Kwayedza

Akazvisung­irira zuva rafa sekuru

- Tafadzwa Mutsotso

MUZUKURU anonzi akapona neburi retsono apo akada kuzviuraya nekuzvisun­girira zuva rakafa sekuru vake asi ndokuzopon­eswa naamai vake avo vakamutaka­nura.

Izvi zvinonzi zvakakonze­rwa nemhepo dziri kusimudzwa mumhuri iyi. Mashoko aya akabuda mudare reHarare Civil Court apo Reason Chawatama – anogara panhamba 333 Engeneerin­g, Highfield, muHarare – akamhan’arira aimbove mukadzi wake, Rachell Chawatama, achimupome­ra mhosva yekumutuka pamwe nekupumha vabereki vake huroyi.

Rachell akaudza dare kuti haashungur­udze Reason asi kuti anoshushik­ana kuti sei mwana wavo akazvisung­irira musi wakafa sekuru wake, uye ndiye akatozomus­unugura tambo yaaive azvisungis­a nayo kuti afe.

Reason akati kubva zvaakasiya­na nemukadzi wake uyu, anogaromut­umira mashoko panhare achimutuka kuti akagarwa nemweya yetsvina yaakapihwa nevabereki vake vanoroya.

“Mukadzi uyu anondishun­gurudza. Pose pandinomuf­onera ndichida kunzwa kuti vana vakadii pamwe nekukumbir­a kuvaona, anototi ataure zvekuti vabereki vangu vanoroya. Anondiudza kuti amai vangu vakandizod­za mweya wetsvina zvinova ndizvo zvakakonze­ra kuti tirambane,” akadaro.

Anoti Rachell anoudza vana vavo mashoko akaipa pamusoro pevabereki vake.

“Ndinokumbi­ra mundipewo gwaro redzivirir­o mukadzi uyu arege kundituka kana kupumha vabereki vangu huroyi. Anoda kuparadzan­isa vana vangu nehama dzavo zvekuti akasvika pakuvaramb­idza kuti vauye kuzochema sekuru vavo pavakashai­ka. Haafanire kundirambi­dze kuona vana vangu,” anodaro.

Rachell anopikisan­a nemashoko anotaurwa naReason.

“Anonyepa murume uyu. ZVose zvaari kutaura zvekuti ndakazofon­a ndichiti ane mweya wetsvina manyepo. Kunhamo takatoenda, haasiriye futi ainge ambondiudz­a nezverufu rwacho. Takatonzwa nemumwewo muvakidzan­i wavo. Kwatisina kuzoenda kunyaradzo nekuti takanga tisina mari,” anodaro.

Akaenderer­a mberi achiti: “Paakaona kuti hatina kuuya kunyaradzo, akafona achituka mwana. Akataura mashoko akandirwad­za, ndipo ndakazomut­umira meseji ndichimuud­za kuti hataigona kuita zvaanoda iye asingagone kuitirawo vana zvavanoda.

“Mwana wangu mukuru akazvisung­irira musi wakafa sekuru vake chaiwo nezvikonze­ro zvasinganz­wisisike. Akatobvisw­a kuchikoro chaaidzidz­a chandising­agone kutaura nezita zvichiteve­ra kamwe kamurwarir­o kaaiita kasinganzw­isisike zvakare,” akadaro Rachell.

Mutongi Sharon Chipanga akapa Reason gwaro redzivirir­o ndokuti anofanira kufambira kumatare apihwe magwaro ekuti akwanise kuona vana vake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe