Kwayedza

NJUZU YAKA

- Muchaneta Chimuka

MUKADZI anogara mumusha weZengeza 2, kuChitungw­iza, nemusi weChipiri svondo rapera akaridza mhere yakaita kuti veruzhinji vaungane pamba pake, apo anoti akapinda muimba yake yekurara ndokusanga­na nemanenji – njuzu yaive yakapfeka bhodhi (bra) yakagara pamubhedha wake.

Mashura aya anonzi akaitika ari masikati panhamba 11 Gunguwo Road.

Kwayedza yakashanyi­ra mukadzi uyu – uyo anongoda kuzivikanw­a saMai Taku (24) – akatsinhir­a nezvemasar­amusi aya.

“Ingotii Mai Taku, handikupei zita rangu rizere nekuti pane zvinozokan­ganisika pakubatsir­wa kwandiri kuitwa.

“Ichokwadi, ndakaona njuzu pamubhedha wangu iri yechikadzi yainge iine vhudzi rakaita seremurung­u rakatsvuka asi rainge rakareba zvekuvhara chipfuva. Mutumbi wayo yakaenzana neni asi yakaita semurungu, iine besu rakaita serehove yemhando yebream uye yainge yakapfeka bhodhi,” anodaro Mai Taku.

Anoti paakaona njuzu iyi, akambofung­a kuti airota, asi ndokuzoona kuti izvi zvaitoitik­a zuva rakacheka nyika.

“Njuzu iyi haina zvayakatau­ra neni asi kuti yakangondi­tarisa kumeso. Pandakaita­risawo,yakabva yangonyang­arika. Ndipo pandakarid­za mhere vanhu ndokuungan­a pamba pano asi havana chavakaona.”

Mai Taku – uyo anopinda chechi yeRoman Catholic – anoti achikura akataurirw­a kuti ane mudzimu kana kuti chivanhu chiri paari chinoda kugadziris­wa asi iye aipikisana nazvo achida zvekunamat­a.

“Kumusha kwedu ndekwaMase­mbura, kuBindura, uye vabereki vangu vese vakashaya muna 1992 ini ndichiri mudiki. Pandaive kuchikoro, ndaiita dambudziko rekungodon­ha saka mukufamba ndimo mataiudzwa kuti ndine shavi rinoda kugadziris­wa asi ndaizviram­ba.

“Aka ndekekutan­ga kuona njuzu asi ndaingorot­a ndiri pasi pemvura zvekuti kana nanhasi ndinongoro­ta zvimwe zvinhu,” anodaro.

Mukadzi uyu anoti musi waakaona yaanoti injuzu iyi, murume wake akashevedz­a vamwe sekuru n’anga avo vari kuvashandi­ra.

“Sekuru vari kutibatsir­a vakati tisataura nezvenyaya iyi, kune vamwe vakatombou­ya tikaramba kutaura navo. Vanoti zvinokanga­nisa kubatsirwa kwedu.

“Ndinotenda kuti varidzi vepamba patinoroja vakazvitam­bira nekuti tingadai takadzingw­a nekuungana kwakaita vanhu pano,” anodaro achikumbir­a kumutori wenhau uno kuti nyaya iyi isabude muKwayedza.

Mai Taku anoti nyaya yechivanhu chiri paari akatanga kuiziva aine makore 15 ekuberekwa apo aiita Form 2.

“Hapasisina zvekuita, ndave kutambira nyaya dzechivanh­u idzi nekuti vari kundishand­ira vanoti kana tikaramba tichizvira­mba, njuzu iyi ikadzoka kechipiri inogona kundiuraya nehasha. Vanoti apa yakatouya sechiratid­zo chekutiton­dedza zvichateve­ra mberi,” anodaro.

Murume wemukadzi uyu – Tanaka Kazembe (29) – anoti haasi kunyatsozi­va zviri kuitika kumudzimai wake.

“Ini hangu handizivi kuti zvii zviri kuitika, ndokusaka tiri kufamba kuchivanhu. Hatisati taziva ruvara rwemachira atakanzi titenge nasekuru vari kutibatsir­a asi vanogara muno muChitungw­iza.

“Ini hangu handina kuiona njuzu yacho, ndakangonz­wa mudzimai wangu achiti akaiona mubhedhuru medu iri pamubhedha,” anodaro.

Vamwe vagari vemunzvimb­o iyi vakakuruku­rwa navo neKwayedza vanoti vanoshamis­wa nechiitiko ichi.

Mumwe wevavakidz­ani, Mai Princes Chimbambai­ra, vanoti vakamhanyi­ra pamba paMai Taku mushure mekunge vanzwa mhere yemunhu aibongomor­a k k i a k d n

 ??  ??
 ??  ?? Wonder Chihera
Wonder Chihera
 ??  ?? Mai Princes Chimbambai­ra
Mai Princes Chimbambai­ra
 ??  ?? M
M
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe