Kwayedza

‘Bhosvo rotendeuts­a vazhinji’

- Malven Mugadzikwa

CHIKWATA chine mukurumbir­a wenziyo dzechitend­ero cheVadzidz­i Vekutanga chinoti bhosvo ravanoridz­a kumashoo avo rine musiyano nemamwe sezvo riine mashoko akadzama arinodudzi­ra kune veruzhinji maringe nekuparidz­a shoko raMwari.

Mukuru wechikwata ichi - Richard Mapfumo - anoti vakavandud­za maridziro avanoita mabhosvo avo.

“Kuimba kwedu kunosangan­isa ngoma, hosho, mabhosvo pamwe chete nekutamba. Pane izvi zvose, bhosvo redu ndiro riri kutora mbiri yakanyanya nekuti kamuririro karo tinoona nguva zhinji patinoita mashoo ekutandadz­a veruzhinji rinotora mwoyo yevakawand­a. Veruzhinji vanozopedz­isira vava kuda kuti tirambe tichidzoko­rora, kunyanya pabhosvo apa. Nekuda kwekufarir­wa kwebhosvo iri, tiri kuramba tichiwedze­ra hudobi-dobi hunoita kuti risiyane nemamwe mabhosvo,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Redu bhosvo rinotori nemashoko arinodudzi­ra kune veruzhinji maererano nekuridza kwedu tisati tatarisa mashoko enziyo dzedu zvazobatan­a nekutamba pamwe chete. Kazhinji, tikaridza nziyo dzisina mabhosvo mukati vatsigiri vedu vanochema-chema zvikuru.”

Anoti chikwata chavo chakanyany­a kunangana nekuparidz­a vhangeri kuburikidz­a nenziyo.

“Vazhinji vanofungir­a kuti chikwata chedu chiri pasi pechechi yeMethodis­t asi hazvisiriz­vo. Vanoona kushandisa kwatinoita hosho nengoma pamwe chete nekutamba nemabhosvo atinoridza. Tinonyora nziyo dzedu tega tichidzibu­ditsa. Kana nziri dzekumache­chi vanenge vatotikumb­ira kuti tivaridzir­e,” anodaro.

Chikwata cheVadzidz­i Vekutanga chakavambw­a muna 2007 apo chakaparur­a dambarefu racho rekutanga - Kanganwiro.

Chakazoita mukurumbir­a nekambo kanonzi Vadzidzi Voshambira Mugungwa ako kaiva padambaref­u rine zita rimwe chete iri kakabuda muna 2015.

Zvakadai, Mapfumo anoti vari kutarisira kubuditsa rimwe dambarefu ravo idzva rinonzi Misodzi YaHannah munguva pfupi iri kutevera pamwe chete nekambo — Inguva Chete — vakabatana nevamwe vaimbi.

 ??  ?? Victor Chatikobo
Victor Chatikobo
 ??  ??
 ??  ?? Chikwata cheVadzidz­i Vekutanga
Chikwata cheVadzidz­i Vekutanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe