Kwayedza

Raramo inobva kunaMwari

-

NDISATI ndabata- bata ichi nechocho, regai ndingobata­na nemhuri yeZimbabwe mukukoroko­tedza mutungamir­i wenyika President Mugabe nokusvitsa makore 93 musi wa21 Kukadzi.

Izvi zv i n oba t a - bat a Mukwende nokuti ndinoyemur­a kuti gore rimwe nerimwe Mwari vanongoita kuda kwavo kupa President Mugabe mumwe mukana wokurarama. Iye mupi woupenyu ndiye anoziva kuti anopirei vanhu nguva dzakasiyan­a dzokuraram­a.

Tinopihwa nguva yokurarama yakasiyana nokuti Mwari anenge akatara zviga zvakasiyan­a muupenyu hwedu.

Ndosaka Mukwende achishamis­wa navamwe vanhu vanongoti kana President Mugabe vakangofam­ba kana kuenda pazororo bedzi, ivo votanga kunyora nekushamba­dza mashoko emanyepo. Ndimi Mwari here vanhu imi?

Vamhu vanotadza kuziva kuti upenyu hurefu muchereche­dzo werudo rwaMwari, kwete kunaPresid­ent chete, asi kunesu tose. Zuva rimwe nerimwe ratinorara­ma, inyasha, uyewo mukana wokuti tiite zvinofadza Mwari.

Musi weChipiri svondo rapera kune vamwe vakagumbuk­a vachiti VaMugabe vakasvitsi­rei makore 93, uyewo kuti pamusana pei vachiri pachigaro?

Ndopaunozo­ona kuti pasi pemusuva wesadza pane mavhu nemarara nemakorwa chete.

Vanenge vachihwand­a nemunhu anopihwa chipo choupenyu, vachitadza kukumbiraw­o kuti dai kurudzi kwavo vakavekowo vanopihwa ndaramo yakadaro, kusanganis­ira naivo. Vanohwanda namakore aPresident nokuti chinangwa chavo ndechokuti vabve pachigaro zvechisimb­a.

Ndosaka vachiti pane chese chaipa munyika, voti mutungamir­i wenyika. Vamwe vanototiny­epera kuti kubva muna 1980 vachitanga kutonga nyika, hapana zvavakaita, kuri kunakidzwa nokudzokor­ora manyepo. Manje tava kukuzivai, manyepo enyu haasi matsva!

Vanhu vachiudzwa kuti nyika ichawana mvura ine mwero wakanaka, kunyange zvazvo kwaitarisi­rwa mafashamu, kune vamwe, vaiti ndezvokuti­nyepera. Nokudaro, vakatadza kurima. Kana muriwo womumhodzi chaiwo havana. Nhasi vave kukungura!

Mvura ichinaya zvokunaya zviye, waitonzwa vave kugunun’una kuti yawandisa. Shavi renhamo ndozvarino­ita.

Asi vakachenje­ra, vakati kan’anga kanyepi, katevedzer­wi, nokudaro vari kutarisira kohwa pakuru chaiyo.

Saka vamwe vachiita makorokoto kumutungam­iri wenyika, kune vamwe vanenge vachitsvag­a mhosva chete. Hazvishami­si kuti vanonenedz­erwa kuti mamiriro okunze azodai pamusana pei.

Ndatendere­ra kunge munhu anofamba nenzira yomumakomo, asi nzira chaiyo iripo. Pane mvura hobvu yakanaya kupera kwesvondo radarika, mvura yaive nemhepo, ichibva nemugungwa reIndian Ocean, heyo yopinda muMozambiq­ue, South Africa zvese neZimbabwe. Yaive nezita – Cyclone Dineo!

Imvura yakaparadz­a munzvimbo dzakafanan­a neTsholots­ho kuMatabele­land North nemudunhu reMidlands. Kutaura kudai, kuTsholots­ho vari mumvura, zvokuti vamwe vari kutozobats­irwa neAir Force of Zimbabwe, nebazi reCivil Protection Union.

Gwanza rakatorwa nemvura iyi kubva muMozambiq­ue rakasanduk­a kubva pane zvakange zvatanga kutaurwa, saka panze pokungonen­edzera, vana mazvikokot­a kuMeteorol­ogical Services Department, nokumapazi anodzidzis­isa Geography kumaunivhe­siti edu ngavatiudz­e kuti chii chakazoiti­ka.

Chimwewo chatinobvu­nza ndechokuti sei zvichiita kunge vanhu vakasvikir­wa nemvura yakawanda kudai vakavarair­wa? Mashoko eyambiro akambosvik­awo here kwavari, kusanganis­ira matunhu ese munyika, nokuti zvakaitika, hazvaisafa­nirwa kuitika kana vakange vapihwa dzidziso neyambiro?

Mvura iyi yakaparadz­awo migwagwa nemazambuk­o. Kujenga kwakaita mvura, zvorevawo kuti inzara kwakanaya.

Sezvakai t ika panyaya yedhamhu reTokwe- Mukosi, vanhu vari munharaund­a dzakaderer­a vatove kuda kutsvagirw­a dzimwe nzvimbo dzokugara, uyewo vanoda chikafu nezvokusha­ndisa.

Mhuri yeZimbabwe yakazviona, uyewo yave kunzwisisa kuti nhamo yomumwe ndeyavo, saka pazvishoma kana zvizhinji zvavainazv­o, vachakwani­sa kutambanud­za mawoko, mwoyo yakasunung­uka vobatsira vose vari mudambudzi­ko iri.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe