Kwayedza

Victor oshura mare paMTV

- Abel Ndooka

MUIMBI wehip-hop — Victor Chatikobo — uyo anonyanya kuzivikanw­a saVictor, anoti kugara kwaaita kunyika yeAustrali­a kwemakore akawanda kwamubatsi­ra kuti asimukire mumusambo uyu.

Parizvino kambo kemuchinda uyu — Cera — ako akaimba akabatana naPromics, kari kunetsa zvikuru pamasai- sai akasiyana ekuAustral­ia kusanganis­ira paMTV.

Victor anoti tarisiro yake parizvino kudzoka kumusha uye ane chishuwo chekuvhura studhuyo inotsikisa mhanzi yehiphop yemhando yepamusoro.

“Ndakakombo­rerwa kuwana rubatsiro rwandakapi­hwa kuti ndisvike pandave iye zvino munyaya dzemhanzi.

“Ndakapihwa rutsigiro rwakasimba kubva kune vanhu vakasiyana vachindiba­tsira nekundiudz­a pandinofan­irwa kugadziris­a kuti mhanzi yangu inakidze.

“Iye zvino ndave kuzivikanw­a, mhanzi yangu yatambirwa, ndave kutarisira kudzoka kumusha kuzoita mashoo zita rangu rirambe richikura. Handimirir­e pakuridza chete nekuti ndinoda kuvhura studhiyo yangu muno iyo ichange ichibika mhanzi yehip- hop yepamusoro,” anodaro Victor.

Kunze kwaCera, dzimwe nziyo dzaVictor dziri kunetsa dzinosanga­nisira Auto naJohane idzo dzose dzine mavhidhiyo anotaridza kuti akabikwa zvine hunyanzvi.

Muimbi uyu anoti ari mushishi zvakare kubika dambarefu rake rechipiri iro ari kushanda pamwe chete naPromics anovewo muimbi wehip-hop.

“Ndakabatan­a naPromics uyo anogara muZimbabwe wandiri kubatsiran­a naye kubika dambarefu rangu rechipiri uye tinotarisi­ra kuzoriparu­ra mwedzi unotevera.

“Panguva imwe chete, tichabva taparura neDVD remavhidhi­yo enziyo dziri padambaref­u iri.

“Promics muimbi anogona, anoziva zvaanoita uye tashanda tose kwemakore saka tinotarisi­ra kusvika kure mumusambo wehiphop,” anodaro Victor.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe