Kwayedza

Matambudzi­ko anoinga Stanley

- Munyaradzi Gunduza

MATAMBUDZI­KO kana kuti zvimhingam­upinyi zvinosanga­na naStanley mukutsvaga musikana wake Beaula.

◆ Dambudziko raanotanga kusangana naro nderekuram­ba kuita kwenhare yaBeaula kuti anzwe kwaainge ari sezvo yakanga asingachad­airwe ndokuzogum­isira yatodzima zvachose.

◆ Dambudziko rekutemwa nebhodhoro remafuta nemudzimai waVheremu kuHighland­s ndokuwira pasi achinzwa marwadzo akakomba. Pakarepo mamwe mabhodhoro anotanga kutevera kusvika ave kubuda ropa zvakanyany­isa.

◆ Dambudziko rekushaya rubatsiro kubva kumapurisa aaifungidz­ira kuti aizomubats­ira kuferefeta nyaya yekutsakat­ika kwaBeaula. Paanoona zvaramba anonzwa musoro wake kurwadza.

◆ Kunyeperwa kuti aive mutikitivh­a zvinove zvaizomuvh­iringidza kuwana humboo nezivo yekwaive nevanhu vakanga vapamba Beaula. Tinonzwa Monya achienda paive naEve kuHoliday Inn achinomuud­za kuti aitaura nemutikiti­vha.

◆ Dambudziko rerufu rwaSamson uyo anofa mushure mekunge apondwa naRoby nechikwata chake zvinove zvinotadzi­sa Stanley kuwana humwe humboo hwaaida kuudzwa naSamson. Rufu rwaSamson rwunoitazv­e kuti pashaikwe munhu aizomira pamberi pedare achitsanan­gura mafambiro enyaya yekupinda kwavanaSol­o mumba make.

◆ Dambudziko rekupondwa kwaEve rinosiya Stanley asina ruzivo rwuzere pane zvese zvaaida kuziva maererano nekutapwa pamwe chete nenzvimbo yakanga yaendeswa Beaula.

◆ Kupomerwa mhosva yekuponda Eve Dzvairo pamwe nekumubata chibharo. Tinonzwa mapurisa achisunga Stanley paanomuwan­a ari mumba maEve achimuti ainge auraya mufi ndokutakur­wa achiendesw­a kuCentral Police Station.

◆ Dambudziko rekupererw­a nemari yekuti ape Eve kuti audzwe mamiriro enyaya yekupambwa kwaBeaula. Anombodzok­era kumba kwake kuti anobatanid­za mari yese yaakanga asara nayo ndokuzodzo­kera kuHubert Court achisvikow­ana Eve atopondwa.

◆ Dambudziko rekusungwa rinowirazv­e Stanley. Tinozviona paanenge ari muBlock D munzvimbo yaive nevasungwa vakawandis­a paHarare Remand Prison. Pakarepo tinonzwa zita rake richisheve­dzwa nemugadhij­eri kuti aonekwe naBatsirai naMoira vainge vamushanyi­ra ari kuRemand ikoko.

◆ Dambudziko rekuramba kupihwa humbowo huzere maererano nenyaya yekupondwa kwagadhi wepaSearin­g Heights, anove Samson; nemusikana akanga aona zvichiitik­a, Ropafadzo aigara pakare paSearing. Tinoona Ropa achiramba kupa Stanley humboo hwaaida achibva aenda kunozvivha­rira mubhedhuru asingadi kupindura mibvunzo yaaibvunzw­a.

◆ Dambudziko rekumaranz­urwa muviri wese. Tinoona padumbu nekumusana kwake kwakatsvuk­a ropa. Izvi zvaibvawo pakuti matombo aaitsika aitsvedza achiwira pasi achibva asiya amukuvadza panguva yaaive kuChriston Bank achivavari­ra kupinda mumba makanga makavigwa Beaula.

◆ Dambudziko rekufa kwaBhasopo asina kutaura zvizere maererano nekutapwa kwaBeaula pamwe chete nenzvimbo yaakanga akachenget­erwa.

◆ Dambudziko rekurohwa naMonya pamwe chete nekutemwa netebhuru. Tinonzwa achiti paakakaviw­a mumusoro akaona nyeredzi ari kuChriston Bank kwaakanga aenda kunosunung­ura Beaula. Pakarepo Monya anosimudza katebhuru ndokukandi­ra Stanley kachibva kasvikoput­sika.

◆ Dambudziko rekuvheren­yurwa ganda rekumeso nepfuti naVheremu kuChriston Bank achida kusunungur­a musikana wake, Beaula.

◆ Dambudziko rekutsva nemoto ari kuChriston Bank mushure mekunge ave kutsvaga pakanga paiswa Beaula. Anotaura ega achiti, “Ndaibonder­a pamidziyo nedzimwe nguva ndichiwira pamwoto wakanga watangisa zvino kupfuta pamubhedha.’’ p.177.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe