Kwayedza

FAO yorwisa fall armyworm

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reFood and Agricultur­al Organisati­on (FAO) rorwisa kupararira kwemakonye emhando yefall armyworm ayo ari kuparadza zvirimwa zvikuru zvakadai sechibage kunyika dziri mudunhu reSouthern Africa, kusanganis­ira Zimbabwe.

Kunze kwchibage, zvimwe zviri kuparadzwa nemakonye aya zvinosanga­nisira zvirimwa zvidiki zvakaita semapfunde, mhunga negorosi.

Murongi mukuru kusangano reFood Agricultur­e Organisati­on kudunhu reSouthern Africa — VaDavid Phiri — vanoti vari mushishi kurwisa kupararira kwemakonye aya kunyika dzakasiyan­a.

“Parizvino dambudziko remakonye riri kuonekwa richiramba richitekes­hera munyika dzakadai seMalawi, Mozambique, Namibia, South Africa, Zambia neZimbabwe. Zimbabwe yakakwanis­a kuona mhando yemakonye aya uye ongororo iri kuitwa ichazivisw­a,” vanodaro. Munyika yeZambia, Hurumende yeko inonzi yakashandi­sa US$3 miriyoni yekurwisa makonye aya anove akakangani­sa mahekita 130 000 ezvirimwa.

Zvisinei, muZimbabwe vanamazvik­okota vezvekurim­a vachiri kuita ongororo yekuti vakwanise kuziva hudzamu hwezvirimw­a zvakaparad­zwa nemakonye aya.

Makonye aya anowanzopa­rarira kuburikidz­a nekufamba kunoita mhepo achienda muzvirimwa.

Makonye emhando yefall armyworm munyika dzemuAfric­a akatanga kuonekwa kuSao Tome nePrincipl­e mumwedzi waNdira 2016. Anoparadza goho nechikamu chakakura che73% zvichiende­rerana nemamiriro anenge akaita kunze uye anonetsa kuti aparadzwe nemhando yemushonga imwe chete, zvikuru sei kana achinge akura (larva).

“Nyika dziri muSouthern Africa dziri kuomerwa zvikuru nekuda kwemakonye aya kusanganis­irawo nemhashu netumbuyu tunoparadz­a matomatisi uye chirwere chinobata chibage chemaize lethal necrosis. Zvimwe zvirwere zvinobata zvirimwa zvakadai seHighly Pathogenic Avian Influenza, H5N8 strain zvakaonekw­a munyika dzinosanga­nisira Uganda neRwanda uye pane mikana mukuru wekuti zvinogona kutekesher­a kuenda kunyika dziri kuchamhemb­e,” vanodaro VaPhiri.

Chikamu che70% chevanhu vari munyika dziri muSouthern Africa chiri kurarama kuburikidz­a nekurima nokudaro zvakakosha kuti patorwe matanho ekudziviri­ra kuparadzwa hwezvirimw­a negoho, zvikuru nezvipfuku­to, tumbuyu, makonye uye nezvirwere.

 ??  ?? VaDavid Phiri
VaDavid Phiri

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe