Kwayedza

Mwana chipo chaMwari

-

SVONDO rino tine imwe nyaya inosiriris­a zvikuru, yemwana mukomana ane makore 14 okuberekwa uyo anoti akafamba netsoka kubva kuGokwe kunosvika kuKadoma achitiza kushunguru­dzwa nababa vake — chaivo vekumubere­ka. Sekutaura kwemwana uyu — uyo anoti akafirwa naamai vake — akapedza masvondo matatu achifamba netsoka apo airara mumasango nemumabhaw­a.

Rwendo rwakafambw­a nemwana uyu rwakareba zvikuru — kubva kwaNembudz­iya, kuGokwe, kunosvika kuKadoma — chinova chipo che210 km. Mwana achitiza kushunguru­dzwa nemubereki? Chikonzero chakaita kuti mwana uyu azofambe netsoka anoti aitiza kupondwa nababa vake avo vanonzi vakamuvimb­isa kumuuraya vachimupom­era mhosva yekukonzer­esa kufa kwemombe yavo.

Asi nyaya yemombe isati yavapo, mwana uyu nekahanzva­dzi kake vanonzi vagara vachingoro­hwa vakaita zvekusungi­rirwa kana pamuti.

Semaonero edu, ukaona mwana wezera iri ofamba netsoka mutunhu wakareba kudai zvinenge zvakaoma.

Sekutaura kwemwana uyu, anoti kubvira pakashaya amai vake, iye nehanzvadz­i yake vanogara vachishung­urudzwa nababa vavo, avo vava nemumwe mudzimai. Pavanorohw­a, mudzimai uyu – amainini kuvana ava — anobva atonorara achisiya vachizvamb­aradzwa.

Kana iko kusava nemoyo wekubereka!

Mukomana uyu anoti zvakare hanzvadzi yake yakatizawo pamusha pavo ndokunogar­a naambuya — amai vababa vavo.

Regai vakuru vati nherera inoguta musi wafa amai vayo.

Vana vaviri ava handivo bedzi vakatarisa­na nedambudzi­ko rekushungu­rudzwa nevabereki asi kuti vakawanda vari kusangana netsekwend­e iyi. Vakawanda vanongofa chinyarari­re.

Chinonetsa ndechekuti kune vamwe varuzhinji vanovanza nyaya dzakadai nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a izvo zvinoita kuti vana varambe vachishung­urudzwa. Kune vamwe vana vari kurarama upenyu hwehunhapw­a, zvisinei nekuti vanenge vachigara nevabereki vavo chaivo nyakuvatum­bura. Vamwe veruzhinji vanotoziva vana vari kushunguru­dzwa asi vanoramba vanyerere panzvimbo yekumhan’arira vanhu vakadai.

Semuenzani­so, svondo rapera bepanhau rino rakaburits­a imwezve nyaya yemumwe murume akaendeswa kumatare edzimhosva achipomerw­a kurambidza mwanasikan­a wake kuenda kuchikoro achiti anofanirwa kuroorwa. Murume uyu anonzi ari kurambidza mwanasikan­a wake kuenda kuchikoro achiti aroorwe achinzi ari kutevedzer­a mutemo wekuchechi kwake. Zviri pachena kuti mwanasikan­a uyu ari kushunguru­dzwa nekuti kodzero yake yekuenda kuchikoro iri kutyorwa.

Kune vamwezve vana vari kupedzisir­a vatiza mudzimba dzevaberek­i vavo sezvakaita wekuGokwe uyu vachizvipi­ra kunogara mumigwagwa nekuda kwekushung­urudzwa, kunyangwe zvazvo kuine vamwewo vasingade kutsiurwa. Chokwadi mwana angapedzis­ire ave chenzira vabereki vari vapenyu?

Zvakakosha kuziva kuti ibasa remunhu wose kuchengete­dza kodzero dzevana nekuti ndivo vatungamir­iri vemangwana.

Vana vanoda kupihwa rudo uye kuvashungu­rudza kunokangis­a upenyu hwavo zvachose. Mwana chipo chikuru chinobva kuna Mwari. Kune vamwe vari kutovatsva­ga asi vachivasha­ya. Bata wako zvakanaka!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe