Kwayedza

MAKORE 10 KASIKANA (12) KAKATAPWA NEN’ANGA ‘Sekuru vanondibhi­nya’

‘Atova mukadzi wangu’

- Kingstone Mapupu

N’ANGA ine mukurumbir­a kwaChikwiz­o, kuMudzi, mudunhu reMashonal­and East, iri kupomerwa kubata hunhapwa nekubhinya kamwana kasikana kwemakore gumi ako yainge yati inokwanisa kurapa ichiti inoda kutanga yabhadharw­a mari nemombe nevabereki vemwana uyu kuti imudzose.

Jekesani Navhaya (50) — uyo anozivikan­wa saSekuru Pingizi — anogara mubhuku raMushamba uye anonzi akazotorer­wa mwana uyu nechisimba nehama dzake dzichibats­irana nenhengo dzeimwe chechi yekuMarond­era.

Mwana uyu, uyo watichango­dura zita rake saVimbai, anonzi akaendeswa nevabereki vake kun’anga iyi vachida kuti abviswe mamhepo.

Vimbai, uyo ava nemakore 22 ekuzvarwa, anonzi akaendeswa kun’anga iyi makore gumi akadarika zvichireva kuti apa aiva nemakore 12 okuberekwa.

Panguva iyi, Vimbai anonzi ainetswa nezvikwamb­o uye achida kugadzirwa mudzimu.

Zvisinei, Navhaya anoramba kuti aibata mwanasikan­a uyu chibharo achiti vanodanana uye Vimbai ndiye akatanga kumupfimba.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonal­and East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti nyaya iyi haisati yasvika kumapurisa ekudunhu ravo uye vanoshora zvikuru vabereki nehama dzemusikan­a uyu nekusamhan’ara mhosva iyi.

Vimbai anotsanang­ura achisvimha misodzi kuendeswa kwaakaitwa nevabereki vake kun’anga iyi kudzimara yave kurambira naye ichimubata chibharo.

“Ndakaendes­wa kwaSekuru Pingizi nevabereki vangu ndichirwar­a apo ndainzi ndaibatwa nemweya yezvikwamb­o nengozi nekusvikir­wa. Ndakatanga ndichigara naambuya amai ven’anga iyi, ndokuzogum­a ndave kunzi ndirare mukamba kangu ndega apo sekuru ava vaiuya vachindiba­ta ini ndisingade vachinditi ndiri mukadzi wemudzimu wavo,” anodaro Vimbai.

Musikana uyu anoti aigara achidyiswa mishonga nekupihwa mhiko dzakawanda apo aigara muhunhapwa.

“Midzimu 7 inonzi inosvika pana sekuru ava yaisvika ichiti ndakanga ndava mudzimai wasekuru ava uye ndaisakwan­isa kuzvipikis­a. Vaindibata pamadiro uye pasina kudzivirir­a vachiti ndaifanirw­a kuita mwana,” anodaro musikana uyu zvichiteve­ra kununurwa nechisimba kwaakaitwa.

Vimbai anoti n’anga iyi ine vana vatanhatu nemudzimai wayo.

Anoti akange ave kuitwa makumbi wen’anga iyi sezvo yaienda naye kunochera mishonga musango nekuitawo mamwe mabasa “aidiwa nemidzimu”.

“Nekuda kwezvandai­itiswa nen’anga iyi, ndakanga ndisisade kuona vabereki vangu, ndave kufunga kuti n’anga iyi ndiyo chete inoita kuti zvinhu zvangu zvifambe. Vabereki vangu vaiti vakauya vachida kundiona ndaitiza.

“Ndakatemwa nyora muviri wose, hapana pakasara,” anodaro Vimbai achifugura mbatya kuratidza Kwayedza mazinyora ari pamuviri wake — kumeso, kumusana, kudumbu, chipfuva, magadziko, mawoko zvose nemakumbo.

Mimwe yemitemo yaanoti akapihwa nen’anga iyi inosangani­sira kusazora mafuta kana kugeza nesipo inonhuwira, kusabata mwana mucheche ane vhudzi raakazvarw­a naro nekusaenda parufu kana kubatana mawoko nevanhu vari kubva panhamo.

Anoti zvakare akanzi nen’anga iyi haafanire kugerwa musoro upenyu hwake hwose, kusatambid­zana zvinhu nehama kana vabereki vake kana nevamwewo vanhu nekusapfek­a zvitsvuku.

Pamusoro peizvi, anofaniraw­o kudya chikafu chakasanga­niswa nemishonga nen’anga iyi nguva dzose, kusadanana nevakomana nekusaroor­wa, kusadya derere, kufamba nen’anga iyi nguva dzose, kusamhores­ana kana kugumhana nemadzimai ari kutevera nekusaenda kuchikoro.

Vimbai anoti akapihwa mhiko yekuti asaenda kuHarare nedzimwewo nzvimbo dzine magetsi uyewo imhosva huru kuti atorwe mufananidz­o, izvo zvinonzi zvinokonze­ra kufa kana kurwara kwake.

“Pamusoro pemhiko idzi, kumba kwedu chaiko, ndairambid­zwa kudzokera kana kusangana nehama dzangu ndichinzi kune mhepo dzakaipa dzinondirw­isa,” anodaro Vimbai.

Anotizve mhiko dzaakapihw­a dzakaita kuti asvike pakuvenga hama dzake.

Imwe mhiko yakapihwa musikana uyu kusabvumid­zwa kuva nenharembo­zha zvinova zvaanoti zvinoitwa kuvanhu vose vanogara pamusha pen’anga iyi.

“Ndanga ndongogara semhuka pasina chandinofu­nga uye pasina wandinotau­ra naye kunze kwen’anga iyi. Ndaiudzwa kuti kana ndikadzoke­ra kumba kwedu ndainofa.

“Ndaigara ndichitya, kunyangwe pandakanun­urwa ndakatya kutaurira hama dzangu zvose zvandaiitw­a nasekuru ava. Ndainzi hazvitaurw­e, unorangwa nemidzimu.”

Zvakadai, Navhaya anoti haana kubata musikana uyu chibharo asi kuti vaidanana mushure mekunge Vimbai atanga kumupfimba.

“Takawirira­na nemwana uyu. Akangwaris­a. Akauya pano achirwaris­wa nezvikwamb­o zvekumba kwavo ndikamurap­a akapora. Aitya kuenda kumba kwavo achida kugara pano akandipfim­ba, ini ndikati dzawirwa mutswanda.

“Ndiyani angarambe mukadzi? Anga ava mudzimai wangu. Zvemhiko nezvimwe zvaanotaur­a zvaiitwa nasekuru ini handizvizi­ve nekuti ndaiva ndakasviki­rwa,” n’anga iyi yakaudza Kwayedza svondo rino.

N’anga iyi inoti vabereki vemwana uyu vanga vasisade kuti adzoke kumba kwavo, izvo zvinorambw­a naamai vaVimbai.

Amai ava vanotsinhi­ra kuti mwana wavo akanogara kun’anga kubva mugore ra2007 achirapwa asi ndokuzoped­zisira obatwa chibharo.

“Inyaya yandinoziv­a, asi hapana zvataikwan­isa kuita nekuti n’anga iyi yairambira nemwana ichitivhun­dutsira kuti tikamutora bedzi, tose tinopera kufa naiyewo Vimbai wacho,” vanodaro amai ava.

Vanoti n’anga iyi yakasvika pakuvabhad­harisa jongwe rehuku nezviyo mushure mekunge vaibvunza kuti sei

 ??  ?? Jekesani Navhaya, pamwe nekurudyi apo anga akapfeka ngundu
Jekesani Navhaya, pamwe nekurudyi apo anga akapfeka ngundu
 ??  ?? Pamusha paJekesani Navhaya
Pamusha paJekesani Navhaya
 ??  ??
 ??  ?? Irene Mireki
Irene Mireki
 ??  ?? Vimbai
Vimbai
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe