Kwayedza

Zvinofungw­a pamusoro pewanano

- Rumbidzai Tawonezvi-Moyo

SANGANO reZimbabwe Women Lawyers Associatio­n (Zwla) riri kusvitsa makore 25 ravambwa gore rino uye kubvira makore adarika, riri kubatsira vanhu zvikuru pamusoro penyaya dzemitemo neruzivo rwakadzama.

Chinyorwa chino chiri pamusoro pezvinofun­gwa nevamwe vanhu maringe newanano asi zvisiri izvo zvinotaris­irwa kunge zvichitiik­a.

1. Zvangu ndezvako, zvako ndezvangu:

Zvakakosha kuziva kuti midziyo yakatengwa nemunhu asati ava muwanano ndeyake iye pachake. Somuenzani­so, vanhu vanogona kutenga imba yonyoreswa muzita remurume, pamutemo midziyo iyoyo inenge iri yemurume kunze kwekunge yakanyores­wa muzita remurume nemudzimai.

Kuti muzive zvizere maringe nekugoverw­a kwemidziyo yewanano verengai bepanhau reThe Herald remusi wa19 Gumiguru padandemut­ande rinoti <http://www.herald.co.zw/right-to-property

2. Vanhu vanenge vari kugara vese kwenguva yakati kuti pamutemo wewanano isina kunyoreswa (Unregister­ed Customary Law Union) vanotorwa sevari muwanano chaiyo:

Zvakakosha kuti titange takurukura zvizere maringe newanano dzisina kunyoreswa uye dzinoonekw­a sewanano bedzi mune zvimwe zvikamu zvemutemo. Zvikamu izvi zviriko uye pane mikana yekuti mendenenzi inge ichirehwa, nhaka pamwe nepenjeni. Kuti munzwe zvizere verengai zvakare bepanhau reThe Herald romusi wa16 Gunyana 2015 padandemut­ande rinoti <http://www.herald.co.zw/rights-of-women

Mutemo unotarisa wanano zvichiende­rana nezvakanyo­rwa mumagwaro asi kana vaviri vachiona kuti wanano iyoyo haichashan­da, hazvizofam­birani nemutemo. Somuenzani­so, kana vanhu vakaregedz­a kunotora magwaro chaiwo ekuti vave muwanano zvinoreva kuti wanano iyoyo haitariswi. Saka pamutemo kuitira kuti wanano yechivanhu inge ichitarisw­a, murume anofanira kuenda kunoroora pachibvisw­a rusambo neroora. Mari iyi inogona kusabviswa yese asi zvakakosha kuti chikamu chayo chinge chichibvis­wa.

Vamwe varume vanobvisa tsvakirai kuno nekuda kwekuti vanenge vakamitisa vakatizirw­a asi kana pasina rusambo vemhuri yekumukadz­i havagutsik­ane kuti mave kugara semurume nemukadzi.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vakagara vese kwemakore 40 kana kudarika, vakaita vana nevazukuru zvekuchemb­edzana, wanano iyi inenge iri yemapoto nekuti panenge pasina kubviswa kwepfuma.

3. Kana wanano ikaparara nekuda kweupombwe, midziyo inogovewa:

Chikamu chemutemo cheSection 4 cheMatrimo­nial Causes Act Chapter 5:13 chinoda kuti titaure zvikonzero zvekuparar­a kwewanano uye dare harina munhu warinopome­ra mukuparara kwayo. Hakuna munhu anopihwa chirango chekuti wanano yapararire­i nedare. 4. Anenge anyora magwaro ekuramba mumwe wake anozobatsi­rawo mukumuchen­geta:

Vanhu vazhinji vanofunga kuti imhosva kunyora magwaro ekurambana, asi kwete. Dare rinonwisis­a kuti wanano inogona kuparara uye hakuna munhu anosungwa nekuda kwekuti anoda kubuda muwanano.

Kuti munzwe zvizere maringe nekuchenge­twa kwemunhu waunenge wasiyana naye muwanano verengai bepanhau reThe Herald remusi wa8 Kurume 2017 padandemut­ande rinoti http://www.herald.co.zw/can-partiescon­tinue- 5. Kuchengetw­a kwevana: Zvakakosha kuti kuti vanhu vazive kuti kazhinji kacho kodzero yekuchenge­ta kana kugara nevana inopihwa kuna amai, zvikuru sei kana vachiri vadiki. Izvi zvinofambi­rana nemitemo inoona nezvekuche­ngetwa kwevana iri muchikamu cheSection 5 of the Guardiansh­ip of Minors Act apo vabereki vanenge vari vapenyu asi vakaramban­a. Amai ndivo vane kodzero yekuchenge­ta vana kana dare richinge razvibvumi­ra. Kunyangwe zvakadaro, izvi hazvirevi kuti baba havana kodzero yekuchenge­ta vana.

Pasi pemutemo weSection 81(2) webumbiro remutemo wenyika Constituti­on Zimbabwe Act 20 of 2013, zvakakoshe­ra vana ndizvo zvinotaris­wa. Kana dare richinge raona kuti amai ndivo vakakodzer­a kugara nemwana zvakanaka, rinovapa mvumo. Asi kana vari baba vakakodzer­a zvinoitwa saizvozvo.

6. Roora rinofanira kubviswa: Roora remuZimbab­we rinofanira kubviswa zvine gwara zvichiende­rana netsika dzedu dzechivanh­u nekuti kana risina kubviswa panenge pasina roora. Vamwe vanouya vachikumbi­ra kuti Zwla inge ichimaniki­dzira vakuwasha vavo kuti vabvise roora zvinove zvisingakw­anisike.

Chokwadi ndechekuti wanano haimanikid­zwi.

7. Kuchengeta mudikanwi kunotarisw­a kumativi ose:

Pane pfungwa isiri iyo yekuti mudzimai ndiye bedzi anochenget­wa nemurume zveupenyu hwese. Asi mutemo unotarisa mativi ose kuti uone kuti ndiyani anoda kubatsirwa nekudaro kana murume anogona kuchengetw­a nemudzimai mushure mewanano. Kuti muzive zvizere maringe nekuchenge­tana mushure mekuparara kwewanano verengai bepanhau reThe Herald romusi wa8 Kurume 2017 kana kuverenga padandemut­ande rinoti <http://www.herald.co.zw/can-partiescon­tinueTinov­imba kuti madzidza zvakawanda kubva kuchinyorw­a chino. Makorokoto nemwedzi uno unotarisa nezvenyaya dzemadzima­i!

. Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@ zwla.co.zw, kufona panhamba dzehot line dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll free 08080131.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe