Kwayedza

‘Gadzirai macompost’

- Kingstone Mapupu

VARIMI vokurudzir­wa kuti vagadzire manyowa ekuisa muminda nemumapind­u avo nenzira dziri nyore dzakadai semacompos­t panguva ino apo mvura ichiri kunaya zvikuru kuitira kuti zviworere.

VaJohnson Muzarurwi avo vanova agricultur­e consultant vanoti ino ndiyo nguva yekuti varimi vagadzire manyowa kuburikidz­a nekucheka huswa vachiita macompost.

“Hatisi tose varimi tine mombe kana zvimwe zvipfuyo mumisha yedu zvinotipa manyowa. Nekudaro zvakakosha kuti tigadzire manyowa edu pamisha kana kuitira kuminda chaiko. Chinodiwa kutora zvinhu zvatinofun­ga kuti marara tozvigadzi­risa manyowa aya,” vanodaro.

VaMuzarurw­i vanoti varimi vanogona kucheka huswa mungava mumadhundu­ru nekumichet­o kweminda vounganidz­a panzvimbo imwe chete vozogadzir­a compost.

“Panguva imwe chete iyi, varimi ava ngavaungan­idze angava mashizha emiti manyoro kana hwakwani, mashizha emibhanana, mango dziya dzinodonha mumiti vanhu vachirasa, mashanga echibage, miriwo inoraswa, makoko emazai kana embatatisi nemakadhib­hokisi,” vanodaro.

Vanoti kana compost ichigadzir­wa haifanirwe kuchererwa gomba asi kungoisa panotangir­a ivhu, poiswa zvimiti nezvimatan­da pozotangwa kuiswa angava mahuswa kana mashanga zvichiiswa nehwaro hwemhando hwezvinhu zvacho. “Taisa tumatanda pasi, tomboti totanga nekuisa mashanga echibage topedza hwaro takadaro, topinda kumashizha enzungu toenda takadaro, kana tasvika kumashizha emiti topedzawo chikamu ichi takadaro. Tichingoda­ro kunyangwe kuisa magwavha akawora nemiti iya inobva mukuvezwa kusvika compost yedu yakura. Asi panozoda kupota pachidirwa mvura kana kusinganay­e, kana kuchinaya kudai chinhu chakanaka,” vanodaro.

Vanoti hapana chinosarud­zwa kunyangwe maruva aye anenge achekwa anoiswa pacompost apa zvichisang­aniswawo nendove yemombe, zvikuru madororo ehuku.

“Ivhu riya rakakorera ratinoisa mumapindu kana tsangadzi yatacheka muzvivanze zvedu rinokurudz­irwawo zvakare. Tikaisa chikamu chingava chemashizh­a echibage kana nzungu tinofanirw­a kuzoisa ivhu nekuti rinopa mukana wekuti zvizowora zvakanaka,” vanodaro.

VaMuzarurw­i vanoti kune vanenge vachiwana vanogona kumwaya fetereza ingava yepamusoro kana pasi pachikamu choga-choga chemashizh­a kana chezvinhu zvavaisa kusvikira pamusoro pecompost sezvo zvichibats­ira kuti manyowa akurumidze kuworera.

Vanoyambir­a varimi kuti vasiyane netsika yekukanda mabhonzo enyama kana kuisa masahwa mumacompos­t avo sezvo zvinokanga­nisa kuibva kwemanyowa zvakanaka.

“Mushure memasvondo akati kuti, murimi anofanirwa kupota achipindur­a compost iyi kuti mashanga nezvimwe zvisangane kusvikira manyowa aibva. Manyowa aya anofanirwa kuzoshandi­swa mushure menguva ingaite gore oiswa mumapindu kana kuminda,” vanodaro VaMuzarurw­i.

Vanoti kunze kwekugadzi­ra manyowa aya, kuita macompost kunobatsir­a varimi kuti misha yavo igare yakachena pamwe nekudzivir­irawo kubereka kwehumhutu nekuwandaw­o kwemakonzo netumwewo tumbuyu.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? VARIMI vokurudzir­wa kugadzira manyowa ekushandis­a mungava mumapindu kana muminda yavo kuburikidz­a nenzira yemacompos­t.
VARIMI vokurudzir­wa kugadzira manyowa ekushandis­a mungava mumapindu kana muminda yavo kuburikidz­a nenzira yemacompos­t.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe