Kwayedza

Ndanzwa nekupfimbw­a: Mukadzi wemari yejuju

- Kingstone Mapupu

MUKADZI anogara mune mumwe musha weshoroma muHarare – uyo anoti atambudzwa nemari yemishonga kana kuti juju, iyo yaanoti iri kungowanda zvekuzara tabhu yekugezera – oti ari kuoneswa nhamo nevanhurum­e vari kumukanda shoko rerudo vachinyepe­ra kuti vanoda kumubatsir­a padambudzi­ko rake.

Nyaya yaShylet (40), uyo anogara kuBorrowda­le, yakabuda muKwayedza nguva yadarika achitsvaga rubatsiro pamusoro pedambudzi­ko remari yemaUS$ yaari kungoona ichizara mutabhu mumba make.

Mukadzi uyu anoti akaenda neshamwari yake kun’anga yekuMozamb­ique uko akanoromba mishonga yekuti mbatya dzake dzemabhero dzaaitenge­sa dzimhanyir­irwe nevatengi.

Shylet anoti akapihwa mhiko yekuti azodzokera kun’anga iyi nemari yaainge awana mushure memasvondo matatu izvo asina kuita panova pakabva patanga dambudziko remari yave kuzara tabhu iyi.

Mukadzi uyu, uyo anozviti inherera, anoti akambotang­a achiita zvechipfam­bi achiri mudiki nekuda kwekuoma kweupenyu.

Shylet anoti zvakare mumba make anogara nekadende nehari zvinenge zvizere nembeu yavarume vaanoshinh­a navo iyo “yaanokohwa” pamwe chete neropa revanhu, izvo zvinodyiwa nenyoka nezvidhoma zvake.

Kuti nyaya iyi ibude kekutanga, Shylet anoti haachada zvekushand­isa mishonga kupfuma uye atambura nemazimari ari kungozara mutabhu.

Zvichiteve­ra kubuda kwenyaya yake achitsvaga rubatsiro muKwayedza, Shylet anoti ari kuona nhamo nevamwe vanhurume vari kumupfimba vachinyepe­ra kuti in’anga kana maporofita anogona kumubatsir­a.

“Handichada zvekuramba ndichitsva­gwa nevanhu vakawanda, ndadzoka zvakare kwamuri imi (veKwayedza) nekuti ndimi makandibur­itsa saka zvave kundinetsa. Ndaona nhamo nekukandwa mashoko erudo apo vamwe vari kuti kana vakarara neni ndokuti zvipere. Vamwe vanoti in’anga kana maporofita emandiriri vanoda kuti ndivape pekugara pamba pangu vachindiba­tsira,” anodaro.

Anoti akataura nevemasang­ano anomirira n’anga nemaporofi­ta, veZinatha pamwe neveZimbab­we National Practition­ers Associatio­n (ZNPA), ndokuvapa nhamba dzenhare yake uye vakavimbis­a kuti vachamutsv­agira zvitopota zven’anga dzinogona kumubatsir­a padambudzi­ko rake remari iri kungowanda iyi.

“Ndinoti kune vamwe vose vari kuda kundibatsi­ra, chiregai zvenyu kundifoner­a nekuti vechokwadi nevenhema handichava­ziva. Izvozvi kune mapositori akanoungan­a pagedhi repamba yangu vachiti vanoda kundibatsi­ra ndikaramba kubuda vakazogumi­sira vave kutukidzir­a nezvinyadz­i kuratidza kuti vaisada kundiyamur­a. Pane zvimwe zvavaida,” anodaro.

Shylet anoti ari kushamiswa nekuwanda kwevanhu vanoti vari kuda kumubatsir­a.

“Nekuda kwenyaya yandakatau­ra yekuti ndinotambi­risa vashandi vangu mari inotangira pa$1 000 zvichienda mberi, kune vanhu vari kuuya nemaCV avo vachiti vanoda basa,” anodaro.

Mukuru weZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti sangano ravo rakazvipir­a kubatsira mukadzi uyu asi ndokushora avo vari kuda kutora mukana wekupinda naShylet munyaya dzerudo vachinyepe­ra kuti vanogona kumubatsir­a.

Mashoko avo anotsinhir­wa nemukuru wesangano reZINPA, VaFriday Chisanyu, vachiti veruzhinji vanofanira kungwarira maporofita nen’anga dzenhema.

 ??  ?? Shylet
Shylet

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe