Kwayedza

Rimai fodya nemazvo: TIMB

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board yokurudzir­a varimi kuti vatevedzer­a zvose zvinodiwa pakurima fodya kuitira kuti ive yemhando yepamusoro izvowo zvinozoita kuti vawane mitengo yakanaka kumisika kwainoteng­eswa.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nasachigar­o webhodhi reTIMB, Mai Monica Chinamasa, pagungano rekupihwa mibairo kuvarimi vakakunda vamwe mwaka wapera iro rakaitirwa kumusika wekambani yeTobacco Sales Floor Limited (TSF), muHarare.

“Tinofara nechiitiko chiri pamberi pedu nhasi chekupa varimi mibairo yekuratidz­a hunyanzvi hwavo mukurima fodya. Kurima fodya handi dambe asi kuti kunotodawo kuti murimi ange achitsvaga mazano kubva kunyanzvi dzakaita semadhumen­i ari pedyo. Fodya inorimwa zvine hunyanzvi inoita kuti murimi abure ine mashizha akakura ari emhando yepamusoro zvichizoit­a kuti awane mari yepamusoro zvakare,” vanodaro.

Vanoshora varimi vane katsika kekutenges­a fodya yavo nerweseri vachisiya makambani anenge avabatsira nezvekurim­isa.

“Murimi akangwara anoziva kwekutenge­sera fodya yake, haatengesi nerweseri nekuti kune matsotsi akamirira kuita basa iri achibira varimi. Ngatiteved­zerei nzira kwadzo dzekutenge­sa fodya yedu kuburikidz­a nekunyores­a kwatichada kuzotenges­era fodya uye kuendesa fodya yedu kumisika yakaomeswa zvakanaka isina matombo kana zvimwe zvinhu zvisingata­risirwe kuwanikwa mumabhero efodya,” vanodaro.

Vachitaura­wo pagungano rimwe chete iri, VaAnthony Mandiwanza vanove sachigaro wekambani yeTobacco Sales Floor Limited vanoti vanofara zvikuru nekucherec­hedzwa kuri kuitwa varimi avo vakapunduk­a mwaka wadarika kuburikidz­a nekuvapa mibairo.

“Ave makore manomwe tichiita mabiko erudzi urwu uye tinotenda varimi vemuno kuti vari kuramba vachidadis­a. Nekunaya kwakaita mvura mwaka uno, tinotarisi­ra kuti tichawana fodya yemhando yepamusoro zvakare,” vanodaro.

Zvakadai, Mai Ethel Mhindurwa vekuUmvukw­e Flats, Plot nhamba 8 kuMvurwi ndivo vakatora mubairo mukuru wekurima fodya mwaka wadarika.

Mudzimai uyu akaenda kumba netarakita uye mubairo uyu waikotsver­wa nebhanga reBarclay’s Bank of Zimbabwe.

Mimwe mibairo yakahwinhw­a nevarimi yaitsigirw­a nemakamban­i anosangani­sira MoneyMaker Irrgation Pumps, First Mutual Life nebhanga reCommerci­al Bank of Zimbabwe (CBZ).

 ??  ??
 ??  ?? SANGANO reZimbabwe Farmers Union ( ZFU) rinoti gadziriro dzekurima gorosi remuchando dzave padanho repamusoro.
SANGANO reZimbabwe Farmers Union ( ZFU) rinoti gadziriro dzekurima gorosi remuchando dzave padanho repamusoro.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe