Kwayedza

Ndakaenda kuGehena: Prophet

- Kingstone Mapupu

MUPOROFITA uye wemuHarare – wekuita mbiri gore rapera achiti akaenda kudenga kaviri akanoita musangano naMwari mbune, ndokuzotiz­ve Mwari vakashanyi­ra Zimbabwe musi wa20 Gunyana 2016 – ava kuti akadzokera kudenga zvakare akanogadzw­a kuve mutevedzer­i wemukuru wemauto ezvemweya (deputy army heavenly commander).

Kunze kwekusanga­na naMwari mbune, muporofita uyu anoti rwendo rwuno akanosvika­wo kuGehena – achinorati­dzwa kuti kwakamira sei.

Prophet Talent Madungwe (30), sezvaagara achingotau­ra, anoti akadzokera kudenga musi wa3 kusvika 4 Zvita gore rapera nemusi wa29 Ndira gore rino apo akanoita mumwezve musangano naMwari.

Prophet Madungwe wechechi yeExile Desire of All Nations anotiwo kudenga kune nyika mbiri itsva dziri kuvakwa naMwari vachibatsi­rana nengirozi dzavo idzo dzatove pedyo nekupera.

Gore rapera patanga kubuda nyaya yemuporof ita uyu muKwayedza, vamwe vaverengi vakati Madungwe anofanirwa kunoongoro­rwa njere dzake vachiti anogona kunge ava kurasika pfungwa. Asi Madungwe akazviramb­a, achitsigir­wawo nevamwe vaverengi, sezvo achiti ane pfungwa dzakati kwesere.

“Regai nditaurire nyika kuti nemusi wa3 kusvika 4 Zvita gore rakapera, ndakadzoke­razve kudenga ndikanosan­gana naMwari. Ndakanodzi­dziswa manamatiro matsva.

“Ndakaonana naJesu Kirisitu ndakasanga­nawo nengirozi dzakasiyan­a. Ndakapinda­wo chikoro chengirozi, ndikasimbi­swa zvikuru,” Madungwe akaudza Kwayedza svondo rino.

Prophet Madungwe anoti akazodarik­irawo nekuGehena, uko akapereked­zwa nemukuru wemauto ekudenga – General Michael – uyo waanoti anoshanda nengirozi dzose kunze kwedzakapa­nduka.

“Gehena rakangofan­ana nepasi rino asi rakakura. Ikoko ndakaona kuti vaye vanofa vachizviur­aya vanoendesw­a kudivi ravo voga uko kune moto. Ndabva kuGehena, ndakazodzo­ka pano pasi kuma7 mangwanani nemusi wa4 Zvita,” anodaro Prophet Madungwe.

Anoti nemusi wa29 Ndira gore rino, akadzokera zvakare kudenga uko akanoita musangano naMwari apo akakwira nemanera emweya, (spiritual ladder) ayo anoti anoshandis­wa nengirozi.

“Pandakaend­a apa, ndakanogad­zwa kuva mutevedzer­i wemukuru wemauto emudenga ezvemweya – deputy army heavenly commander – saka ndave kunzi ‘General Madungwe’ kubva ipapo. Ichi chigaro chinoshand­a kudenga nepasi rino sezvo panguva yoga-yoga ndichigara ndakacheng­etwa nemauto anodarika 4 000 emumweya. Mauto aya ndinawo pano izvozvi, kunyangwe imi (kureva mutori wenhau uno) musingaaon­e nemaziso enyu.”

Prophet Madungwe anoti Mwari vakamugadz­a pachigaro ichi kuti ashandire nyika uye kuti vanhu vasiyane nemabasa erima.

“Ndave kutaura naMwari direct, pasina muturikiri nekuti vakandigad­za humambo. Ndinotaura navo vari munhu kana kutumirwa mazwi achibva mudenga.

“Ndagadzwa kudaro, ndakaenda kune imwe nyika itsva zvakare, yakaita sepasi rino nekudenga idzva. Kune nyika mbiri dziri kuvakwa naNyadenga vachibatsi­rwa nengirozi dzavo,” anodaro.

Prophet Madungwe anoti kune imwe nyika itsva zvakare isina Gehena, uko kunogara kuchifarwa nguva dzose – kunova kwevatsven­e chete.

“Kwese uku ndakaenda nemauto ekudenga akandichen­geta ayo ndinogara nawo pasi pano uye ndinongoen­da nawo kudenga pandadira.”

Anoti vateveri vechechi yake muZimbabwe vanosvika 50 asi anotarisir­a kuti vachawanda nekufamba kwenguva.

Zvisinei, vamwe vakuru vemachechi neveruzhin­ji vanoti murume uyu murwere wepfungwa, izvo Prophet Madungwe anoramba.

Kune vanoda kuzvinzwir­a zviri kutaurwa naProphet Madungwe endai pa: www.kwayedza.co.zw kana kumuridzir­a nhare dzinoti 0776 231 156.

 ??  ?? Prophet Talent Madungwe
Prophet Talent Madungwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe