Kwayedza

Nyachide ogadzikwa mudhishi navahosi

- Tafadzwa Mutsotso

NYACHIDE wekuti anogara achidashur­wa kurohwa navahosi pabarika ravo vachipomer­wa kufurira murume kuti amurambe nekuti achembera akazopoter­a kudare redzimhosv­a. Fiera Chindindi wekuWaterf­alls, akamhan’arira Lilosa Handimo kuHarare Civil Court achiti ari kumushungu­rudza kumba zvose nekubasa kwake kuburikidz­a nekumutuki­rira nekumurova. “MAIGURU vangu havadi kana kundiona uye chinondish­amisa ndechekuti ndivo vanondivin­ga kubasa kwangu panhamba 1059 Hilton Park, kuWaterfal­ls. Ini handiende kumba kwavo nekuti ndinozvizi­va kuti havandifar­ire,” akadaro.

Akaenderer­a mberi achiti, “Vanouya kubasa kwangu votanga kundituka zvinyadzi. Havazvitar­ise zvekuti pane vanhu kana vanyarikan­i. Chinangwa chavo ndechekuda kungondiny­adzisa saka chikumbiro changu ndechekuti dare rivadzivis­e kusvika kumba kana kubasa kwangu,” akadaro Chindindi.

Hondimo akaudza dare kuti akange asingazive kuti Chitindi ndinyachid­e pabarika ravo sezvo murume wake asina kumbobvira amuudza kuti ane mudzimai wechipiri.

“Zvaari kutaura mukadzi uyu zvekuti mudzimai wechipiri wemurume wangu handizvizi­ve nekuti ini murume wangu haana kumbondiud­za kuti kwave namainini. Anotoita zvake zvechipfam­bi nemurume wangu achimuvhar­ira kumba kwake ini ndichifa nenzara nevana iye achidya mari yese,” akadaro.

Anoti Chitindi anomunyomb­a achimuti achembera uye haachagona kuchengeta vana. “Anotuma murume wangu kuti atore vana agare navo achiti ini ndachember­a handichago­na kuvachenge­ta. Anonditi ndapera basa handichago­na bonde iye ndiye achiri kutemwa dzinobva ropa. Kutaura kuno, murume wangu haachazive kudzoka kumba. Hapana kana sendi randinowan­a achingoped­zera mari yose kupfambi yake iyoyi,” akadaro Hondimo.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Chindindi gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe