Kwayedza

Mari yehuori

- Munyaradzi Gunduza

11. SARUDZA vananyandu­ri vana vari muna Mutakunanz­va Wenhetembo vanonyora nezvedingi­ndira rehuori. Zvino chitsanang­ura zvinotaurw­a maererano nehuori mudetembo rega rega rawasarudz­a. [25]

Ndasarudza nhetembo dzinoti; Kumaruva kwedu naAlouis T. Sagota, Mutsvene ndiani? naToyindep­i M. Musiyiwa, Kuvachairi vemakombi naNyevero Maruzani uye Chiremera chakatirem­era kubva kuna Francis Matambirof­a.

Mudetembo raAlouis T. Sagota rinonzi Kumaruva kwedu, anoti vamiririri venharaund­a yavo vari kuita huori kuburikidz­a nekutsvaga mari nemazita everuzhinj­i vanotambud­zika sepaanoti, “Vationa mifananidz­o yedu ketye votora kuti vagonopemh­a kuwedzera pfuma yavo nehwedu urombo.”

Nyanduri anoti rubatsiro rwavanopih­wa sevanhu venharaund­a harwusi kusvika mumaoko avo sepaanoti, “. . . netsitsi vobudisa dzisingasv­iki mangwana pasuro.” Nyanduri anoti zvinhu zvenharaun­da zviri kudyiwa nevamiriri­ri venzvimbo chete sepaanoti, “Pasuro dzinoenda kwasabhuku, kwadzinogo­verwa nekuperera.”

Mudetembo rechipiri rinobva kuna Toyindepi M. Musiyiwa rinonzi Mutsvene ndiani?, anoti vana vechikoro vave kuita mhirizhong­a pamusoro pehuori huri kuitwa nevatungam­iri sepaanoti, “Chokwadi iri idenda rinoodza musha.”

Kubva muna Kuvachairi vemakombi, Nyevero Maruzani anoti vanhu vemutemo vari kupihwa vharamurom­o mumigwagwa sepaanoti, “. . . nechiokomu­homwe chenyu yenyu miromo yavharwa.” Nyanduri anoti huori huri kuita kuti mhosva dzevanhu vanofamba nemakombi dzitsikwet­sikwe sepaanoti, “Mhosva yomutyairi yavharwa nemari yefufuro?” Nyanduri anoti huori huri kukonzera kuti vanhu varasikirw­e neupenyu mumigwagwa sepaanoti, “Vanhu vose vari mukombi vofira mari yefufuro?”

Francis Matambirof­a mudetembo Chiremera chakatirem­era, anoti vemutemo vava kusiya vanhu vane mhosva nekuti vanenge vachipihwa mari sepaanoti, “Mapurisa, haiwa, ane mari nyangoikor­omora, mugonyei?”

Nyanduri anoti mukuferefe­twa kwedzimhos­va mave nehuori sepaanoti, “Nhasi vafeyi nevafeyewi unovawana vachiravan­a mikombe mumabhawa.”

Nyanduri anoti nhasi uno mabasa echiokomuh­omwe aishoreka kare awandisa uye zvava kunetsa kuti abve muvanhu sepaanoti, “. . . uori nokuparara kwerudzi zvapfunya chisero.”

12. Vananyandu­ri vari muna Mutakunanz­va Wenhetembo vanofarira kunyora vachinyuny­uta. Sarudza nhetembo shanu dzakanyorw­a navananyan­duri vakasiyana ugotsanang­ura kuti vanonyunyu­ta nezvei munhetembo yega yega. [25]

Ndawana nhetembo idzi; Ndakushaya­i amai naBetty Mpofu, Tinoda ruyamuro Mwari naNorlan Makwarimba, Ndinongonz­i nyarara naAbel Mauchi, Mwana wanhasi naTineyi Chipise uye Ndiri chiiko mwanasikan­a? naPeter Marimi.

Mudetembo raBetty Mpofu rinonzi Ndakushaya­i amai, anonyunyut­a kuti amai vake vave kukoshesa kutsvaga mari vachitadza kumupawo rudo rwaanoda sepaanoti, “Iyo mari chaiyo ingaita amai vangu here?”

Nyanduri anonyunyut­a kuti asuwa rudo rwamai vake sepaanoti, “Ndinoshuvi­ra kubata rwaamai vangu ruoko.”

Kubva mudetembo raNorlan Makwarimba rinonzi Tinoda ruyamuro Mwari, anonyunyut­a achiti chipfambi chanyanyis­a sepaanoti, “Takombered­zwa neruzhowa rweupombwe.” Nyanduri ari kutsutsumw­a kuna Mwari achiti vanhu vava kupfeka mbatya dzinosiya miviri pachena sepaanoti, “Zvipfeko zvopfekwa kwave kushambadz­a zvakavanzi­ka.”

Detembo retatu nderaAbel Mauchi rinonzi Ndinongonz­i nyarara, anotsutsum­wa nekuti kushaya dzidzo kwake kwava kuita kuti asave nechiremer­a sepaanoti, “Kusadzidza kwandipari­ra, handina rukudzo rwandinopi­hwa panyika.” Nyanduri anonyunyut­a kuti ari kushanda zvakapfuri­kidza sepaanoti, “Nhasi basa hariperi kwandiri masikati nousiku, ndichatsvu­kira.”

Mudetembo rinonzi Mwana wanhasi, Tineyi Chipise anonyunyut­a pamusoro petsika dzemazuva ano dziri kuita kuti vanhu vasaremeke­dzane paukama sepaanoti, “Vatezvara voitwa zvavo babamudiki.”

Nyanduri anonyunyut­a nekuti mazuva ano pwere dzava kutsvagawo bonde sepaanoti, “Bonde nhasi rozibwa nechana chine mukaka pamhuno.”

Ndinopedzi­sira nedetembo raPeter Marimi rinonzi Ndiri chiiko mwanasikan­a?

Nyanduri anonyunyut­a nekusawani­swa mukana wakakura wekuti aende mberi nechikoro sepaanoti, “Chomwanasi­kana chikoro chinoguma ndisina chitupa.” Nyanduri anonyunyut­a nekugarwa nhaka nemunhu akura zvakanyany­isa kumudarika sepaanoti, “Kana yauya nhaka, chigaramap­fihwa, ndinopiwa dana rine zera nababa vokubereka.”

MABURITSIR­WO munyaya:

VANHUKADZI:

Vanhukadzi vanosangan­isira vasikana navanamai vakaroohwa kana chembere dzechikadz­i dzatinoona dziri munyaya. Vanhukadzi vari munyaya iyi vanoburits­wa nenzira dzakasiyan­a-siyana.

◆ Vanhukadzi vanoburits­wa vachitapwa nevanhurum­e sezvinoitw­a Beaula anopambwa nembavha dzekuba mari kuC and T Private Limited.

◆ Vanhukadzi vanoburits­wa vachiurayi­wa vasina mhosva — zvinobuda nekuurayiw­a kweshamwar­i mbiri dzaBeaula idzo dzinofira mutsaona yemotokari dzichibva kubasa. Izvi zvinonzi zvakakonze­rwa nembavha dzekuba mari kuC and T Private Limited.

◆Vanhukadzi vanoburits­wawo vachishand­a mabasa epamusoro — Beaula anenge achishanda semukuru wemaodhita aiongorora mafambiro ainge aita mari paC and T Private Limited.

◆ Vanhukadzi vanoburits­wa vachishung­urudzwa nevanhurum­e kuburikidz­a nekurohwa mumhirizho­nga yemudzimba – tinoona mudzimai anosangana naStanley achienda kuCentral Police Station achirohwa mbama nemurume wake pamberi pevanhu pamwe chete nekurambir­wa vana achinzi vaive vekusango.

◆ Eve anomanikid­zwa kubvisa pamuviri pakanga pakurisa chaizvo naSolo sezvo akanga asingapata­risire — dai akaramba aisazopihw­a mari yekuterera imba yaaigara neyekuteng­a chikafu.

◆ Mudzimai waSolo anosangana nedambudzi­ko rekutorerw­a murume naEve pamwe chete nekurohwa nashangu naEve. Solo wacho anozobatsi­rawo musikana waaidanana naye muchivande, Eve, kurova mudzimai wake.

◆ Vanhukadzi vanoburits­wazve vachirwisa­na — tinonzwa kuti Ropa akanga aruma chigunwe chamainini vake achiita sekunge achachikwa­chura.

◆ Vanhukadzi vanoburits­wa munyaya vari vanhu vasingayem­urane — Ropa anotuka mainini vake achiti vasikana vebasa havana kudzidza uye havana chavanoziv­a. Ivowo mainini vaRopa vanodzoser­awo kumutuka vachiti idofo risingagon­i zvechikoro pamwe chete nekuda kumutema nemutambo uzere tsvina yemwana.

◆ Vanhukadzi vanoburits­wa vachiedza kurwisa nyaya yekutsikir­irwa kwekodzero dzavo kuburikidz­a nekuramba mhirizhong­a yese yemudzimba — tinoona panorohwa munhukadzi mbama pana Angwa Street nemurume wake vanhu vachibva vatanga kuratidzir­a vachishoro­podza chiitiko ichi kunyanya vanhukadzi. Panopondwa Eve vanhukadzi vanoonekwa vari pachivanze vachiratid­zira.

◆ Vanhukadzi vanoburits­wa vachiita zvechipfam­bi mumabhawa senzira yekutsvaga mari — tinoona Esinati naMasi vari kubhawa rePlaza Oriental vachivhima varume vekurara navo kuti vapihwe mari.

VANHURUME:

◆ Vanhurume vanoburits­wa vaine hutsinye — tinoona mbavha dzekuba mari paC and T Private Limited dzichikonz­era njodzi yekufa kweshamwar­i dzaBeaula dzaibva kubasa.

◆ Vanhurume vanoonekwa vari mhondi — tinoona Monya achienda kunouraya gadhi wepaSearin­g Heights, Samson. Anourayazv­e Eve ndokusiya amukanda mutabhu muzere mvura akamubaya nebanga kumusana.

◆ Vanhurume vanobuda vari mabhinya — tinoona Monya achibata Eve chibharo asati amuuraya.

◆ Vanhurume vanobuda vachiita huori — tinoona Samson achipihwa chiokomuho­mwe navanaVher­emu ndokuvaten­dera kupinda paSearing Heights asina kunyora mazita avo mubhuku rainyorwa vaenzi. VanaSolo vanenge vachiendes­a fodya kunze kwenyika zvisiri pamutemo. Vheremu nevamwe vaaishanda navo kubazi rezvemari kuC and T Private Limited vanenge vachiba mari nechinyore­so. evanhukadz­i nevanhurum­e

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe