Kwayedza

Kapfupi akakuvara mutsaona

- Kingstone Mapupu

MUIMBI ari zvakare mutambi wemusara (madhirama), Freddy “Kapfupi” Manjalima, akakuvara mutsaona nemusi weMuvhuro svondo rino apo motokari yake yakabonder­ana nekombi mumugwagwa waChiremba, kuEpworth, muHarare.

Muhurukuro neKwayedza, Kapfupi anoti tsaona iyi yakaitika nenguva dza5 zuva radoka uye iye nevamwe vakakuvara vakaendesw­a kuchipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals.

Kapfupi akazoburit­swa muchipatar­a ichi uye pari zvino ari kupora ari kumba kwake kuEpworth.

“Ndakarover­ana nekombi apo ndaityaira motokari yangu iine vanhu vana. Dzakarover­ana dzakataris­ana apo kombi yaibva kutown uye ini handina kuzoziva zvaiitika sezvo ndakafenda. Mukombi munonzi makakuvara madzimai maviri nemwana uye tose takaendesw­a kuchipatar­a chePariren­yatwa neamburenz­i,” anodaro.

Kapfupi (39) anoti pakaitika tsaona iyi, pane kombi yakangoere­kana yamira pamberi pake, apo akaedza kuinzvenga akabva abonderana neimwe kombi yaiuya yakatarisa­na naye. “Ini ndakamanik­irwa pamudhirai­vo apo ndakabvisw­a ndakafenda. Asi vamwe vandaiva navo vose vanova chikwata cheband rangu vanosangan­isira Charles Mugove, uyo akakuvara zvikuru, vachiri muchipatar­a. Ndaivawo naKudzi Thembo naTafadzwa Kapenta avo vakakuvara­wo.”

Muimbi uye ane mavanga pachirebvu nekuda kwetsaona iyi uye anoti muchipfuva make muri kumurwadza.

“Vamwe vose vakakuvara makumbo akaita maronda asi kwete zvakanyany­a, kunze kwaCharles akakuvara kumeso zvakanyany­a. Ndinotenda zvikuru vashandi vepakirini­ki yeDombo (Domboramwa­ri) avo vakakurumi­dza kuunza amburenzi yakatibats­ira,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Hongu takakuvara nevamwe vangu asi kwete zvekudzose­ra basa kumashure. Tinotosvet­uka maspeaker vanhu vakaridza mheterwa izvozvi. Ndine licence Class 4 kwete zviri kunzi handina chitambi.”

Motokari yavakaita nayo tsaona inonzi ndeyemudzi­mai waKapfupi, Precious “Mai Nga” Kabrito (32).

“Motokari iyi ndakaiteng­era mudzimai wangu zvino heyi, tichatenga imwe nekugadzir­isa iyoyo zvakare,” anodaro Kapfupi.

Mai Ngaa vakawanikw­a neKwayedza vachishena­ira kuongorora kukuvara kwakaita murume wavo.

Maneja wechikwata chaKapfupi cheOrchest­ra Ndoozvo, Mhofu Edmore Muhlanga (34), anoti tsaona iyi yakaitika apo vakanga vachangosv­ika kubva kwavainge vanoridza kuChirundu, Karoi, nekuKariba.

Mutauriri wemapurisa munyika Chief Superitend­ent Paul Nyathi vanoti vanoda nguva yekutsvaku­rudza zvakaitika munyaya iyi.

 ??  ??
 ??  ?? Mai Ngaa vachiongor­ora kukuvara kwakaita murume wavo, Kapfupi. - Mufananidz­o: Memory Mangombe
Mai Ngaa vachiongor­ora kukuvara kwakaita murume wavo, Kapfupi. - Mufananidz­o: Memory Mangombe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe