Kwayedza

Veruzhinji vopa ropa kuNBSZ

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ) rinoti gore rino riri kutarisira kuwana ropa rinosvika 70 000 units kubva kune veruzhinji iro rinotarisi­rwa kubatsira varwere vakasiyana.

Muhurukuro neKwayedza, mukuru anoona nezvekufam­biswa kwemashoko kuNBSZ, Mai Esther Massundah, vanoti vari kukurudzir­a veruzhinji kuti vape ropa.

Vakataura mashoko aya svondo rapera apo sangano ravo rakatangis­a chirongwa chekuti veruzhinji vape ropa.

Chirongwa ichi chiri kuitwa kumativi mana enyika kusvika mumwedzi waZvita uye NBSZ yakabatana nesangano reJoina City Life.

Chiri kuitwa pasi pedingindi­ra rinoti “Upenyu Huri Muropa”.

“Chirongwa ichi chichabats­ira kuti tiwedzere ropa kumuzinda wedu mukuru watinorich­engetera. Tiri kutarisira kuwana 70 000 units dzeropa kana tichienzan­isa ne65 000 units dzatakawan­a gore rapera,” vanodaro.

Mai Massundah vanoti gore rino vari kukurudzir­awo mapoka akasiyana, kusanganis­ira vatori venhau, kuti vape ropa.

“Tinofara zvikuru kuti gore rino tiri kushanda nevatori venhau vemapoka akasiyana. Izvi zvakakosha nekuti munguva zhinji tinoona vatori venhau vachingobu­ritsa nhau kana kuita zvehuDJ bedzi vasingawan­ikwi vachiita zvacho zvavanenge vari kukurudzir­a veruzhinji kuti vaite,” vanodaro.

Mai Massundah vanoti vanhu vakakodzer­a kupa ropa ndeavo vane makore 18 okuberekwa zvichienda mberi, vaine huremu kwe50 kgs zvichikwir­a uye vaine utano hwakanaka.

Munhu asati apa ropa, pane ongororo inoitwa sekutarisa zvirwere zvakaita seBP, shuga nezvimwe.

Vamwe vakapa ropa pachiitiko ichi vanosangan­isira nhengo dzechechi yeSeventh Day Adventist Church (SDA) nevashandi venhepfeny­uro yeRadio Zimbabwe.

Pastor Tatenda Machomire, avo vanotungam­irira chechi yeSeventh Day Adventist Church Harare City Centre District, vanoti vanofara zvikuru nekupa kwavari kuita ropa.

“Pari zvino tauya nevechidik­i 12 avo vapa ropa nekuti sekereke, tinoona zvakakosha kuti tibatsire mukuchenge­tedza upenyu hwevamwe nekupa ropa. Muna Kurume tichange tichipa ropa zvakare,” vanodaro.

 ??  ?? Pastor Tatenda Machomire (kurudyi) vaine vechidiki vemuchechi yeSeventh Day Adventist Church mushure mekupa ropa svondo rapera. — Mifananidz­o Tariro Kamangira
Pastor Tatenda Machomire (kurudyi) vaine vechidiki vemuchechi yeSeventh Day Adventist Church mushure mekupa ropa svondo rapera. — Mifananidz­o Tariro Kamangira
 ??  ?? Mai Esther Massundah
Mai Esther Massundah

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe