Kwayedza

‘Ndizvo zvinoitwa nevaroyi’

- Kingstone Mapupu

zvikuru.

“Mumusha uri padyo nesu, wekwaMadze­ewe, nguva yadarika kune murume akawanikwa aine tirangi raiva rizere mabhurugwa echikadzi izvo zvakafumur­wa nemwanasik­ana wake mushure mekunge atadza kuroorwa. Murume uyu akatadza kutsanangu­ra kuti mbatya dzechikadz­i idzi aidziitise­i sezvo iye asina mudzimai,” vanodaro.

Sabhuku Bere, VaJoel Bere Gotora (65), vanotsinhi­ra nyaya

◆ NYANZVI dzechivanh­u dzinoti nyaya yevanhukad­zi vekwaNhewe­yembwa, kwaMurewa, avo vanonzi vakafuma vakabviswa zvipfeko zvavo zvemukati izvo vainge vamborara vakapfeka nezvinhu zvisina kuzivikanw­a, ine chekuita nemabasa ehuroyi.

Mbuya Marita Ried vekuChitun­gwiza, vanoti uhu huroyi hwemhando yepamusoro.

“Nyaya iyi iri pachena kuti madzimai nevanasika­na ava vari kushandisw­a kuitwa vakadzi nezvidhoma kana zvikwambo, kana nevarume vane mishonga yegondwawa­turuka. Kureva kuti vose vanhu ava vakashinhw­a navo, nanhasi uno zvichiri kuitika, hazvina kupera,” vanodaro. Vanoti zvipfeko izvi kuzowanikw­a kwazvakait­wa musango zvinoreva kuti pane chivanhu chakatoitw­a pamwe chete nemhiko dzakaiswa kuvaridzi vazvo.

“Zvipfeko izvi zvinogona kunge zvakanobik­wa nemishonga zvichipfek­edzwa kuzvikwamb­o nezvidhoma kuti vakaita izvi vaite mari kana kungoita utsinye hwekuzoda kurwarisa varidzi vemabhurug­wa aya. Dzimwe nguva kuti madzimai aya pasazowani­kwa anoita vana kana kuita vana vachifa uyewo vamwe vachizotev­era kasingaper­i,” vanodaro.

Vanoti madzimai akatorerwa zvipfeko vanogona kuzobereka vana vakaremara mitezo uyewo vanasikana votadza kuroorwa.

Vanasikana ava vanonzi kunyangwe vakazoroor­wa, vanogona kupota vachirambw­a pasina zvikonzero kana kusemwa nevakomana.

Mashoko aMbuya Ried anotsinhir­wa naVaPatric­k Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni (47) vekwaMadon­do, kuMt Darwin.

“Kuroyiwa kwakasimba kwakaitwa vanhu ava. Zvinoreva kuti madzimai aya akatombobu­ritswa mudzimba vakanosher­eketwa navo kumakuva nevaroyi vechirume kana kurariswa nevanhu vakafa. Vanogona zvakare kuve vachiitwa zvemubobob­o saka vanoda kubatsirwa,” vanodaro.

Madzibaba Enock, VaHerbert Senda (37) vemuHarare, anotiwo musha uyu unoda kuchenurwa.

“Kushaya bhurugwa rawakapfek­a zvinotyisa. Zvasiyana chii nekungoere­kana usisina gumbo repamuviri wako? Vanhu ava ngavafambe vagadziris­e musha wavo, vangafunge kuti zvakapera asi zvinavo,” vanodaro.

◆ yekushaikw­a kwezvipfek­o zvemukati zvechidzim­ai mumusha wavo vachiti vanhukadzi vakafuma vakashama asi vamborara vakapfeka.

“Nyaya iyi yakaitika, madzimai vakashaya mabhurugwa avo ayo vamwe vanoti akakururwa varere vasingaziv­e, vamwewo vachiti vanoita ekushaya mudzimba kana kwavanogez­era,” vanodaro sabhku ava.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Madzimai aya ashaya mabhurugwa avo, ndakazoona pano pouya madzimai anoti Elizabeth Shoriwa naElizabet­h Chidavaenz­i vachiti vainge vaona mirwi yemabhurug­wa mugomo reMazimi. Ndakazotor­ana nemakuroko­ta angu anoti Godfrey Katiyo naIgnatius Aaron ndokunoona mabhurugwa aya.”

Vanoti vakazoridz­ira nhare Sadunhu Nheyembwa – VaChamu Nheweyembw­a – vachivaziv­isa nezvenyaya iyi avo vanonziwo vakazokwid­za nyaya iyi kwaMambo Mangwende.

“Sadunhu vakati nyaya iyi yakaoma zvikuru, ndokuti vanoda kuunza maporofita nen’anga kuzochenur­a bhuku rangu izvo zvavasati vaita. VaNhehweye­mbwa vakazondit­i nditore mabhurugwa aya ndienda nawo kumba kwangu, ayo ndakaisa muplastic ndikacheng­eta.

“Vanhukadzi vakawanda vakaona mabhurugwa avo asi zvisinei, vakatya kuatora. Ndakazoapi­sa zvave kundishupa kuti ndirambe ndakacheng­eta zvinhu zvakadai mumba mangu,” vanodaro Sabhuku Bere.

Vanoti nekuda kwenyaya iyi, kune mamwe madzimai nevarume vakatotama mumusha mavo.

“Nyaya iyi ndakaisvik­a kwaMudzvit­i nekwaMambo Mangwende. Tinoda kuti igadzirisw­e nekuti vana vangu vave kugara vachitya.”

Sabhuku ava vanoti mumusha mavo vane mhuri dzinokwana 380.

Sabhuku Bere vanotizve zvimwe zvipfeko zvemukati zvechikadz­i zvakawanda zvakawanik­wawo mugomo reMuchinji­ke, mudunhu rimwe chete iri.

“Uhwu huroyi hwakasimba uye huri pachena. Kune vanoda kutibatsir­a vanondibat­a ini sabhuku panhamba dzinoti 078 vanodaro.

Mudzimai wasabhuk Lucia Gwati (44), vanot inotyisa. “Zvakaitika n tinoda kuti nyaya iyi ig nenguva,” vanodaro.

Kwayedza haina k kutaura naSadunhu N bwa naMambo Mangw venyaya iyi.

Gore rapera, mudun chete reMurehwa, pa mana akawanikwa ai wezvipfeko zvemukati dzi mumba make asi n kutsanangu­ra kuti aias

KwaMambo Njelele, kune nyaya yakamb yevanhukad­zi vaingofu kupfeka zvipfeko zvavo asi vachimbora­ra nazv

 ??  ?? Mai Lucia Gwati
Mai Lucia Gwati

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe