Kwayedza

Gogo vofizurisw­a ‘nemwana’ pabarika

- Tafadzwa Mutsotso

PANE nyaya yemudzimai anogara kuEpworth, muHarare, iri kumatare edzimhosva uyo anoti shamwarika­dzi yemurume wake — iyo ine zera nevazukuru vake — inogara ichimurwis­a.

Anna Zimunya (66) wepanhamba 172 Muguta, Epworth, akamhan’arira Maria Mhlanga (26) kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa zororo. Zimunya anoti Maria haana rukudzo naye zvisinei nekuti izera revazukuru vake. “Mambo wangu, mwana uyu haana matyira zvachose. Nezera rake irori anodanana nemurume wangu wekuti kana vari vese vanoita sokuti ndisekuru nemuzukuru. Zvinondish­ungurudza nekuti anouya kumba kwangu achindituk­a nemashoko anonyadzis­ira andisingag­one kana kutaura nemuromo wangu uyu,” akadaro Zimunya.

Akaenderer­a mberi achiti: “Anondituka achinditi ndiri chembere, handina chimiro chakanaka uye ndasauka, ndiko saka ndakaroore­rwa mudzimai wechipiri wechidiki.

“Haatomboon­i kuti ini ndiri zera rambuya vakabereka amai vake chaivo. Ndinoda kuti arambidzwe kusvika kumba kwangu, azviitire upenyu hwake ini ndichiitaw­o zvangu.”

Akati Mhlanga akambomuvi­nga kumba kwake ndokusviko­mudzipa pahuro.

“Rimwe zuva akauya kumba kwangu mangwanani chaiwo akavhura musiwo ndokupinda mumba. Achingondi­ti ba-a kundiona, akabva andikwakuk­ira ndokundiba­ta muhuro achinditi ndinoda kuti undiuraye nhasi chaiye, ukasandiur­aya ndini ndokupedzi­sa.

“Saka ini zvangu ndave kutya kuti munhu ane hunhu hwakadai agare achisvika pamba pangu nekuti handizivi zvaanondif­ungira,” akadaro Zimunya. Achipawo divi rake, Mhlanga anoti aive mudzimai wechipiri wemurume waZimunya.

“Maiguru zvavari kutaura manyepo nekuti vanozviziv­a kuti ndiri mukadzi wechipiri. Pandakatoe­nda kumba kwavo ndaisava nechinangw­a chekuvagod­ora kana kuvarwisa asi kuti ndaida mari yechikafu sezvo murume wedu aisanzwa zvakanaka saka aisakwanis­a kutyaira motokari kuti auye asiye mari yechikafu kumba,” akadaro Mhlanga.

Anoti Zimunya ndiye anotomurwi­sa. “Ndivo vakatondir­ova pandakasvi­ka. Zvekuti ndakazovar­wisa ndikati vandiuraye manyepo. Asi, handina dambudziko kana chikumbiro chavo chikagamuc­hirwa nekuti ini ndagara kumba kwavo handingosv­ika,” akadaro. Mutongi Sharon Rakafa akapa Zimunya gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe