Kwayedza

‘UKADANANA NENI, UNOFA UCHIRUTSA’

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wechidiki wekuMasvin­go anoti ari kuoneswa pfumvu nezvipoko zvevarume vapfumbamw­e avo vaakadanan­a navo pamakore akasiyana asi vose vakazofa vachirutsa ropa nekuchaya manyoka ane ropa nekuda kwerunyoka kana kuti rukawo urwo rwaakaiswa neaimbove murume wake.

Felistaus Jenje (26) anoti varume vapfumbamw­e ava vose vakafa mushure memazuva matatu ashinha navo.

Anoti pane murume waakamboda­nana naye pakutanga, uyo waane vana vaviri naye, akamushand­isira runyoka rwemhando yebanga apo akamumanik­idza kuvhara banga reOkapi raive rakavhurik­a mushure mekunge amupomera kuita zvechipfam­bi.

Mukadzi uyu anoti ane fungidziro huru yekuti banga iri raive rakapingwa nemushonga uye kurivhara kwaakaita yaitove mhiko yerunyoka paari.

“Ndakaroorw­a mugore ra2008 uye ndine vana vaviri neaimbove murume wangu uyu. Murume uyu aindifungi­ra kuti ndaiita gumbo mumba, gumbo kunze saka akazondish­andisira rukawo rwebanga reOkapi apo akandimani­kidza kurivhara achindirov­a ndikaita sezvaaida,” anodaro.

Anoti mushure memwedzi mitatu amanikidzw­a kuvhara banga iri, murume wake akazotora vana vose achibva atiza navo kuenda kuSouth Africa.

“Tava nemakore matatu tasiyana nemurume wangu. Ndakazodan­ana nevamwe varume pandakasiy­ana naye asi vakatofa kare, vanosvika 9. Varume ava ndaingoti ndikashere­keta navo mushure memazuva matatu vanotanga kurwara vachirutsa ropa nekuita manyoka ane ropa, vobva vafa.

“Vamwe vacho vane mhuri dzavo

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe