Kwayedza

Mwana (14) kubva Gokwe kusvika Kadoma netsoka . . . achitiza baba vake

- Kingstone Mapupu

MWANA mukomana ane makore 14 okuberekwa wekwaNembu­dziya, kuGokwe, anonzi akapedza masvondo matatu achifamba netsoka kubva kuGokwe kunosvika kuKadoma – chinova chinhambwe 207 km – apo aitiza kushunguru­dzwa nekurohwa nababa vake.

Paazotiza, baba vemwana uyu vari kunzi vainge vamuvimbis­a rufu nekumuzvam­baradza vachimupom­era kurova mombe yavo ikatyoka musana, mushure ndokuzofa.

Gilbert Kawondera wemubhuku raMacharan­gwanda anoti akafamba netsoka kubva kuGokwe kusvika kuKadoma apo airara munzvimbo dzakasiyan­a, dzimwe dzinotyisa semumasang­o nemumabhaw­a achitiza baba vake. Mukomana uyu, uyo akafirwa naamai vake vainzi Sadziso Gurajena (37), anoti ange achigara achirohwa nababa vake – Tawanda Kawondera – achingopom­erwa zvakawanda. “Pandakazot­iza apa, ndakange ndabva kumombe ndokusungi­rira mombe yedu mudanga. Mombe iyi yakazoedza kupoya ichibva yasvetuka ndokunorov­era nemusana ikatyoka musana, ndokuzokuf­a.

“Baba vachiona izvi, vakanditor­a ndokundisu­nga makumbo nemawoko vakandisun­girira padara rechibage vachiti vaida kundiuraya sezvavaiti ndakaita mombe yavo. Vakandirov­a kusvikira ndisisagon­e kuchema.

“Vakazopind­a mumba apo vaiti vaida kunotora bhemba kuti vanditeme naro, pakazongoi­tika minana ndikakwani­sa kuzvisunun­gura nemazino ndichibva ndatiza ivo vachiri kutsvaga bhemba racho,” anodaro Gilbert. Mukomana uyu haachaenda kuchikoro sezvo akagumira Grade 7 uye pari zvino angadai achiita Form 1.

Gilbert anoti baba vake vakatanga kumuonesa pfumvu pakashaya amai vake muna Nyamavhuvh­u gore rapera. “Ini nehanzvadz­i yangu iri Grade 5 tinogara tichirohwa tichisungi­rirwa padara nababa uye vamwe vemumusha vanotadza kutinunura. Magariro edu ndeekurohw­a zuva nezuva. Amainini, vava mukadzi wababa, vakanzwa tave kurohwa vanobva vazvivhari­ra mumba kana kunorara. Fanika ukadyisa mumunda mevanhu, unochiona musiyo,” anodaro mwana uyu chiso chake chizere nekusuwa.

Anoti iye nehanzvadz­i yake vanonyimwa kudya naamainini vavo ava. “Hanzvadzi yangu mudiki ndiye akatanga kutizira kwaambuya nekuda kwekurohwa uku, ini ndokuzotiz­awo izvozvi. Pandakatiz­a, ndairara mumabhawa, mumigwagwa nemusango ndichibats­irwa nevamwe vanhu kusvikira ndakazosvi­ka kumapurisa ekuKadoma. Ndakagara kwemazuva maviri apo vakazondik­widza mubhazi rekuenda kuminda yeDamvure, kuMhondoro-Ngezi, uko kunogara amaiguru vangu, mukoma waamai. Ndakazonos­vika kwamaiguru avo vakazouya neni kuno kuHarare,” anodaro.

Gilbert anoenderer­a mberi achiti: “Pandakabva kumba ndakarara kwakawanda, kusanganos­anisira kwaMutora, kwaWiriran­a, Sanyati, Jompani nekuPatchw­ay. Zvimwe zvidhakwa zvaindidzi­nga mumabhawa vamwe vachinditi tsotsi asi vamwewo vaindipa zvokudya kudakara ndakazosvi­ka kumapurisa ekuKadoma.”

Maiguru vemukomana uyu – Mai Selly Gwavuya (43), avo vari kugara naye kuGlen View, muHarare – vanoti vakangoere­kana voona Gilbert achisvika kumusha kwavo kuMhondoro-Ngezi achiti aiva afamba netsoka zvikavasha­misa zvikuru.

“Ndakatambi­ra mwana ataura nyaya yekuti aida kutemwa nebhemba nababa vake ndikaenda naye kumapurisa ekuBhandaw­e, kuMhondoro, uko ndakasviko­nzi nemapurisa eko mwana uyu ane misakanzwa uye havana zvavakaita. Vakati tidzokere kuGokwe kana kuKadoma kunomhan’ara nyaya iyi,” vanodaro. Mai Gwavuya vanoti vakazotaur­a naSabhuku Macharangw­anda vekuGokwe panhare nababa vaGilbert panhamba dzinoti 0776 494 363 ne0784 962 647 nekuda kwenyaya iyi.

“Sabhuku ndivo vakazoenda kumapurisa ekuGokwe kunomhan’ara kuti vaiva vashaya mwana, baba vacho vasina danho ravakatora,” vanodaro.

Mai Gwavuya vanoti vachacheng­eta mwana uyu uye vakazvipir­a kunotora hanzvadzi yaGilbert diki iyo inonzi yakatizawo kushunguru­dzwa nababa vevana ava ikanopoter­a kwaambuya, amai vababa vanobata vana huchapa ava. Kwayedza yakaedza kutaura nababa vaGilbert pamwe chete naSabhuku Macharangw­anda, asi yakakundik­ana. Mutauriri wemapurisa munyika – Chief Superitend­ent Paul Nyathi – vanoti vanoda nguva yekuongoro­ra mafambiro ari kuita nyaya iyi.

“Vanhu ngavasashu­ngurudza vana nekuti vana vane kodzero dzavowo sevanhu vakuru. Ikodzero yemwana kuti aendeswe kuchikoro,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ?? Gilbert achiratidz­a mavanga ari kumusana kwake— Mifananidz­o: Innocent Makawa
Gilbert achiratidz­a mavanga ari kumusana kwake— Mifananidz­o: Innocent Makawa
 ??  ?? Selly Gwavuya
Selly Gwavuya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe