‘. . . nekuchaya manyoka’
dzavakasiya. Dambudziko rangu nderekuti varume ava vanouya kuhope vachindibvunza kuti ndakavauraira chii,” anodaro Jenje.
Kuti awane hope, Jenje anonwa doro mazuva ose kuitira kuti asaone zvipoko zvevanhu vaakauraisa avo vanomuvinga akarara.
“Zvinondirwadza kuti ndiri kupedza vana vevanhu vasina mhosva nekuda kwemurume akandiisa rukawo asi iye asisandide. Kundiitira hutsinye hwakadaro? Ndinodawo wekudanana naye kana kuroorwa nekuti ndichiri mudiki,” anodaro.
Jenje anoti afamba kwakawanda – kun’anga nekumaporofita munyika muno nekuMozambique — achitsvaga rubatsiro asi zviri kuramba.
Kumwe kwaanofamba achida kubatsirwa, vamwe vacho vanoguma vave kumuda vachiti vanoda kuzvionera kuti dambudziko rake iri richiripo here.
“Ndakatemerwa nyora nekunwiswa mishonga inovava. Imwe n’anga yaindibatsira yakafawo nerukawo urwu. Yaiva n’anga yekuMozambique iyo yaiva nemadzimai mashanu uye yakashinha neni ikatangawo kurutsa ropa nekuita manyoka aiva neropa. Ndinoda kubatsirwa kuti rukawo urwu rwubve,” anodaro Jenje.
Mukadzi uyu anoti kubvira pakaenda vana vake neaimbove murume wake, haana kuzombovaona.
Jenje anoti murume uyu akatombomutumira mashoko panhare yake achimuudza kuti akaroora uye achimubvunza kuti akazoroorwawo here.
Anotizve izvozvi ane murume waari kudanana naye uye vasvitsa mwedzi mitatu vasati vasangana nekutya runyoka urwu.
“Murume uyu, sevamwe vose, anondiitira zvandinoda asi ndi- notya kusangana naye nekuti anofa sezvakaita vamwe.”
Jenje anoti vabereki vake vose vakafa uye anogara natete vake avo vanotiwo vari kuedza nepavanogona kuti muzukuru wavo abatsirwe.
Hama dzeaimbova murume wake, anodaro Jenje, hadzina basa naye sezvo dzichimupomera kuita chipfambi.
Vanoda kubatsira Jenje vanomubata panhamba dzinoti 0779 358 899.