Kwayedza

Akaponda mukadzi

- Kingstone Mapupu

PANE murume wekuMachek­e akasungwa nemapurisa achipomerw­a mhosva yekuponda mudzimai wake uyo aifungidzi­ra kuti aiita chipfambi.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonal­and East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti Robert Tevedzai (38) anonzi nemusi wa13 Kurume nenguva dzemambakw­edza akaponda mudzimai wake, Abigail Chandivata (36), uyo waaigara naye kuVillage 3 kumapurazi ekuMarylan­d.

“Vaviri ava vanonzi vakanetsan­a vakazotang­a kurwa izvo zvakapa vanakomana vavo vaviri vanoti wemakore 8 newemakore 14 ekuberekwa, avo vaiva varere mumba mavo voga, kumuka vachibva vatiza nepahwindo vachinoudz­a Aaron Simbarashe Chiwara (33) anogara chinhambwe,” vanodaro Asst Insp Mwanza.

Chiwara nemumwe wevana vaviri ava vanonzi vakazoenda kumba kwairwiwa uku apo Chiwara akasvikoed­za kuvhura gonhi nekunze. Anonzi akavhundut­sirwa nekurohwa nesimbi naTevedzai zvikaita kuti atye ndokutizir­a kure apo mwana uyu akanohwand­awo nechekure.

Vana vaviri ava vanonzi havana kudzokera kumba.

“Vana ava vakazoona baba vavo vachibva pamba,” vanodaro Asst Insp Mwanza. Dzava kuma5 dzemangwan­ani, zvinonzi Tevedzai akazoenda kuna Diana Matyora (43) anova muvakidzan­i wavo arizve shamwari yaChandiva­ta ndokumuziv­isa kuti aive aponda mukadzi wake.

Matyora akazoenda kumba kwevaviri ava uko akasvikopi­nda mumba akaona mutumbi waChandiva­ta uri mudziva reropa. Mudzimai uyu akazozivis­a veruzhinji zvikaita kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa ekuMacheke.

Tevedzai ari kubatsiran­a nemapurisa mukuferefe­twa kwenyaya iyi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe