Kwayedza

Kurova shumba nembama

-

BELINGTON Nyamadzawo wekuMvurwi akatema Mambo Makope nedemo nekuti vakanga vamutsiura kuti asateme muti. Kutema mambo nedemo? Maihwe, uku ndiko kunonzi kurova shumba nembama! Kupinda muPolice Station uchiputa mbanje.

Nyika haitongwe nekutema mambo nedemo. Kana ukatema mambo nedemo, uchazodzid­za kuti hasha dzako dzingapise zvakadii, asi hadzigone kubika mazondo akaibva. Jee ijee zvaro, asi dzihwa harigochwe. Nhamo inhamo zvayo, amai havaroodzw­e, uye mukuru mukuru, hanga haigare pfunde. Neniwo ndiri kutsvaga mashoko anotema kunge demo, kuti nditeme nekusanzau­ra Belington asina matyira, anotema mambo nedemo. Ndinozvizi­va kuti munyika mune mbavha, varoyi, mhondi asi chandinozi­va ndechekuti kuzvininip­isa nekuziva mutemo, nekuremeke­dza vakuru kunodiwa. Mambo mutariri akagadzwa kuti achengeted­ze vanhu, mhuka, ivhu, nzizi nezviwanik­wa zvese. Kutema mambo nedemo kutema nyika, nekuti mambo akapihwa simba neBumbiro reNyika (Constituti­on). Kutema mambo nedemo kutema Hurumende nekuti mambo ihurumende inotonga neHurumend­e. Kutema mambo kutema Mwari, nekuti Bhaibheri rinoti Mwari ndiye anogadza nekubvisa madzimambo.

Nhaimi wee, ko munhu aitya nekuremeke­dza mutemo akaenda kupiko? Ko iko kusimudza demo uchitema munhu hakusi kusatya Mwari here akati, “Usauraye?”

Chete nezvimwe zvandakazo­nzwa zvichitaur­wa namambo kuti munhu uyu munguva dzekumashu­re akambotema matanda emiti yemagetsi akaenda kunoaita huni kumba kwake, ndinoona sekuti paita murwere wepfungwa apa.

Kana asingarwar­e nepfungwa, munhu uyu haafanire kugara munyika ine vanhu, asi musango mune nyoka, marize nezvimwe zvikara zvine hasha zvakaita sembada, shumba nemakava. Nekuti hakuna munhu akadaro. Chete chave kunetsera nyika yatave kugara ndechekuti tiri kusekerera mapenzi ari kunwa muto vamwe vachida kuseva.

Vamwe vechidiki vave nemweya wehasha, kuita madhisinyo­ngoro zvekuti unoshaya kuti sei tichiri kuvati vanhu. Imi munoti nekuwanda kuri kuita nhubu dzinenge vatyairi vemakombi, mahwindi anorembera, nezvidhakw­a, nyika yamangwana ichange iri nyika here?

Belington akatadza kutadza kune nyanga nemuswe! Anoda kubatsirwa, asi chekutanga anofanira kubvuma kuti ane dambudziko guru. Haisisiri nyaya yekuti timuitire chibhende nekuti hunhu hwake ndehwemhuk­a. Belington afanana nemhuka dziri muHarare dzinodhira­ivha mota dziri kudivi risiri iro.Afanana nemadhirai­vha emakombi anozvimani­kidzira pasina nzvimbo kusvikira vanga vachifamba zvakanaka vavadziuri­ra nekuti vanozviti ihurumende yepamugwag­wa.

Asi kana zvinhu zvatinonya­tsoita tichiziva kuti tiri kukanganis­a zvasvika apa, Mwari vanoti ndizvo zvivi. Mwari pavakabvun­za Adam naEve kuti sei vakanga vasina kuvateerer­a, vakatanga kunakurira­na mhosva. Nyangwe Aroni haana kubvuma mhosva paakagadzi­ra chimwari chemhuru yendarama. Akati, “Vanhu vakandipa ndarama, ndikaikand­a mumoto, muchibva mabuda mhuru iyi.”

Handizive kuti Belington achapomera ani mhosva yekutema mambo. Pamwe achati mweya yetsvina, kana yengozi — asi kufanana nemadhirai­vha emakombi asina hunhu, mweya yetsvina nemweya yengozi ndiwe. Munhu anoregerer­wa ndiye anobvuma mhosva, uye kana abvuma mhosva oratidza kuti ave munhu kwete dhumukwa! Mapenzi ari kuramba achiwanda munyika zvekuti kana tikasagadz­irisa zvinhu, mumakore anotevera nhubu dzichange dzave nenyembe semasoja.

Munhu munhu nevanhu, uye munhu wese ane hama. Hama dzaBelingt­on muri kutiwo kudii nehunhu hwemumwe wenyu? Hamuna kumudzidzi­sawo here kuti baba vanoremeke­dzwa uye amai vanoyera?

Hamuna kumuudzawo here kuti nyika yega yega ine varidzi nevatariri vakagadzwa naMwari.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe