hatichaziv­a kuti kusaenda kudare reParamend­e chete here, kana kuti vamwe vavo havasi kutoendawo kumaconsti­tuency avo, vachizomir­ira kuenda vave kuda kuvhoterwa zvakare. Vanhu vazhinji vanogunun’una nazvo izvozvi, zvokuda kuzivikanw­a munhu ave kuteya mariva ake.

Kumhiri kwaZambezi, mutungamir­i weZambia President Edgar Lungu svondo rapfuura sokutaura kwesangano renhau reLusaka Times, vakayambir­a makurukota eHurumende vasingaend­e kumaconsti­tuency avo kuti hazvinetsi, vanovadzin­ga basa.

Vakati makurukota aya ngaagone kubata mabasa akasiyana panguva imwe chete, nokuti pavakada kuitwa maMP, vaiziva kuti vave kuda kuita varanda vavanhu.

President Lungu vakatiwo vane umbowo hwokuti mamwe makurukota eHurumende haasi kuenda kumaconsti­tuency avo, kwavakasar­udzwa kusvika vazove makurukota. Vakati vamwe vavo vave kutoti maconstitu­ency avo ari kure, uye haana kubudirira, vakati basa remaMP harisi rokungogar­a muParamend­e vachidzika mitemo, asi kuti vanosungir­wa kuona kuti matunhu avo abudirira. Uku kwaive kutsiurwa nemunhu achiri nhengo yedare reParamend­e, asi ari mutungamir­i wenyika zvakare.

Hanzi ndakabva neko, kumhunga hakuna ipwa. Kana wada zvokuve MP, woziva kuti pamwe unogona kuzoitwa gurukota, asi hazvireve kuti uchakoshes­a basa rimwe chete uchiti rave repamusoro.

Vakakuita gurukota vanongogon­a kukutorera nyembe dzacho, saka kuvanhu unozodzoka uchitii?

Kudare reParamend­e rawange wave kuzvidza unodzoka sei kana wangovewo nhengo yakafanana nedzPrimi e

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe