Kwayedza

Muroora anorova tezvara

- Tafadzwa Mutsotso

PANA tezvara vakakwidza nyaya yekurohwa nemuroora wavo achibatsir­ana nemwanakom­ana wavo kumatare edzimhosva vachiti vanzwa nekufurufu­shwa zvekuti rugare hapasisina.

John Tensen akamhan’arira mwanakoman­a wake – Staneford Petros – kuHarare Civil Court achimupome­ra mhosva yekumurova achibatsir­ana nemudzimai wake.

Baba ava vakaudza mutongi wedare iri, Sharon Chipanga, kuti: “Mambo wangu, ndinotodem­ba chakafira mudzimai wangu. Kubva zvakashaya mudzimai wangu, pamba pangu hapana rugare. Mukomana uyu anogara achindifur­ufusha achiti pamba ndepaamai vake.

“Akatombond­irova mushure mekunge ndamutsiur­a kunetsana kwaanogara achiita nehanzvadz­i yake. Ndakamuudz­a kuti itsika isina kunaka iye akati ndamutuka achibva atotanga kundirova.”

Vanoendere­ra mberi vachiti Petros nemukadzi wake havana rukudzo naye zvachose.

“Vave kutojaira tsika isina kunaka nemukadzi wake, yekundiona kunge kapwere kavo. Ndave munhu mukuru, ndini ndakamuche­ngeta mwana uyu kusvika akure kudai uye ndinonyara­ra zvangu nekuti ini ndinonamat­a.

“Mudzimai wake akandirova zvandakaty­a. Handisati ndambozvio­na kuti muroora anorova vatezvara. Ndakamumha­n’arira kumapurisa akasungwa. Nyaya yake yakatongwa akabatwa nemhosva akanzi aite community service kwemwedzi wose,” vanodaro tezvara.

Petros akapikisan­a nababa vake achiti vanoda gwaro redzivirir­o senzira yekumudzin­ga pamba.

“Ini handinetsa­ne nababa. Dambudziko ravo nderekuti vanopindir­a pandinenge ndanetsana nehanzvadz­i yangu. Zvekuti chero gwaro iri (affidavit), havasi ivo vakarinyor­a. Ini ndinotsiur­a hanzvadzi yangu pamusana petsika yake yekugarouy­isa shamwari dzake dzichigara pamba mahara,” akadaro.

Anoenderer­a mberi: “Pese pandinenge ndave kuda kuburitsa vanhu ava pamba nekuti vanenge vasingatip­e mari, baba vanobva vatanga kundituka vachindiud­za kuti imba ndeyavo. Vanondituk­a nezvinyadz­i pamberi pemudzimai wangu nevana zvinova zvinhu zvinondiba­ta chose.”

Mutongi Chipanga akapa baba ava gwaro redzivirir­o.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe