‘UKADANANA NENI, UNOFA UCHIRUTSA’
MUDZIMAI wechidiki wekuMasvingo anoti ari kuoneswa pfumvu nezvipoko zvevarume vapfumbamwe avo vaakadanana navo pamakore akasiyana asi vose vakazofa vachirutsa ropa nekuchaya manyoka ane ropa nekuda kwerunyoka kana kuti rukawo urwo rwaakaiswa neaimbove murume wake.
Felistaus Jenje (26) anoti varume vapfumbamwe ava vose vakafa mushure memazuva matatu ashinha navo.
Anoti pane murume waakambodanana naye pakutanga, uyo waane vana vaviri naye, akamushandisira runyoka rwemhando yebanga apo akamumanikidza kuvhara banga reOkapi raive rakavhurika mushure mekunge amupomera kuita zvechipfambi.
Mukadzi uyu anoti ane fungidziro huru yekuti banga iri raive rakapingwa nemushonga uye kurivhara kwaakaita yaitove mhiko yerunyoka paari.
“Ndakaroorwa mugore ra2008 uye ndine vana vaviri neaimbove murume wangu uyu. Murume uyu aindifungira kuti ndaiita gumbo mumba, gumbo kunze saka akazondishandisira rukawo rwebanga reOkapi apo akandimanikidza kurivhara achindirova ndikaita sezvaaida,” anodaro.
Anoti mushure memwedzi mitatu amanikidzwa kuvhara banga iri, murume wake akazotora vana vose achibva atiza navo kuenda kuSouth Africa.
“Tava nemakore matatu tasiyana nemurume wangu. Ndakazodanana nevamwe varume pandakasiyana naye asi vakatofa kare, vanosvika 9. Varume ava ndaingoti ndikashereketa navo mushure memazuva matatu vanotanga kurwara vachirutsa ropa nekuita manyoka ane ropa, vobva vafa.
“Vamwe vacho vane mhuri dzavo