‘Ndizvo zvinoitwa nevaroyi’
zvikuru.
“Mumusha uri padyo nesu, wekwaMadzeewe, nguva yadarika kune murume akawanikwa aine tirangi raiva rizere mabhurugwa echikadzi izvo zvakafumurwa nemwanasikana wake mushure mekunge atadza kuroorwa. Murume uyu akatadza kutsanangura kuti mbatya dzechikadzi idzi aidziitisei sezvo iye asina mudzimai,” vanodaro.
Sabhuku Bere, VaJoel Bere Gotora (65), vanotsinhira nyaya
◆ NYANZVI dzechivanhu dzinoti nyaya yevanhukadzi vekwaNheweyembwa, kwaMurewa, avo vanonzi vakafuma vakabviswa zvipfeko zvavo zvemukati izvo vainge vamborara vakapfeka nezvinhu zvisina kuzivikanwa, ine chekuita nemabasa ehuroyi.
Mbuya Marita Ried vekuChitungwiza, vanoti uhu huroyi hwemhando yepamusoro.
“Nyaya iyi iri pachena kuti madzimai nevanasikana ava vari kushandiswa kuitwa vakadzi nezvidhoma kana zvikwambo, kana nevarume vane mishonga yegondwawaturuka. Kureva kuti vose vanhu ava vakashinhwa navo, nanhasi uno zvichiri kuitika, hazvina kupera,” vanodaro. Vanoti zvipfeko izvi kuzowanikwa kwazvakaitwa musango zvinoreva kuti pane chivanhu chakatoitwa pamwe chete nemhiko dzakaiswa kuvaridzi vazvo.
“Zvipfeko izvi zvinogona kunge zvakanobikwa nemishonga zvichipfekedzwa kuzvikwambo nezvidhoma kuti vakaita izvi vaite mari kana kungoita utsinye hwekuzoda kurwarisa varidzi vemabhurugwa aya. Dzimwe nguva kuti madzimai aya pasazowanikwa anoita vana kana kuita vana vachifa uyewo vamwe vachizotevera kasingaperi,” vanodaro.
Vanoti madzimai akatorerwa zvipfeko vanogona kuzobereka vana vakaremara mitezo uyewo vanasikana votadza kuroorwa.
Vanasikana ava vanonzi kunyangwe vakazoroorwa, vanogona kupota vachirambwa pasina zvikonzero kana kusemwa nevakomana.
Mashoko aMbuya Ried anotsinhirwa naVaPatrick Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni (47) vekwaMadondo, kuMt Darwin.
“Kuroyiwa kwakasimba kwakaitwa vanhu ava. Zvinoreva kuti madzimai aya akatomboburitswa mudzimba vakanoshereketwa navo kumakuva nevaroyi vechirume kana kurariswa nevanhu vakafa. Vanogona zvakare kuve vachiitwa zvemubobobo saka vanoda kubatsirwa,” vanodaro.
Madzibaba Enock, VaHerbert Senda (37) vemuHarare, anotiwo musha uyu unoda kuchenurwa.
“Kushaya bhurugwa rawakapfeka zvinotyisa. Zvasiyana chii nekungoerekana usisina gumbo repamuviri wako? Vanhu ava ngavafambe vagadzirise musha wavo, vangafunge kuti zvakapera asi zvinavo,” vanodaro.
◆ yekushaikwa kwezvipfeko zvemukati zvechidzimai mumusha wavo vachiti vanhukadzi vakafuma vakashama asi vamborara vakapfeka.
“Nyaya iyi yakaitika, madzimai vakashaya mabhurugwa avo ayo vamwe vanoti akakururwa varere vasingazive, vamwewo vachiti vanoita ekushaya mudzimba kana kwavanogezera,” vanodaro sabhku ava.
Vanoenderera mberi vachiti, “Madzimai aya ashaya mabhurugwa avo, ndakazoona pano pouya madzimai anoti Elizabeth Shoriwa naElizabeth Chidavaenzi vachiti vainge vaona mirwi yemabhurugwa mugomo reMazimi. Ndakazotorana nemakurokota angu anoti Godfrey Katiyo naIgnatius Aaron ndokunoona mabhurugwa aya.”
Vanoti vakazoridzira nhare Sadunhu Nheyembwa – VaChamu Nheweyembwa – vachivazivisa nezvenyaya iyi avo vanonziwo vakazokwidza nyaya iyi kwaMambo Mangwende.
“Sadunhu vakati nyaya iyi yakaoma zvikuru, ndokuti vanoda kuunza maporofita nen’anga kuzochenura bhuku rangu izvo zvavasati vaita. VaNhehweyembwa vakazonditi nditore mabhurugwa aya ndienda nawo kumba kwangu, ayo ndakaisa muplastic ndikachengeta.
“Vanhukadzi vakawanda vakaona mabhurugwa avo asi zvisinei, vakatya kuatora. Ndakazoapisa zvave kundishupa kuti ndirambe ndakachengeta zvinhu zvakadai mumba mangu,” vanodaro Sabhuku Bere.
Vanoti nekuda kwenyaya iyi, kune mamwe madzimai nevarume vakatotama mumusha mavo.
“Nyaya iyi ndakaisvika kwaMudzviti nekwaMambo Mangwende. Tinoda kuti igadziriswe nekuti vana vangu vave kugara vachitya.”
Sabhuku ava vanoti mumusha mavo vane mhuri dzinokwana 380.
Sabhuku Bere vanotizve zvimwe zvipfeko zvemukati zvechikadzi zvakawanda zvakawanikwawo mugomo reMuchinjike, mudunhu rimwe chete iri.
“Uhwu huroyi hwakasimba uye huri pachena. Kune vanoda kutibatsira vanondibata ini sabhuku panhamba dzinoti 078 vanodaro.
Mudzimai wasabhuk Lucia Gwati (44), vanot inotyisa. “Zvakaitika n tinoda kuti nyaya iyi ig nenguva,” vanodaro.
Kwayedza haina k kutaura naSadunhu N bwa naMambo Mangw venyaya iyi.
Gore rapera, mudun chete reMurehwa, pa mana akawanikwa ai wezvipfeko zvemukati dzi mumba make asi n kutsanangura kuti aias
KwaMambo Njelele, kune nyaya yakamb yevanhukadzi vaingofu kupfeka zvipfeko zvavo asi vachimborara nazv