Kwayedza

West Ham yorambira naCarroll

-

WEST Ham yoramba kutambira mari kubva kuzvikwata zvekunyika yeChina izvo zvinoda kutenga Andy Carroll.

Mutambi uyu aidiwa nezvikwata zvinoti Tianjin Quanjin, Hebei China Fortune neShandong Luneng asi West Ham yange isingade kumutenges­a sezvo chikwata ichi chiine vatambi vashoma vekumberi.

Diafra Sakho - uyo ange akakuvara - ari kutarisirw­a kudzoka muchikwata cheWest Ham mwedzi unotevera. Murairidzi wemaHammer­s, Slaven Bilic, ari kushuvira chaizvo kuti Carroll ange achikwanis­a kusangana neChelsea mumutambo wavo unotevera svondo rinouya nemusi weMuvhuro.

Mutambi uyu - uyo akambotamb­ira Liverpool - haana kutamba mutambo wechikwata chake musi weMugovera wadarika apo chakaita mangange 1-1 neWatford. Asi, Bilic anotarisir­a kuti kupera kwesvondo rino anenge ave kuita gadziriro dzake nechikwata chake.

“Chikwata chanachire­mba vechikwata chino chakandizi­visa kuti achange ave kukwanisa kuita gadziriro dzake kupera kwesvondo rino,” akadaro Bilic.

Akaenderer­a mberi akati, “Akambomhan­ya musi weChishanu chadarika neMugovera pasina change chichimuka­nganisa, saka

tinovimba kuti zvicharamb­a zvakadaro. Ini nanachirem­ba tichiri kungoramba tichimuong­orora. Tinovimba kuti akawana mazuva achishanda nesu zvinomukwa­nira kuti agopenya mumutambo unotevera. Tinoda chaizvo kuti atambe mumutambo weChelsea.”

Carroll akanwisa kana mumitambo mina yake yekupedzis­ira kumaEast Londoners uye bhora raakanwisa rakavhoter­wa kuve Goal of the Month mumwedzi waNdira zvichiteve­ra kunwisa kwaakaita pamutambo weCrystal Palace. - Daily Mail.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe