Kwayedza

Nyaya dzekuramba­na pachivanhu

-

KANA vanhu vachiita sarudzo yekuti vachate, pamwe nevanhu vavachadai­dza pamuchato wacho nechikafu chichadyiw­a, vanenge vasingatar­isire kuti mumwe mudzimai awanikwe achisvika achimisa muchato uyu. Mushure mekunge tafura yemuchato yashongedz­wa nemachira anopenya, mumwe mudzimai anobva asvika achiti achiri muwanano nemurume iyeye ari kuda kuchatwa naye nokudaro muchato unofanira kumiswa.

Nyaya yegupuro itsika yevanhu vemuAfrica asi kazhinji kacho pazvinonyo­rwa mumapepanh­au zvinoratid­za kuti vanhu vazhinji havana hanya nazvo.

Pasi pemutemo wewanano yechivanhu, kana munhu asingachad­e kuti ange ari muwanano iyi, pachinzvim­bo chekuti vadure nemuromo, vanofanira kubvisa mari yekuramba munhu nekumupa gupuro.

Mari iyi inenge isina kuwanda asi inomira seumboo hwekuti vaviri varambana.

Kuti munzwisise maringe nemhando dzeroora dzinotaris­wa muZimbabwe, kune wanano yeCivil Marriage pasi pemutemo weMarriage Act (Chapter 5:11). Wanano iyi inotendera kuve nemudzimai mumwe chete nemurume mumwe chete bedzi.

Zvinoreva kuti unenge uchifanira kumira nemudzimai mumwe chete kana nemurume mumwe chete kusvikira mumwe wenyu afa kana kuti marambana. Imwe wanano yeCustomar­y Law Marriage inotendera murume kuita madzimai anodarika mumwe chete asi achifanira kunyoresa mudzimai wekutanga, ozoita izvi kune mamwe madzimai anotevera.

Asi, chokwadi ndechekuti kune wanano zhinji dzerudzi urwu dzisina kunyoreswa, zvisinei nekuti roora rinenge richibvisi­rwa madzimai aya. Apa ndipo panomuka matambudzi­ko.

Tisingade kubuda munyaya iyi, wanano yechivanhu inoonekwa yakakosha bedzi panyaya dzakaita sekuve nevana vakawanda nekuwana migove yenhaka. Pane zvimwe zvinangwa, wanano iyi haitariswi seyemandir­iri munyika muno.

Pane mubvunzo zvakare wekuti gupuro rakangoenz­ana here nekuramban­a kunoita vanhu pawanano yechivanhu iyo inenge isina kunyoreswa?

Mutemo weCivil Marriage unotendera kuti vanhu vange vaine sarudzo yekuramban­a kwavanoita pasi pemutemo weMatrimon­ial Causes Act (Chapter 5:13) zvinova zvinogona kupesana nenhau dzekupanan­a gupuro apo wanano inokwanisa kuparadzwa nekuda kwezvikonz­ero zvakadai sekuti vaviri havachakwa­nisi kudzokeran­a zvachose. Zvisinei, pasi pewanano yeCustomar­y Marriage pane nzira dzakasiyan­a dzinoshand­iswa kana vari muwanano vachiramba­na zvakaita sekuti munhu anogona kupihwa mari diki paine vafakazi kuratidza kuti wanano yapera asi vamwe vachiita izvi muchihwand­e uye vari vaviri. Vamwe vanoita kuti murume ange achitenga gumbeze iro anopa vabereki vemudzimai zvichireva kuti anenge ave mutoro mukuru unorema kwaari kuti arambe achigara naye.

Kune nyaya dzinobuda kuti kumatare emadzishe vamwe vari kunzi vabvise gupuro re$10 kana kudarika nekuti zvinotaurw­a kuti munhu haangoti haachada mumwe iye akabvisa pfuma obva angotaura izvi nemuromo chete. Saka pachine nyaya yekuti sei munhu achizosvik­a pakumisa muchato unenge wave kuitwa nekuti zviri pamutemo kuti kana vanhu vaviri vachinge vasarudza kuroorana vanofanira kutanga vashambadz­a mumapepanh­au kuitira kuti vanoda kurambidza wanano iyi vagare vazviita muchato usati waitwa.

Kana uchinge waita izvi, anenge achida kurambidza wanano anokwanisa kuenda kune muchatisi (marriage officer) kunorambid­za muchato achipa zvikonzero zvekuti anenge achiri muwanano nemunhu iyeye.

Kana wanano yekutanga ichakamira, hazvikwani­si kuti munhu apinde muwanano yechipiri pasina kuparadza yekutanga nekuti inenge yave mhosva pasi pemutemo.

Nepamusana pekuti hapana nzira kwadzo dziri kutorwa pakupanana gupuro, zvinobva zvaratidza kuti munyika muno muchine dambudziko panhau dzewanano. Kazhinji kacho, mudzimai ndiye anosiiwa ari kurwadzisw­a apo anoona kuti murume wake asarudza kuchata nemumwe mudzimai iye achiri muwanano naye.

Panenge pave kuda kuti mudzimai achitambir­a kuti wanano iyi yatoitika kana kuti otsvaga dzimwe nzira dzekuti isaparare.

Kana paine roora rinenge rakabviswa pakati pevaviri ava, rinofanira kumira seumboo hwekuti vachiri muwanano.

Hazvina chiyamuro kuti vanhu vamirire kuti mumwe mudzimai auye pagungano remuchato achizovhir­inga. Izvi zvinoratid­za kuti wanano dzisina kunyoreswa dziriko uye dzakawanda nekudaro mutemo unofanira kutarisa izvi.

◆ Vanoda kuziva zvakawanda pamusoro pekodzero dzavanhuka­dzi munogona kutibata panhamba dzeTollfre­e dzinoti 08080131 kana 0782 900 900.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe