‘Pedzai rusarura kuvatori venhau’
MUBVUNZO:
Sekuru, ini ndakarambwa nemurume nekuti handina mbereko. Basa rakabva rapera, zvinhu zvangu zvinongobiwa, pakaitika zvakaipa kunongonzi ndini ndazviita, uye kana ndakarara ndinorota imbwa dzichindiruma, kumhanyiswa nenyoka, nemadzvinyu nemakarwe. Muhope ndinotadza kuyambuka rwizi kana kukwira manera.
Kana mazuva angu ekutevera ava kusvika, ndinonzwa chinhu chinopara-para mudumbu mangu, kana kurota ndabara mwana. Ndashaya kuti izvi zvinomborevei. Ndakawana hembe yangu yakazara bute iri pakati pedzimwe hembe dzangu. Ndibatsireiwo.
MHINDURO:
Iwe muzukuru nevamwe vanogona kunge vari kusangana nematambudziko akadai, kurumwa nembwa, kumhanyiswa nemadzvinyu kana garwe unenge uri kutaurirwa nemudzimu wako mhando dzezvombo zviri kushandiswa nevanhu vanoshereketa kuparadze upenyu hwako. Vanhu ava vanenge vati nanga-nanga newe kusvika vakuparadza.
Uku kutaure kuti upenyu hwako huri panyatwa huru. Unofanirwa kusimba kurwisa zvinhu izvi.
Kushaye mbereko, kubirwa zvinhi zvako, kupera kwebasa, kurambwa nemurume, nemaroto aunoita iwaya zvose izvi mabasa ebvuri raunenge wasundidzirwa nevaroyi kuti usabudirire muupenyu hwako.
Paunorota uchitadze kuyambuka rwizi kana kukwira manera unenge uri kuratidzwa nemudzimu wako kuti zvese zveuchaita muupenyu hwako hazvibudirire.
Mweya yakadai inodzingika kuchivanhu muzukuru saka usanyanye kurasa tariro. Iwewe udza dambudziko rako kuvakuru vako vakaita semadzitete, madzimbuya kana madzisekuru avo vachatsvaga vanhu vanoziva chivanhu vachakubatsira.
Asiwoka, hauna kundiudza kuti wakamboenda kumachiremba ekuzvipatara here kunoongororwa nyaya yembereko. Nekuti ikoku unogona kubatsirwa zvimwe zvikatopera.
. Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183. VARI mubasa rezvenhau vari kukurudzirwa kutora matanho ekuenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi uye kuona kuti vose vakachengetedzeka pavanenge vachiita basa ravo.
Mashoko aya akataurwa pamusangano wevatori venhau uyo wakarongwa nesangano reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) muHarare nguva pfupi yadarika nedonzvo rekunzvera nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi uye kuchengetedzeka kwavo pabasa.
Achitaura pamusangano uyu, munyori mukuru weZUJ – Foster Dongozi – anoti zvakakosha kuenzanisa mikana pakati pevatori venhau vechidzimai nevanhurume.
“Nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume dzakakosha zvikuru nekuti dzinobatsira kuti matambudziko emativi ose ange achinzwikwa nekugadziriswa zvakaenzana. Muindasitiri yezvekutapwa kwenhau, tinoona kuti vanhukadzi vane zvigaro zvepamusoro vachiri vashoma kana zvichienzaniswa nevarume. Asi nekuda kwedzidziso dziri kuitwa nemapoka akasiyana, tinoona paine shanduko huru,” anodaro.
Anoti ZUJ – ichitsigirwa nemasangano akaita seNorwegian Union of Journalists neInternational Federation of Journalists – ine zvirongwa zvakawanda zvairi kuita kubatsira vatori venhau, kusanganisira vakaremara mitezo.
“Tiri kushanda nemasangano akasiyana kuti tibatsire vamwe vedu vakaremara mitezo. Vamwe tiri kuvatengera mawiricheya nekubhadhara mari dzevana dzechikoro zvisinei nekuti vazhinji vavo havana kusununguka kudurwa nemazita avo asi tiri kuita basa guru rekuti tibatsirane navo.
“Tinoda zvakare kubvisa nyaya dzerusarura kuvatori venhau vakaremara,” anodaro Dongozi.
Mutapi wenhau webepanhau reThe Chronicle – Pamela Shumba – ari zvakare nhengo yeSouthern African Journalists Association (SAJA), uyo aive mumwe wevatauri pagungano iri, anoti indasitiri yekutapa nhau inofanira kutsigirwa kuitira kuti vanhukadzi vashande vakasununguka.
“Vatori venhau vari panyatwa yekurohwa, kubatwa chibharo, kutapwa, kupondwa kana kusungwa apo vanenge vachiita basa ravo. Saka tinokurudzira kuti vange vachizvichengetedza zvakasimba.
“Pamunenge muchitsvaga nyaya dzenyu, onai kuti muri panzvimbo dzakachengetedzeka uye vakuru venyu vebasa ngavazive pose pamunenge muri.
“Paye panenge pachiitwa nyaya dzemhirizhonga, onai kuti hamuzobatanidzirwi nevapari vemhosva. Unogona kugumisira wakandwa mujeri asi iwe wanga uchiita basa rako,” anodaro Shumba.
Anoti kana vanhukadzi vakatsigirwa mubasa ravo, vanogona kuita zvikuru zvinosimudzira nyika.
Shumba anotizve panofanirwa kutorwa matanho ekuchengetedzawo vanhukadzi kuti vasambunyikidzwe pabasa nenzira dzakasiyana.
Vatori venhau, anodaro, vanofanira kupa mucherechedzo wakanaka kune veruzhinji.
“Isu sevatori venhau, tisu ziso renyika uye chese chatinoita chinotariswa. Zvakakosha kuti tive mucherechedzo wakanaka kuitira kuti kunyangwe nyaya dzatinonyora dzinge dzichitambirwa neveruzhinji,” anodaro.
Pamusangano uyu, vatori venhau vakakurukurawo pamusoro pemari dzavanotambira vachiti dzinofanirwa kuwedzerwa kuitira kuderedza nyaya dzekutambira chiokomuhomwe.