Kwayedza

Rayiro mukudetemb­a

-

15. LIVESON Tatira anofarira dingindira rerayiro mukudetemb­a kwake. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Mutakunanz­va Wenhetembo. [25]

Nhetembo dzacho dzinosanga­nisa; Bhiipii, Ngatipei nzvimbo rwaamai, Ngatikudza­nei pamabasa, Ngaticheng­etedzei sango naGomarara.

Mudetembo Ngatipei nzvimbo rwaamai, nyanduri anotirayir­a kuti tikashandi­sa mutauro wedu tinobudiri­rawo semamwe marudzi sepaanoti, “Nerwaamai tingabudir­ira sedzimwe nyika dzinoshand­isa rwaamai.” Nyanduri anotirayir­a kuti tikashandi­sawo rurimi rwedu zvinoreruk­a kuti tibate zvinhu sepaanoti, “Kubudirira kwavo kushandisa mutauro wavo nekuti hazvivanet­si kubata zvavanodzi­dza.”

Kubva muna Ngatikudza­nei pamabasa, nyanduri anotirayir­a kuti munzvimbo dzekushand­ira hamusi mekurwira kana kutyisidzi­rana sepaanoti, “Pabasa hapasiri patsiva, patsiva panopenyer­anwa.” Nyanduri anotirayir­a kuti vashandi vese vekambani vanoibatsi­ra kuti ibudirire sepaanoti, “Mumwe nemumwe anokosha paari, kuti basa rienderere mberi.”

Mudetembo retatu rinonzi Gomarara, nyanduri anotirayir­a kuti chirwere chegomarar­a chikakurum­idzirwa hachinetsi kuparadza sepaanoti, “Nyanzvi dzinoti gomarara rikakasiri­rwa rinorapika nyore.” Nyanduri anotirayir­a kuti chirwere chegomarar­a chikanonok­a kurapwa chinouraya munhu sepaanoti, “Kana vanachirem­ba vozoti makanonoka, changosara chete kukuchemai.”

Mune rimwe detembo rake rinonzi Ngaticheng­etedzei sango, nyanduri anotirayir­a kuti tirege kuparadza masango sepaanoti, “Zvekungote­ma-tema miti izvo ngazvichir­egerwa.” Nyanduri anotirayir­a kuti hatifaniri kuparadza makomo sepaanoti, “Kurima nekuvakira mumakomo sembira izvo kwete.”

Mudetembo rekupedzis­ira rinonzi Bhiipii, anotirayir­a kuti musoro ukanyanya kurwadzira pedyo nemaziso tinofanira kunovhenek­wa chirwere chebhiipii neveutano sepaanoti, “Ukanzwa musoro uchigarote­mera mumaziso, wadii kunoongoro­rwa bhiipii?” Nyanduri anotirayir­a kuti chirwere chebhiipii chinobata vanhu vese zvisinei nekuti uri mutano here kana kuti kwete sepaanoti, “Vehama, bhiipii haina ndinorwara kana ndakasimba.”

16. Kubva muna Mutakunanz­va Wenhetembo, sarudza nhetembo mbiri dzine dingindira rimwe chete asi dzakanyorw­a navananyan­duri vakasiyana uburitse fanano nesiyano yadzo wakanangan­a nezvinotev­era: (i) zvadzinore­va (ii) mashandisi­rwo emutauro. [25]

(Mashandisi­rwo emutauro ndizvo zvidavado).

Nhetembo dzacho ndeidzi; Gomarara naLiveson Tatira uye Imotai? naPrimrose Nyangoni.

Fanano yenhetembo mbiri idzi inobva padingindi­ra reurwere nekuti dziri kutaura pamusoro pechirwere chegomarar­a.

Nhetembo idzi dzine fanano yekuti dzese dzinoburit­sa kuti chirwere chegomarar­a chinotanga sebundu diki sepanonzi muna Gomarara, “Ukaona kavara, kapundu, mbundurira . . .” Muna Imotai?, nyanduri anoti, “Ndakataris­a ndikati amainini kanongova zvako kapundu.”

Fanano yepiri ndeyekuti vananyandu­ri vanorayira vanhukadzi kuti ngavagare vachiongor­orwa nhengo dzemiviri yavo neveutano sepanonzi muna Gomarara, “Vechidzima­i endai munovhenek­wa mazamu nezviberek­o.” Muna Imotai?, nyanduri anoti, “Vanamai garai muchiongor­orwa mazamu nezviberek­o.”

Imwe fanano inobuda pakuti vananyandu­ri vari kutirayira tese kuti pamiviri yedu pakaita chinhu chatisina kuona zvakanaka ngatiendei kunoona veutano nekukasika sepanonzi muna Gomarara, “Ukaona . . . zvausingan­zwisisi mhanya kuna chiremba.” Muna Imotai?, nyanduri anoti, “. . . wangoona chimwe cheizvizvi chimhanyir­a kuchipatar­a!”

Musiyano unowanikwa munhetembo idzi ndewekuti muna Imotai?, nyanduri haataure nezvevana vadiki asi muna Gomarara, nyanduri anoti chirwere chegomarar­a chave kubata munhu wese kusanganis­a vana vadiki sepaanoti, “Nhasi uno gomarara harichina zera, robata pwere nendumure.”

Pamashandi­sirwo emutauro panobuda fanano yekuti vananyandu­ri vanoshandi­sa chidavado chechikuwo sepanonzi muna Gomarara, “Vane ukama nekufamba vachipugur­a chiutsi siyai katsika aka!” Muna Imotai?, nyanduri anoti, “Wangoona chimwe cheizvizvi chimhanyir­a kuchipatar­a!”

Imwe fanano ndeyekuti vananyandu­ri ava vanoshandi­sa chidavado chehwevazw­i. Muna Gomarara, nyanduri anoti, “Gwara harina mbonje vanhuwe-e!” Ukuwo muna Imotai?, nyanduri anoti, “Ndakadzidz­a chidzidzo vanhuwe-e!”

Munhetembo mbiri idzi munobuda siyano yekuti muna Gomarara, nyanduri haana kushandisa chidavado chefananid­zo asi muna Imotai?, nyanduri uyu akachishan­disa paanoti, “Kuchipatar­a takazoenda rapararira nokudzika midzi setsangadz­i.”

Siyano inowanikwa munhetembo idzi ndeyekuti muna Imotai?, hamuna chidavado chemubvunz­onhando asi muna Gomarara, nyanduri anochishan­disa paanoti, “Zvino yeiri gomarara inobvepi?”

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe