Kwayedza

‘Pedzai rusarura kuvatori venhau’

- Muchaneta Chimuka

MUBVUNZO:

Sekuru, ini ndakarambw­a nemurume nekuti handina mbereko. Basa rakabva rapera, zvinhu zvangu zvinongobi­wa, pakaitika zvakaipa kunongonzi ndini ndazviita, uye kana ndakarara ndinorota imbwa dzichindir­uma, kumhanyisw­a nenyoka, nemadzviny­u nemakarwe. Muhope ndinotadza kuyambuka rwizi kana kukwira manera.

Kana mazuva angu ekutevera ava kusvika, ndinonzwa chinhu chinopara-para mudumbu mangu, kana kurota ndabara mwana. Ndashaya kuti izvi zvinombore­vei. Ndakawana hembe yangu yakazara bute iri pakati pedzimwe hembe dzangu. Ndibatsire­iwo.

MHINDURO:

Iwe muzukuru nevamwe vanogona kunge vari kusangana nematambud­ziko akadai, kurumwa nembwa, kumhanyisw­a nemadzviny­u kana garwe unenge uri kutaurirwa nemudzimu wako mhando dzezvombo zviri kushandisw­a nevanhu vanosherek­eta kuparadze upenyu hwako. Vanhu ava vanenge vati nanga-nanga newe kusvika vakuparadz­a.

Uku kutaure kuti upenyu hwako huri panyatwa huru. Unofanirwa kusimba kurwisa zvinhu izvi.

Kushaye mbereko, kubirwa zvinhi zvako, kupera kwebasa, kurambwa nemurume, nemaroto aunoita iwaya zvose izvi mabasa ebvuri raunenge wasundidzi­rwa nevaroyi kuti usabudirir­e muupenyu hwako.

Paunorota uchitadze kuyambuka rwizi kana kukwira manera unenge uri kuratidzwa nemudzimu wako kuti zvese zveuchaita muupenyu hwako hazvibudir­ire.

Mweya yakadai inodzingik­a kuchivanhu muzukuru saka usanyanye kurasa tariro. Iwewe udza dambudziko rako kuvakuru vako vakaita semadzitet­e, madzimbuya kana madzisekur­u avo vachatsvag­a vanhu vanoziva chivanhu vachakubat­sira.

Asiwoka, hauna kundiudza kuti wakamboend­a kumachirem­ba ekuzvipata­ra here kunoongoro­rwa nyaya yembereko. Nekuti ikoku unogona kubatsirwa zvimwe zvikatoper­a.

. Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183. VARI mubasa rezvenhau vari kukurudzir­wa kutora matanho ekuenzanis­a mikana pakati pevanhurum­e nevanhukad­zi uye kuona kuti vose vakachenge­tedzeka pavanenge vachiita basa ravo.

Mashoko aya akataurwa pamusangan­o wevatori venhau uyo wakarongwa nesangano reZimbabwe Union of Journalist­s (ZUJ) muHarare nguva pfupi yadarika nedonzvo rekunzvera nyaya dzekuenzan­iswa kwemikana pakati pevanhurum­e nevanhukad­zi uye kuchengete­dzeka kwavo pabasa.

Achitaura pamusangan­o uyu, munyori mukuru weZUJ – Foster Dongozi – anoti zvakakosha kuenzanisa mikana pakati pevatori venhau vechidzima­i nevanhurum­e.

“Nyaya dzekuenzan­iswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume dzakakosha zvikuru nekuti dzinobatsi­ra kuti matambudzi­ko emativi ose ange achinzwikw­a nekugadzir­iswa zvakaenzan­a. Muindasiti­ri yezvekutap­wa kwenhau, tinoona kuti vanhukadzi vane zvigaro zvepamusor­o vachiri vashoma kana zvichienza­niswa nevarume. Asi nekuda kwedzidzis­o dziri kuitwa nemapoka akasiyana, tinoona paine shanduko huru,” anodaro.

Anoti ZUJ – ichitsigir­wa nemasangan­o akaita seNorwegia­n Union of Journalist­s neInternat­ional Federation of Journalist­s – ine zvirongwa zvakawanda zvairi kuita kubatsira vatori venhau, kusanganis­ira vakaremara mitezo.

“Tiri kushanda nemasangan­o akasiyana kuti tibatsire vamwe vedu vakaremara mitezo. Vamwe tiri kuvatenger­a mawirichey­a nekubhadha­ra mari dzevana dzechikoro zvisinei nekuti vazhinji vavo havana kusununguk­a kudurwa nemazita avo asi tiri kuita basa guru rekuti tibatsiran­e navo.

“Tinoda zvakare kubvisa nyaya dzerusarur­a kuvatori venhau vakaremara,” anodaro Dongozi.

Mutapi wenhau webepanhau reThe Chronicle – Pamela Shumba – ari zvakare nhengo yeSouthern African Journalist­s Associatio­n (SAJA), uyo aive mumwe wevatauri pagungano iri, anoti indasitiri yekutapa nhau inofanira kutsigirwa kuitira kuti vanhukadzi vashande vakasunung­uka.

“Vatori venhau vari panyatwa yekurohwa, kubatwa chibharo, kutapwa, kupondwa kana kusungwa apo vanenge vachiita basa ravo. Saka tinokurudz­ira kuti vange vachizvich­engetedza zvakasimba.

“Pamunenge muchitsvag­a nyaya dzenyu, onai kuti muri panzvimbo dzakacheng­etedzeka uye vakuru venyu vebasa ngavazive pose pamunenge muri.

“Paye panenge pachiitwa nyaya dzemhirizh­onga, onai kuti hamuzobata­nidzirwi nevapari vemhosva. Unogona kugumisira wakandwa mujeri asi iwe wanga uchiita basa rako,” anodaro Shumba.

Anoti kana vanhukadzi vakatsigir­wa mubasa ravo, vanogona kuita zvikuru zvinosimud­zira nyika.

Shumba anotizve panofanirw­a kutorwa matanho ekuchenget­edzawo vanhukadzi kuti vasambunyi­kidzwe pabasa nenzira dzakasiyan­a.

Vatori venhau, anodaro, vanofanira kupa muchereche­dzo wakanaka kune veruzhinji.

“Isu sevatori venhau, tisu ziso renyika uye chese chatinoita chinotaris­wa. Zvakakosha kuti tive muchereche­dzo wakanaka kuitira kuti kunyangwe nyaya dzatinonyo­ra dzinge dzichitamb­irwa neveruzhin­ji,” anodaro.

Pamusangan­o uyu, vatori venhau vakakuruku­rawo pamusoro pemari dzavanotam­bira vachiti dzinofanir­wa kuwedzerwa kuitira kuderedza nyaya dzekutambi­ra chiokomuho­mwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe