Kwayedza

7 Midziyo yepamusha

- Ticha Danga

MAKARE kare nyaya yemidziyo yakange isinganyat­sotariswa nemhaka yekuti vanhu vaipona nekuvhima nemichero apo vaipaza masango nekufamba vasingagar­isani munzvimbo imwe chete. Huchenjeri hwazouya apo vanhu vakatanga kuda kugadzira pekugara semhuri uye kuda kurima.

Nyaya dzekurima kusanganis­ira naiko kuvhima nekuungani­dza michero zvakaita kuti vanhu vade kugadzirir­a midziyo yekutakuri­sa zvinhu. Nekufamba kwenguva midziyo yakatanga kukosheswa dzamara musha nemusha wogara netwawo.

Iko kusikwa kwemoto nemuti wemutsubvu kwakaita kuti vanhu vatange kubika ndokutumid­za hari yekubikira usavi kuti hadyana kana kuti chikari. Hari ine nyama yakabikwa inonzi gapu. Mbiya kandiro kadiki kanopakuri­rwa husavi.

Sadza rinobikirw­a mushambako­dzi kana kuti mutsaiya. Mutsaiya mainyanyob­ikirwa sadza rerukweza kana kuti zviyo. Chipfuko ndechekuch­engetera mvura yekunwa kana kunwira doro rendari.

Tiri padoro ipapo, hari huru inobikirwa doro inonzi gate kana kuti mhirimo. Chirongo ihari yekucherer­a mvura yekunwa kubva kutsime. Hupfu hunochenge­terwa mudenhe.

Mimwe midziyo yose iri pamusoro inoumbwa nevhu rinonzi rondo yopiswa nendove kusvika ruvara rwatsvukur­uka. Izvi zvinoitwa nechembere dzine ruzivo rwacho.

Hamiro mudziyo unokamirwa mukaka wozoiswa muhwedza kana hodzeko kuti ukore. Mvura inopangurw­a mumukaka imomo inonzi mutuvi. Hodzeko inodaidzwa zvakare kunzi chingo.

Tswanda mudziyo unorukwa namakavi netsanga kana pfeyo. Tswanda inoshandis­wa kuchengete­ra hupfu kana kutakurisa goho. Dengu imhando yetswanda huru inoshandis­wa kutakura zvirimwa zvakaita sezviyo, mupunga nemhunga kana mapfunde. Pane mudziyo unokura kupfuura dengu unotakuris­wa zvakawanda munguva dzekukohwa. Mudziyo uyu unonzi sandanga. Nemhaka yekukura haugoni kutakurwa nevanhu asi kuti unotoiswa pachireyi chinodhonz­wa nemombe.

Tsero dzinorukwa zvakare nemakavi emupfuti kana muonde netsanga. Tsero ndidzo dzekupepet­esa nadzo kana kuurutsisa chibage nezvimwe zvirimwa. Tsero dzinosiyan­a mizera yacho uye dzinogona zvakare kuomeserwa mifushwa kana misone kouya kuomeserwa mhodzi dzamanhang­a, manwiwa nemashamba. Kare kare murusero ndimo maipakurir­wa hwada dzezviyo nemhunga kana paita rudhende rwevanhu.

Zvituru ndizvo zvigaro zvaigarwa kunyanya nevanhurum­e. Zvitura zvinogadzi­rwa nemiti uye zinowanikw­a muimba yekutandar­ira kana pamatare. Apo varume vanenge vagere pazvituru vakadzi vanenge vakati ware ware matehwa kana zvikumba. Rimwe zita rezvituru ndizvigara­vakwati kana kuti zvigara makomucha.

Mhasa kana hukwe ndidzo tsanga dzakarukwa nemikosi nematumbo. Mhasa idzi ndedzekura­rira kana kugara vanhu vachitanda­ra.

Kokutanga mhasa dzaigadzir­wa nenhokwe asi dzaisagara. Mhasa idzodzo dzinowarid­zirwa chitunha dzozokandw­a muguva mushure mekutemwa temwa. Mhasa kana kuti hukwe ndiro zvakare bonde.

Musika unokonzong­eswa nekusikisw­a sadza parinotang­irwa kuti risaite mapundu. Mugoti unozomones­wa sadza iroro mugwaku wozoshandi­swa pakupakura. Duri ndere kutswira mbesa dzakawanda nemutswi dzimwe dzokuiwa paguyo nehuyo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe