Kwayedza

‘Muri kushunguru­dza vakadzi’ Tiri kutora matanho: Gandawa

- Tandayi Motsi

BAZI redzidzo yepamusoro nekusimudz­irwa kwesainzi rinoti riri kutora matanho akasimba ekudziviri­ra vanhukadzi vanodzidza kumakoreji nemayunivh­esiti kuti vasambunyi­kidzwe – zvikuru panyaya dzepabonde – nevadzidzi­si vavo kana vamwewo vanhurume.

Mashoko aya akataurwa mudare reNational Assembly svondo rapera nemutevedz­eri wegurukota rebazi iri, Dr Godfrey Gandawa, apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProporti­onal Representa­tion, Mai Jennifer Mhlanga.

Mai Mhlanga vaida kuziva zviri kuitwa neHuremend­e mukuchenge­tedza vanhukadzi vari kumakoreji nemayunivh­esiti kuti vasambunyi­kidzwe.

“Vanhukadzi vakawanda vari kudzidza kumakoreji nemayunivh­esiti vari kumbunyiki­dzwa zvakanyany­a. Ongororo yakaitwa inoratidza kuti chikamu chevanhuka­dzi ava chinosvika 74% chiri kushunguru­dzwa. Vari kushunguru­dzwa zvakanyany­a zvekuti vamwe vari kusvika pakubatwa chibharo nevarairid­zi vavo pamwe nevamwe vanhurume vavanodzid­za navo,” vanodaro.

Mai Mhlanga vanoti vadzidzi ava vari kushunguru­dzwa nemagadhi anoshandir­a pavanenge vachifunda zvakare.

“Tine vamwe vanhurume vasiri vadzidzisi vanoshanda pamakoreji nemayunivh­esiti aya pamwe nemagadhi avo vari kushunguru­dzawo vanhukadzi ava. Chikonzero chikuru chinoita kuti vashunguru­dzwe ndechekuti vawaniswe chikafu, kupihwa mamakisi epamusoro pane zvavanonyo­ra zvedzidzo pamwe nepekugara. Mutemo weHurumend­e unoti kudii nekuchenge­tedza mwanasikan­a kuitira kuti vanopara mhosva dzakadai vakandwe mutirongo?” vanodaro Mai Mhlanga.

Vachipindu­ra, Dr Gandawa vanoti ichokwadi kuti vanhukadzi vari kushunguru­dzwa nenzira dzakasiyan­a kumakoreji nekumayuni­vhesiti.

“Sebazi, hatikurudz­ire kushunguru­dzwa kwevadzidz­i kwakadai uye tikaziva varairidzi vanozviita tinotora matanho akafanira. Tine gwaro ratiri kugadzira (sexual abuse and harassment policy) kuitira kuchengete­dza vanhukadzi kubva mukushungu­rudzwa kumayunivh­esiti nemakoreji. Vadzidzi vakawanda vatinavo vane makore anodarika 18 okuberekwa uye dzimwe nguva vanenge vachitende­rana nezvinenge zvichiitik­a,” vanodaro. Vanoendere­ra mberi vachiti, “Takatender­era kumayunivh­esiti nemakoreji ose anokwana 46 munyika muno tikaona nyaya iyi ichinetsa zvikuru. Kwose kwatakaend­a tichitaura nevadzidzi, nyaya yekushungu­rudzwa iyi yaibuda.

“Munguva pfupi iri kutevera, ndichange ndichiunza gwaro iri mudare rino reParamend­e rekuchenge­tedza vanhukadzi kuti vasashungu­rudzwe munzvimbo dzavanodzi­dzira kuti rigozeyewa,” vanodaro Dr Gandawa.

 ??  ?? Mai Mhlanga
Mai Mhlanga
 ??  ?? Dr Gandawa
Dr Gandawa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe