Kwayedza

‘. . . nekuchaya manyoka’

-

dzavakasiy­a. Dambudziko rangu nderekuti varume ava vanouya kuhope vachindibv­unza kuti ndakavaura­ira chii,” anodaro Jenje.

Kuti awane hope, Jenje anonwa doro mazuva ose kuitira kuti asaone zvipoko zvevanhu vaakaurais­a avo vanomuving­a akarara.

“Zvinondirw­adza kuti ndiri kupedza vana vevanhu vasina mhosva nekuda kwemurume akandiisa rukawo asi iye asisandide. Kundiitira hutsinye hwakadaro? Ndinodawo wekudanana naye kana kuroorwa nekuti ndichiri mudiki,” anodaro.

Jenje anoti afamba kwakawanda – kun’anga nekumaporo­fita munyika muno nekuMozamb­ique — achitsvaga rubatsiro asi zviri kuramba.

Kumwe kwaanofamb­a achida kubatsirwa, vamwe vacho vanoguma vave kumuda vachiti vanoda kuzvionera kuti dambudziko rake iri richiripo here.

“Ndakatemer­wa nyora nekunwiswa mishonga inovava. Imwe n’anga yaindibats­ira yakafawo nerukawo urwu. Yaiva n’anga yekuMozamb­ique iyo yaiva nemadzimai mashanu uye yakashinha neni ikatangawo kurutsa ropa nekuita manyoka aiva neropa. Ndinoda kubatsirwa kuti rukawo urwu rwubve,” anodaro Jenje.

Mukadzi uyu anoti kubvira pakaenda vana vake neaimbove murume wake, haana kuzombovao­na.

Jenje anoti murume uyu akatombomu­tumira mashoko panhare yake achimuudza kuti akaroora uye achimubvun­za kuti akazoroorw­awo here.

Anotizve izvozvi ane murume waari kudanana naye uye vasvitsa mwedzi mitatu vasati vasangana nekutya runyoka urwu.

“Murume uyu, sevamwe vose, anondiitir­a zvandinoda asi ndi- notya kusangana naye nekuti anofa sezvakaita vamwe.”

Jenje anoti vabereki vake vose vakafa uye anogara natete vake avo vanotiwo vari kuedza nepavanogo­na kuti muzukuru wavo abatsirwe.

Hama dzeaimbova murume wake, anodaro Jenje, hadzina basa naye sezvo dzichimupo­mera kuita chipfambi.

Vanoda kubatsira Jenje vanomubata panhamba dzinoti 0779 358 899.

 ??  ?? Banga reOkapi iro rinoshandi­swa nemishonga parunyoka.
Banga reOkapi iro rinoshandi­swa nemishonga parunyoka.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe