Kwayedza

Kamba ine wivhi mumba

- Muchaneta Chimuka

YAKAVE batai-batai paimwe imba iri kuRuwa apo kamba yainge yakapfeked­zwa wivhi uye ichidonhed­za hupfu muzvitsiko zvayo yakaonekwa ichifamba-famba muimba yekubikira.

Izvi zvinonzi zvakaitika paimwe imba iri munaGushun­go Road nemusi weChitatu chadarika apo mudzimai wepamba apa - uyo akangozvit­i anonzi Amai Mary - asi ndokusada kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi.

Kamba iyi inonzi yakaonekwa nemwana wepamba apa apo akavhura gonhi remumba yekubikira apo ainge achangobva kuchikoro. Mwana uyu anonzi akaita mahwekwe nekamba iyi asi haana kuziva kuti chaive chii.

Muvakidzan­i wepamba apa, Mai Jane Simbili (57), vanoti vakashamis­wa nechiitiko ichi.

“Amai vepamba apa ndi ‘officer’ saka ivo vangomuka vachienda kubasa murume wavo achiendawo kwake. Mwana wavo weGrade 1 paadzoka kubva kuchikoro apinda mumba ndokuona chinhu chichifamb­a mupaseji ndokubva ashaya kuti chii asi change chichidonh­edza hupfu chichifamb­a,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Mwana uyu azoshevedz­era kuna vamwe vanhu apo tazoenda tikaona kuti ikamba. Kamba iyi yanga iine wivhi yeruvara rwupfumbu (brown), iya inoita zvekunamir­irwa mumisoro yevanhu kuti iite sekunge vhudzi.

“Saka babamudiki vemwana uyu vange vari pane imwe imba iri pedyo, ndivo vazouya vakaibhuts­ura payange yave kuenda pamberi pechivanze. Aiwa, zvinotyisa.”

Vanoti vagari vemunharau­nda yavo vari kushamisik­a kuti kamba iyi yakabva nekupi.“Babamudiki vacho vazoikwidi­bira nebhaketi saka pandaenda kunovhura ndashamisi­ka nekuti ndatoona iine zvinhu zvakaita segoridhe. Ndini ndazofoner­a ‘officer’ kuti kumba kwenyu kwaita mashura vachibva vauya zvekuti vatochema zvikuru mushure mekuiona,” vanodaro Mai Simbili. Kamba iyi inonzi yakazotorw­a nemumwe anoshanda nemuridzi wepamba apa ndokuiisa mumugomo vachibva vanoikanda kunjanji iri munzvimbo iyi.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMbuya Dorcas Gwaze (60) vachiti, “Pamwe kudai vanhu vanga vasingaite ruzha kamba iyi ingadai yaburitsa musoro wose.”

Mumwe mudzimai wechidiki ari muvakidzan­i zvakare, Patience Rusike (33), anoti kamba iyi yakange iine wivhi nekabandi kanopenya uye yaifamba ichidonhed­za hupfu.

Mamwe madzimai emunharaun­da iyi ndiwo ari kuti vanoshaisw­a hope nekamba iyi vachiti pamwe ndiyo inovayamwa mazamu avo zvichiita kuti vana vavo vashomeker­we nemukaka.

Zvakadai, mudzimai wepamba apa - uyo akangoda kuzivikanw­a nezita rekuti Amai Mary - haana kuramba kana kubvuma nyaya iyi.

“Kutaura chokwadi hapana chandinota­ura pamusoro penyaya iyi. Pamwe ivo vanhu vari kuti vari kuyamwiwa nekamba iyi ndivo vaitumira, kusanganis­ira vakufonera­i vacho kuti muuye kuno. Pano hatizviziv­i. Kutaura chokwadi ‘I am an officer’, handibvumi­dzwe nemutemo kutaura nemi.

“Basa rangu ndinoriita 24 hours asi zvaitika pano zvatotisha­misawo. Tipei nhamba dzemunhu akufonerai wacho,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Kamba yatakurwa nemapurisa akaenda nayo. Titori panguva ye ‘confusion’ izvozvi.”

Vainzi babamudiki vemudzimai uyu — avo vasina kuda kuzivikanw­a zita ravo zvakare — vanotiwo, “Chaitika ndechekuti mhamha vanga vari kubasa, ini ndini ndange ndiri pano asi handina chekutaura, maita basa. Munoda kunyora kuti chii nekuti kana isu tiri kutoshamis­ika nezvaitika izvi?” anodaro.

 ??  ?? Kamba inonzi yakaonekwa iri mumba apo yaive pedyo nebhaketi iri
Kamba inonzi yakaonekwa iri mumba apo yaive pedyo nebhaketi iri
 ??  ?? Mai Dorcas Gwaze
Mai Dorcas Gwaze
 ??  ?? Mai Jane Simbili
Mai Jane Simbili

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe