Kwayedza

Rega kuda kudzorwa semombe

-

NDINOTENDA vaverengi veKwayedza nemashoko ekurudziro pamusoro pechinyorw­a chino. Chinangwa changu ndechekuba­tsira kuti vanhu tifunge sevanhu, nekuti tiri vanhu kwete mbudzi dzaravira mamera.

Munhu kuti anzi munhu, hunge aine hunhu hwakanaka, uye hunoyemuri­ka. Kuita zvinhu zvakanaka kwakanaka nekuti kunotipa nyika inogarika nekufadza.

Saka ndicho chikonzero ndichinyor­a zvinyorwa zvinogezes­a vanhu nemvura yemuBhaibh­eri saNamani, uye ndichivazo­ra mafuta anoyerera nendebvu saAroni, nekuvapfek­edza nhumbi dzekurwa nadzo sedzakatau­rwa naPaul kunaVaEfes­o.

Chandinozi­va ndechekuti chinodzorw­a imombe, asi munhu anofanira kuzvidzora ega pazvinhu zvakaipa zvinomukan­ganisa, pamwe chete nekukangan­isa vaakagara navo. Chisina njere indiro yawadyira ukasiya pawanga uchidyira. Uchangowan­a iri pawaisiya iri, uye haigone kuti izvisuke nekuzviche­nesa.

Asi munhu akasikwa uye akapihwa njere naMwari. Munhu anozviziva kana apfurikidz­a mwero.

Vazhinji vanondiziv­a vanoziva kuti ndiri munyori wemabhuku nasarungan­o. Mabhuku andakanyor­a anosangani­sira Mapenzi, Ndafa Here? nerinonzi Imbwa yemunhu. Mazhinji akawana mibairo uye akaverengw­a muzvikoro.

Asi nyangwe ndakanyora mabhuku aya, ndine bhuku randinodis­isa nekuti rine mhinduro dzinonama munobvinza mehupenyu hwevanhu.

Bhuku iri handisirin­i ndakarinyo­ra uye handife ndakanyora bhuku rakadaro nekuti ibhuku raMwari rinonzi Bhaibheri. Rakanyorwa naMwari uye sepoto iri pamoto, rinopfunga­ira nepfungwa dzaMwari richizadza hupenyu hwevanhu nekunhuwir­ira kunonzwisa nzara.

Kunze kwekunyora mabhuku, ndiri sarungano, zvichireva kuti ndinotaura ngano dzinotanga dzichiti, “Paivapo.” Asi nyangwe ndikataura ngano refu kana pfupi, ngano dzinosetsa kana kuchemedza, ngano dzandinota­ura dzinosvika pakupera. Neniwo ndinobva ndati, “Ndipo pakafira sarungano.”

Nyangwe ndichitaur­a ngano dzinoumbur­udza pfungwa dzevaterer­i mundiro izere muto wekunakidz­wa, handina kumwe kwekuvaend­esa kana ngano dzangu dzapera nekuti ingano dzevanhu uye dzinopera. Asi ndinoziva mumwe sarungano akataura ngano zhinji dzisingape­re nekuti sarungano iyeye ndiye sarungano wehupenyu hwemunhu uye ngano dzese ndedzake, nevanotaur­a nevanonzwa ngano ndake.

Nyangwe ndikataura ngano dzine mapapiro anobhururu­ka, kana dzine nyanga dzinotunga, handina ngano inoita kuti kana ini sarungano ndafa, nengano yandiri kukuudzai yafa imi mugozosang­ana neni sarungano wenyu mune humwe hupenyu ndichikuud­zai kuti ngano yandakakuu­dzai ndiyoyi yamazosvik­a mairi.

Nyika dzemungano imhute, asi kune nyika yemungano yaMwari. Iyoyo nyika ine zvisina kumboonekw­a nemaziso kana kumbonzwik­wa nenzeve.

Kufanana nemamwe mabhuku ese, bhuku raMwari rakadhindw­a pamapepa anogona kubvaruka, kutsva, kunayiwa nemvura kana kudzimika. Asi chokwadi chiri mariri hachiore kana kuparara.

Pamapepa ipapo parakanyor­wa, bhuku raMwari hariite senhunzi yakapinda mubhodhoro ikakanganw­a kuti kwayakapin­da nako ndiko kwekubuda nako ikafa. Shoko raMwari ibenyu nekuti ndivo Mwari pachezvavo.

Mumwe muchenjeri akati muBhaibher­i mune mafungiro aMwari, mune mamiriro ehupenyu hwemunhu, mune nzira yekupona nayo, mune kuparadzwa kwevatadzi, mune mufaro wevanotend­a. Dzidziso dzaro idzidziso tsvene, uye zvarakati zvichaitik­a hazvikone kuitika.

Nhoroondo dziri muBhaibher­i inhoroondo chaidzo dzezvakait­ika. Hakuna anoshandur­a zvarakatau­ra. Riverenge kuti uve mungwaru, gashira zvarinotau­ra urege kutya, uye riteerere kuti uve mutsvene. Rine chiedza chekukutun­gamirira, nekudya kunokurara­misa.

Bhaibheri rinofanira kugara mumwoyo kudarika nziyo dzaJah Prayzah. Huchenjeri huri mariri hunokunda hwemaporof­ita emazuva ano anozviti anoziva zvese. Kana usina, ritsvage unzwe izwi raMwari kwete remunhu. Kana ukariwana, uchanzwisi­sa kuti sei David akati, “Shoko renyu mwenje wetsoka dzangu, nechiyedza panzira yandinofam­ba.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe