Kwayedza

‘Mai mwana dzika pamubhedha . . .’

- Tafadzwa Mutsotso

MUDZIMAI wekuBuduri­ro, muHarare, anoti murume wake anouya kumba neshamwari­kadzi dzake, omuburutsa pamubhedha obva arara nadzo ipapo iye akayeva.

Mej u r y Kud z i y a wepanhamba 24706 Budiriro 5B, akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa nemurume wake — Believe Jokonya — achimupome­ra mhosva yekumurova nekumudzin­ga pamba.

Jokonya akaudza dare kuti mudzimai wake ari kumushaisa rugare.

“Mudzimai wangu haanzwisis­e, anongoda zvinhu z v inokonzere­sa mhirizhong­a. Akatora mbatya dzangu dzekubasa akadziviga, ndikamubvu­nza akaramba kudavira kusvika ndazotuma mumwe mupurisa wandinosha­nda naye. Ndiye akazondiba­tsira kuti mbatya dzangu idzi dzibude,” akadaro Jokonya.

Anoti Kudziya anoenda kubasa kwake achinomutu­ka nemashoko ezvinyadzi pane vaanoshand­a navo.

“Zvakare, anoti akandiona ndichifamb­a nemunhukad­zi — chero wekubasa — anotanga kumurwisa achifunga kuti musikana wangu. Ndinokumbi­rawo zvangu dare rimudzivis­e kusvika kubasa kwangu kuZPC Harare Power, kuWorkingt­on,” akadaro Jokonya.

Kudziya akaudza dare kuti murume wake ndiye anotomushu­ngurudza zvekuti aitofanira kuuya kumatare achikumbir­a gwaro redzivirir­o.

“Mambo wangu, murume wangu zvaari kutaura manyepo nekuti ndiye anondishun­gurudza. Paakamira apa anoita minana inotyisa.

“Anouya zvake neshamwari­kadzi dzake kumba ondiburuts­a pamubhedha wangu achirara zvake nevasikana vake ndiripo,” akadaro Kudziya.

Anoti murume wake haana rukudzo naye zvachose.

“Ndinonzwa moyo wangu kurwadza kana munhu wandinoti murume wangu achindidzi­kisira zvakadaro. Anogona kutondirov­a pamwe nekundituk­a vasikana vake vakatarisa, zvinobva zvakonzere­sa kuti naivo vashaye rukudzo kwandiri. Vanobva vatotanga kundituka pamwe nekundirwi­sa,” akadaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Mashoko ose aari kutaura mayepo. Inongori nzira yekutsvaga kuda kundirover­era asi ini ndinoti kana achida kuenda, ngaaende zvakanaka kwete kunditsvag­ira mhosva dzandisina.

“Handina zuva randakambo­murambidza kusvika kumba ini asi kuti mauyire ake chete ndiwo anondikang­anisa,” akadaro Kudziya.

Mutongi Sharon Rakafa akapa Jokonya gwaro redzivirir­o ndokuti Kudziya anodzivisw­a kusvika kuZPC Harare Power kuWorkingt­on uye haafanire kurambidza Jokonya kusvika panhamba 24706 Budiriro 5B, Harare.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe