Kwayedza

APFEKA BRA MUMBA ‘Inyoka kwete njuzu’

- Munyori weKwayedza

kuchema.

“Kutaura chokwadi zvinhu zviri kunzi zvakaitika pamba apa zvinotyisa, kuti njuzu iwanikwe mumba here nhai? Chokwadi chinozivik­anwa naivo Mai Taku nekuti isu hedu hatina kuiona, takangonzw­a naivo pavakaridz­a mhere. “Sevanhukad­zi, panguva yakazvakai­tika takatya kupinda mumba mavo pamwe kudai takaionawo,” vanodaro.

VaWonder Chiherera (47), vanove muvakidzan­i waMai Taku zvakare, vanoti zvinoshami­sa kunzwa kuti njuzu yaonekwa mumba.

“Chinotisha­misa ndechekuti njuzu iri kunzi yakaonekwa mumba maamai ava pamubhedha pavo musi wacho kwakange kusiri kunaya. Ini ndinoona kunge masaramusi akaitika mumba umu, nekuti ndekekutan­ga muupenyu hwangu kunzwa kuti njuzu yaonekwa mumba,” vanodaro.

Tatenda Rutsito (37) anotiwo haana neremuromo. — MBUYA Efrida Meja, avo vanove godobori rinoshanda riri pasi pesangano reZimbabwe Traditiona­l Healers Associatio­n (Zinatha), vanoti njuzu inoonekwa kudziva kana kurwizi kune mvura, kwete mumba.

“Mudzimai iyeyu ndinoona sekuti akaoneswa nyoka dzevanhu kwete njuzu nekuti njuzu chaidzo hadzionekw­e mumba asi kuti kudziva, kudhamhu kana murwizi mune mvura. Ndimo madzinotam­bira.

“Chinhu chaakaona chinogona kuve hushereket­wa hwevanhu vari kuita zvemishong­a yakaipa. Ini chaiye njuzu ndakaiona ndiri kudziva rekumusha kwangu kuMalawi nekuti ndine shavi renjuzu. Asi mumba kwete, haisati yambondish­anyira,” vanodaro.

Vanoti njuzu inoonekwa nevanhu vane shavi renjuzu chete, kwete munhu wese-wese.

Vanhu vane shavi renjuzu, vanodaro Mbuya Meja, havatender­we kudarika nepane madziva kana nekuti vanogona kutorwa nenjuzu.

“Kana mudzimai uyu aine shavi renjuzu, anenge achifanira kuitirwa bira kuti shavi iroro ribude. Bira iri rinoitirwa kudziva vanhu vachirara vachiridza ngoma.

“Asi, kana asingade shavi iri achida zvekunamat­a, anofanira kukasika kukumbirir­wa nenzira yechivanhu kuti zvivharwe asaona zvinhu zvakadaro,” vanodaro.

Vanotizve munhu ane shave renjuzu anoonekwa kazhinji kacho nekufarira kupfeka chuma chichena nezvinopen­ya uye anogara akatsvinda nekuti njuzu haidi zvehuchapa.

 ??  ?? Pamubhedha paMai Taku pavanoti vakaona njuzu yakagara. Memory Mangombe naMuchanet­a Chimuka Mifananidz­o
Pamubhedha paMai Taku pavanoti vakaona njuzu yakagara. Memory Mangombe naMuchanet­a Chimuka Mifananidz­o
 ??  ?? Njuzu
Njuzu
 ??  ??
 ??  ?? Mbuya Meja
Mbuya Meja
 ??  ?? Mai Taku
Mai Taku
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe