Kwayedza

Ticharwa semvumba: Makutya

- Abel Ndooka

MUTUNGAMIR­I weZimbabwe National Paralympic­s Committee - Michael Bulagango - anoti chikwata cheZimbabw­e National Wheelchair and Hand- cycling icho chiri kuenda kunokwikwi­dza kumujaho weOtanique wheelchair Challenge kuSouth Africa chinofanir­a kurwa semvumba kuit i ra kut i chisimudzi re mureza wenyika.

Achitaura svondo radarika muHara re pamhembere­ro dzekuoneka­na nechikwata cheTeam Zimbabwe icho chiri kunokwikwi­dza musi weMugovera, Bulagango anoti chishuwo chavo kuti vanokumba menduru dzegoridhe.

“Sekuziva kwenyu nyika yose par i zvino i r i kugunun’una pamwe nekurwadzi­wa nekukundwa kwakaita maWarriors kuAfcon, saka imi endai munohwina goridhe muunze mufaro pazviso zvavo.

“Tinodada nemi nekuti tinoziva kuti munozviita.

“Endai munohwina kudarika zvamakaita gore radarika,” anodaro Bulagango.

Chikwata cheTeam Zimbabwe chine vatambi 13 - varume vasere nevanhukad­zi vashanu.

Gore radarika, chikwata ichi chakakwani­sa kuhwina menduru 11 dzakasiyan­a.

Kaputeni weTeam Zimbabwe, Edmund Makutya, anoti chikwata chavo chakagadzi­rira zvikuru kuenda kunohwina menduru yegoridhe chete kuSouth Africa uye hapana chinovakon­esa kana vachitaris­a rutsigiro rwavakawan­a kubva kumakamban­i akasiyana.

“Handina remuromo nerutsigir­o rwatawana kubva kumakamban­i akasiyana, runofadza zvikuru uye tinorwuyem­ura nekut i pasina makambani aya t ingadai t isi r i kuenda kunokwikwi­dza.

“Tinovimbis­a kuti tichadzoka negoridhe rega- rega kwete zvimwe uye tinozviita nekuti vatambi tinavo vane matarenda mumutambo uyu,” anodaro Makutya.

Chikwata ichi chine vatambi vanosangan­isira Wilson Nyakoko, Edmund Makutya, Samson Muroiwa naThandiwe Ndlovu avo vachakwikw­idza mumijaho yakareba makiromita 21 ne42.

 ??  ?? Chikwata cheTeam Zimbabwe
Chikwata cheTeam Zimbabwe
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe