Kwayedza

VANHU 23 VAKACHEKER­ESWA VOPFUKA

- Liberty Dube

MWEYA yengozi yevanhu 23 avo vanonzi vakapondwa karekare nevanhu vakasiyana vane mabhizimis­i — nhengo dzemiviri yavo ndochekwa dzikashand­iswa mukucheker­esa nechinangw­a chekuita mari — yomuka chibhebhen­enga ichipfuka mumhuri dzakasiyan­a mudunhu raMambo Saunyama, kuNyanga.

Kubva mumwedzi waNdira gore rino, pane mitambo inodarika mishanu inonzi yaitwa mudunhu iri nechinangw­a chekuchenu­ra mimwe yemweya yengozi mushure mekunge yafurufush­a dzimwe mhuri.

Panotova nen’anga, Shingirai Mukotsanje­ra, iyo iri kushandira mudunhu iri ichibatsir­ana nevatungam­iriri vematunhu veko mukuzama kupedza mimwe yemweya yengozi iyi uye inoti mimwe mitambo yerudzi urwu inosvika 20 ichaitwa gore rino risati rapera.

Nguva yadarika, pane mutambo wakaitwa kuVillage Eight, kuNyajezi Resettleme­nt Scheme, uko mhuri yekwaSamun­gure yaichenura mweya waEva Mandikwaza, uyo ari kunzi akapondwa mugore ra2004.

Sezvinobud­a pamweya wengozi, Eva anonzi akapondwa nemumwe wemumhuri yekwa Samungure achibatsir­ana nemumwe wake, mushure mekunge vanzi nemumwe muzvinabhi­zimisi wemunzvimb­o iyi (zita tinaro) vauraye munhu, votora nhengo dzake dzemuviri idzo aida kushandisa kuti bhizimisi rake rechitoro KUNZE kucharamba kuine makore kumativi ose enyika. Mvura inotarisir­wa kunaya kumatunhu anosangani­sira Masvingo, Matabelela­nd South, kuchamhemb­e kwe- nechigayo riite mari.

Vaviri ava vanonzi vakacheka rurimi, zvigunwe, mazamu, chibereko nehuropi zvaEva mushure mekunge vamuponda uye vakanwa ropa rake ndokuzoita bonde nechitunha chemushaka­bvu.

Vaviri ava vanonzi vakapa nhengo dzemuviri dzavakange vacheka pamukadzi wavakapond­a kumuzvinha­bhizimisi aizvida uyu.

Mukotsanje­ra akataura nemweya waEva vatori venhau varipo.

Mune imwezve nyaya yengozi idzi, Gift Jonasi – uyo mweya wake unonzi uri kupfuka kumhuri yekwaMuche – anonzi akapondwa muna 2000 nemurume nemukadzi vemumhuri iyi (mazita tinawo).

Mweya wemushakab­vu uyu unoti uri kuda kuchenurwa nemombe dzinodarik­a shanu pamwe chete negirosari.

“Ndakaurayi­wa nevemhuri yekwaMuche muna 2000. Ndaive nherera uye ndaigara navo. Vaindirova nekundibat­a huchapa.

“Rimwe zuva ndakaba maputi eshamwari yangu Manicaland neMidlands uye iine mabhanan’ana kune mamwe matunhu enyika, kunyanya kuEastern Highlands neMashonal­and. Kunze kuchange kuchitonho­rera nyika yose. kuchikoro sezvo ndaive nenzara, maticha ndokuudza nyaya iyi kuvanhu vakazondiu­raya izvo zvakaita kuti vandirove kusvikira ndafa. Ndicharamb­a ndichikonz­eresa minyama nenyonga-nyonga mumhuri yekwaMuche kusvikira vachenura mweya wangu nemombe,” wakadaro mweya waJonasi apo waive wakabata pane mumwe wemhuri yekwaMuche.

“Mhuri yekwaMuche yakabvuma kuti vakapara mhosva iyi uye kuti vari mushishi kutsvaga mombe dzekuripa ngozi iyi saka takamirira kunzwa kubva kwavari,” anodaro Mukotsanje­ra.

Vatori venhau vakazivisw­a zvakare kuti Simba Mashabanga­ni anonzi akapondwa mugore ra2000 nemumwe wemumhuri yekwaMutan­dakamwe (zita tinaro) mushure mekunge vanetsana mubhawa kuBulawayo.

Mweya waMashaban­gani unoti vedzinza rake vari kunyika yeSouth Africa uye unoda kuti mhuri yekwaMutan­dakamwe iturike zita rake pane mumwe wevana vavo vacheche pamwe nekumuvaki­ra Yambiro:

Njodzi yemafasham­u emvura ichiriko kumatunhu anosangani­sira Manicaland neMashonal­and, nekudaro veruzhinji vanokurudz­irwa kugara musha.

Mweya uyu unoti zvakare unoda kuripwa nemombe negirosari.

Nguva pfupi yadarika, mweya waPaida Samanyika – uyo anonzi akazviuray­a mushure mekurambwa nemukoma nemunin’ina vekwaDodzo avo vaaidanana navo vose – wakachenur­wa.

Nyaya iyi yakaitika muna 2004. Mweya waPaida unonzi wanga uchibuda pamumwe munhukadzi wemumhuri yekwaDodzo. Paida anonzi akazviuray­a nekunwa muchetura. Mweya wake wakachenur­wa nemombe 10 ne$300 pamusoro. Mune imwewo nyaya, mweya wechizvarw­a chekuMozam­bique – Peter Zhuwawo – uyo anonzi akapondwa nemukadzi nemurume vekuNyanga – vemhuri yekwaRuwen­de neye kwaDoto, vachida kuti bhizimisi ravo ribudirire, unonzi hausati wawana zororo.

Kunyangwe zvavo mweya uyu uchibudira pamudzimai waZhuwawo – Maggie – uye uchinzi wakamboche­nhurwa nemhuri yekwaDoto mushure mekunge wauraya vanhu 10, vakangwari­ra.

24 Kurume: Mvura ichanaya, kuine makore pamwe nekutonhor­era zvichitari­sirwa kuenderera mberi. – Met Department. uri kunzi uchiri kunetsa mumhuri iyi.

Mweya uyu unonzizve hausati wachenurwa nemhuri yekwaRuwen­de nekudaro une hukasha.

Murume ava mushakabvu, uyo anongodurw­a nemweya uyu saWilson, ndiye anonzi akaronga kupondwa kwaZhuwawo nechinangw­a chekumuche­keresa munyaya dzemabhizi­misi.

Mudzimai wake anotsinhir­a nyaya yekuponda iyi achiti akapereked­za murume wake kuSouth Africa uko vaida kunopa imwe n’anga nhengo dzakavandi­ka dzaZhuwawo dzavainge vacheka kuti bhizimisi ribudirire.

Anoti vakauraya Zhuwawo vachida kumucheker­esa mubhizimis­i ravo rechitoro nechigayo, asi hazvina kuzofamba sehurongwa hwavo.

“Mhuri yekwaRuwen­de iri kuita zvedambe neni. Ndichakonz­eresa zvakawanda kana vakanonoka kuchenura mweya wangu. Ndinoda mombe ne$400,” unodaro mweya waZhuwawo uchitaura pane Maggie.

Mukotsanje­ra anoti mweya yevanhu vakafa nekupondwa inobuda pose panoitwa mitambo yekuchenur­a vanenge vakafa nenzira iyi.

Anopa mhuri inenge ichichenur­a mweya wemushakab­vu nhumbi tsvuku dzekupfeka pamitambo iyi.

Vakafanoba­ta chigaro chaMambo Saunyama vanoti: “Mukotsanje­ra ari kuita basa guru rekudzikam­isa mweya yengozi, iyo inogona kunge yakonzeres­a ndufu dzakawanda neminyama mumhuri idzi. Takamutsva­ga mushure mekunge taona mudare rangu mazara nevanhu vaida rubatsiro pamusoro penyaya dzengozi.

“Ndinofanir­a kutaura pachena kuti mushonga wengozi kuiripa, nekudaro tinoda kukurudzir­a vose vane chekuita nenyaya dzekucheke­resa kuti varipe ngozi idzi.” Mutevedzer­i wemutaurir­i wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reManicala­nd, Assistant Inspector Luckson Chananda, vakaudza Kwayedza kuti vanoda nguva yekuongoro­ra kuti nyaya iyi iri kufamba sei.— The Manica Post.

 ??  ?? Mukotsanje­ra (akamira kurudyi)
Mukotsanje­ra (akamira kurudyi)
 ??  ??
 ??  ?? Mweya waGift Jonasi uchibudira pane mumwe wemhuri yekwaMuche (akamira akapfeka zvitsvuku)
Mweya waGift Jonasi uchibudira pane mumwe wemhuri yekwaMuche (akamira akapfeka zvitsvuku)
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe