Kwayedza

Vonetseran­a imbwa

- Tafadzwa Mutsotso

KUPFUYA imbwa mudhorobha kwoparira vamwe samusha zvichiteve­ra kumhan’arirwa kwavakaitw­a kumatare edzimhosva nemuvakidz­ani wavo achida kubhadharw­a mari yaakarapis­a mwana wake uyo anonzi akange arumwa nembwa idzi.

Talent Mabhuyo akaendesa Regard Dikito kuHarare Civil Court achiti anoda $130 yaakarapis­a mwana wake apo akarumwa nembwa dzaDikito.

Mabhuyo akaudza dare kuti imbwa yaDikito yakaruma mwana wake akakuvara zvakaita kuti amurapise nemari iyi.

“Baba ava vane mari yangu $130 iyo yandakarap­isa mwana wangu mushure mekunge arumwa nembwa yavo akakuvara zvakaipisi­sa apo aipfuura nepamba pavo achienda kutuckshop,” akadaro.

Anoti Dikito akatobhadh­ara faindi kumapurisa apo akamhan’ara pakarumwa mwana wake nembwa iyi.

“Pakaitika izvi, ndakamhan’ara kumapurisa vakabvuma kuti imbwa ndeyavo vakatobhad­hara faindi. Vakabva vangosiyan­a nenyaya yacho, havana kana kuda kundibatsi­ra pakurapisa mwana wangu.

“Zvakandidh­urira zvakanyany­a kurapisa kwandakait­a mwana saka ndinoda kuti baba ava vandidzore­re mari yandakasha­ndisa nekuti imbwa yavo ndiyo yakaita kuti ndiburitse mari yose iyi,” akadaro Mabhuyo.

Anoti Dikito semunhu akagarisan­a nevamwe, aifanira kungomubat­sirawo pakurapisa mwana wake.

“Apa ndivo vasingache­ngetedzi imbwa dzavo asi vanoziva kuti dzinoruma,” akadaro Mabhuyo.

Achipawo divi rake, Dikito anoti akasungisw­a naMabhuyo akabhadhar­a faindi ye$50 kumapurisa nekuda kwenyaya iyi nekudaro hazvaiita kuti amubatsire pakurapisa mwana akarumwa nembwa yake.

“Amai ava kungouya zvavo kuno vachindimh­an’arira asi vakatondis­ungisa musi wacho warumwa mwana ndikabhadh­ara faindi ye$50. Pamusoro pazvo, imbwa yacho haisi yangu, ndeyemuroj­a wangu akatotama,” akadaro.

Dikito anoenderer­a mberi achiti: “Musi watakaenda kumapurisa, gwaro (certificat­e) reimbwa iyi vakatozvio­na kuti raisava nezita rangu. Ndakangobh­adhara faindi kuti nyaya ipere, pasave nebongozoz­o pakati pedu. Ndaisatozi­va kuti vachafunga kuuya kuno kuti vazoti vari kuda mari yakawanda kudaro kwandiri.”

Mutongi Sharon Rakafa akati vaviri ava vazodzoke kudare vazonzwa mutongo wenyaya yavo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe