Kwayedza

Gadziriro dzekurima gorosi dzoitwa

- Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti gadziriro dzekurima gorosi remuchando dzave padanho repamusoro uye mwaka uno rine tarisiro yegoho guru nekuda kwerutsigi­rwo ruri kupihwa neHurumend­e pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e.

ZFU executive director, VaPaul Zakariya, vanoti vanotenda zvikuru Hurumende nekupa kwairi kuita varimi zvekushand­isa zvinosanga­nisira mbeu, fetereza nemishonga yekufiriti­sa zvirima.

“Makore adarika, varimi vedu - vangava vemunguva yezhizha, vezvirimwa zvemuchiri­mo kana kuti muchando - vaitarisan­a nedambudzi­ko guru rekushaya zvekurimis­a kubvira kumari kusvikira kumbeu nefetereza yacho asi iye zvino tinotenda kuti Hurumende yakapindir­a,” vanodaro.

Vanoti chirongwa cheCommand Agricultur­e chabudirir­a zvikuru pakurimwa kwechibage uye itarisiro yavo kuti chichabudi­rira zvakare pakurimwa kwegorosi remuchando.

VaZakariya vanoti zvakakosha kuti varimi vashandise zvavanenge vapihwa nemazvo.

“Chokwadi murimi anopihwa mbeu nefetereza kusanganis­irawo dhiziri nezvimwe toona zvichiteng­eswa nemukoto kumagaraji nemataundi­shipi, munhu wonwa doro zvake achiny’udza nyika? Kuita kwakadai kwakaipa uye vanenge vabatwa vachiita izvi ngavasungw­e,” vanodaro.

VaZakariya vanoti mwaka wadarika matani 60 000 egorosi ndiwo akakohwewa apo nyika ichida matani 450 000 pagore kuti ringe richikwani­rana.

“Minda yatiri kubvisa chibage chedu chizhinji chatinacho mwaka uno ngatiisei gorosi. Asika ivhu redu repamusoro rakakukurw­a nemvura zhinji iri kunaya saka tinoda kuti tiriendese kunoongoro­rwa rotariswa kuti rinoda fetereza yepasi neyepamuso­ro yakawanda zvakadii. Tikadaro, tinorima zvine pundutso,” vanodaro.

Vanokurudz­ira varimi kuti vashande pamwe chete nevarimisi vari kumatunhu avo akasiyana.

“Panosarudz­a varimi vechirongw­a cheCommand Agricultur­e vanorima gorosi remuchando, ndinokurud­zira kuti kusarudzwe vane nhoroondo yepavanori­ma uyewo vaine madiridzir­o padyo. Ngavavewo vaine zvekushand­isa zvinooneka nevashandi kwete kungotora munhu wese-wese,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti zvakakosha­wo kuti varimi vazive zvizere zvinotaris­irwa kubva kwavari pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e ichi sezvo kana vachinge vapihwa chikwereti vanofanirw­a kuzochibha­dhara.

“Kuwanda kwebasa rekurima munyika kunorevawo kuwanikwa kwemabasa neruzhinji,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe