Kwayedza

McGregor ishasha: Mayweather

-

FLOYD Mayweather akabuda pachena kuti anoda kurwa naConor McGregor uyo waanoti ishasha yemutambo uyu.

Vaviri ava vange vachingota­ura pamusoro pekurwa kwemwedzi yakawanda.

Mayweather - uyo akasendeka zvekurwa - akabuda pachena kuti anoda kurwa nemutambi weUFC uyu.

“Ndiri pano nhasi pabhavhadh­e rangu, vanoramba vachitaura nezvaConor McGregor pamberi pangu,” akadaro Mayweather.

Akaenderer­a mberi akati, “Conor McGregor, sekutaura kwandakamb­oita kare, ndiri pano ngatironge mutambo uyu uitike. Ngatironge mutambo uyu uitike. Ngatipe vatsigiri zvavanoda kuona. Pangori nemutambo mumwe chete wakakosha uye ndewaMaywe­ather naConor McGregor.”

Vamwe vatsigiri vetsiva vave kutoti Mayweather anogona kuhwina mutambo uyu sezvo McGregor asati amboukwikw­idza. Asi Mayweather anobvuma kuti McGregor - uyo anozivikan­wa saThe Notorius - ane tarenda rinodakadz­a mumutambo uyu.

“Ndinoreva kuti pese Conor McGregor paanoenda kunokwikwi­dza achikunda anozviita akamira,” akadaro Mayweather achipindur­a mubvunzo wekuti ndiani angakunde mumutambo uyu.

Akaenderer­a mberi akati, “Pakakundwa Conor McGregor, akakundirw­a pasi. Haana kukundwa akamira. Saka mutambi wepamusoro anogona, anonetsa kurwa naye uye anoda kuhwina.

“Magirovhos­i eUFC haana kunyanya kusiyana neetsiva, angori madiki mbichana asi kana mutambi ane simba chete, anenge ane simba uye Conor McGregor ane simba.

“Hatingatau­re nezvezvavo. Tinozviziv­a kuti nhamba yangu yakamira sei. Chikwata changu neni nhamba yedu iripo.” Mayweather aitaura pamusoro pemari yaangade kurwira naMcGregor.

“Anofanirwa kugadziris­a zvinhu zvake nechikwata chake. Kana Conor McGregor ataura neUFC nevakuru vake, tobva taronga kuti zviitike. Tine Showtime, Mayweather Promotions, iyo tinoziva kuti ndiyo ramangwana remitambo nemafaro,” akadaro. - Daily Mail Boxing

 ??  ?? Floyd Mayweather
Floyd Mayweather
 ??  ?? Conor McGregor
Conor McGregor

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe